Uchati Kudii Kupwere?
1 Upenyu hwamazuva ano hwaratidza kuva nguva yakaoma zvikuru kune vechiduku vose. Asi, mazana emakore akapfuura mumwe murume akafuridzirwa naMwari akanyora kuti: “Jaya ringaramba richinatsa nzira yaro neiko? Kana richiichenjerera sezvinorayira shoko renyu.” (Pis. 119:9) Zvechokwadi, nhungamiro iri muShoko raJehovha iri kubetsera zviuru zvevechiduku nhasi.
2 Pashure pokurava imwe yenyaya dzinoti “Vechiduku . . . ” muMukai!, rimwe jaya rakati: “Ndaigarodanana nevasikana nguva dzose nemhaka yokuti ndaifunga kuti ndozvinofanira kuitwa. Ndaisafunga zvokuroora. Ipapo ndakarava magazini yenyu inonzi Mukai! Yakachinja tsika dzangu kuva nani. Ndakarega kudanana nevasikana kusvikira ndava kuda kuroora.” Sezviri pachena rakabetserwa nezano rinoshanda rakapiwa. Zvino vechiduku vanogona kuwana zviri nyore mashoko anokosha anobva muMagwaro ayo akabudiswa ava bhuku rinonzi, Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda. Ungaita sei kuti riwanikwe nevechiduku vari mundima yako kana kuti pwere dzokuchikoro?
3 Farira Vechiduku: Kunyengetedza vechiduku kuti vaonge kukosha kweShoko raJehovha kungava kwakaoma. (Ona Zvirevo 22:15.) Zvisinei, muapostora Pauro akati: “KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha.” (1 VaK. 9:20) Nenzira yakafanana, kubetsera pwere kuwana uye kuonga nhungamiro yomudzimu yakafanira kunoda kuti unzwisise vechiduku uye zvinetso zvavo. Unofanira kufunga nezvezvinhu zvinofadza vechiduku uye zviri zvinetso zvavo kuchikoro kana kuti kwavanogara kana kuti kwavanoshanda. Paunopupurira pwere, kunzwisisa uku kunofanira kuratidzwa musumo yako, mutsinhiro dzako, uye mumibvunzo yako. Peji yezviri mukati mubhuku rinonzi Vechiduku ine pfungwa dzakaisvonaka dzokutaura nezvadzo. Ukarovedzana nezvidzidzo izvi, uchanzwisisa zvinofunga vechiduku vakawanda nezvanhasi.
4 Zvaungataura: Paunoenda paimba neimba, ona pane vana. Tsanangura kuti uri kuita basa rinoitirwa vanhu vose kuti ubetsere vanhu kubata nezvinetso zvezuva nezuva. Mudzimba idzodzi ungakwanisa kutaura nevana pachavo. Dudza muenzaniso wezano rinoshanda unowanikwa mubhuku rinonzi Vechiduku. Yeuka kuti vavariro yako ndeyokuvabetsera kuona chokwadi chemashoko aPisarema 119:9. Paunotaura nepwere, iva neushamwari uye iremekedze.
5 Wamukwazisa, ungati:
◼ “Ndiri kuita basa rinoitirwa vanhu vose kuti ndibetsere vechiduku sewe kubata nezvinetso zvavanotarisana nazvo munzanga ino. Unombozviwana uchikurudzirwa kuita zvimwe zvinhu zvausingadi kuita chaizvoizvo here? Kana kuti unoda kuita zvinhu pane dzimwe nguva nokuti ndozviri kuita vamwe kwete nokuti ndozvawazvisarudzira here? Unomboshamisika here kuti ungabata sei nokuda kufanana nevezera rako kwakadaro?” Pashure pokunge apindura, vhura bhuku rinonzi Vechiduku pachitsauko 9. Ipapo iti: “Ndapota ona kuti bhuku rino rinotii papeji 77. [Rava ndima yakakodzera.] Unofunga kuti kudzidza Bhaibheri kungabetsera pwere kubata nezvinetso izvi here? [Bvumira mhinduro.] Ona zvinotaura Bhaibheri pana Pisarema 119:9. [Rava.] Bhuku iri rinokuratidza kuti Bhaibheri rinogona sei kubetsera vechiduku kubata nemigariro yakaoma, yakadai seyakarongwa pazviri mukati.” Mupe bhuku racho uye rigovere nemupiro wenguva dzose.
6 Kana uri muparidzi achiri kuenda kuchikoro, ungapfuurira sezvinotevera:
◼ Ungaisa bhuku rinonzi Life—How Did It Get Here? By Evolution or By Creation? padhesiki rako kuitira kuti vamwe varione. Kana kuti mukana paunovapo, ungavhura mufananidzo uri papeji 83 ndokubvunza mumwe wewaunodzidza naye kana kuti mudzidzisi kuti: “Munofunga kuti madziteteguru edu airatidzika seizvi here?” Pashure pekupindura, ungakurukura mashoko ari papeji 89, ndima 19, ne20. Vamwe vangada kuziva kana vakaratidzwa misoro yezvitsauko zvakarongwa papeji 5. Kubva mumhinduro dzavo, ungakurukura mamwezve mashoko mune dzimwe nzvimbo mubhuku rinonzi Creation, kana kuti ungaratidzira kudzidzwa kungaitwa bhuku racho nokurava ndima ipapo ndokubvunza mubvunzo uri panoperera peji yacho.
7 Jehovha “haadi kuti vamwe varashike.” (2 Pet. 3:9) Ivo vanosanganisira pwere. Zvisinei, vechiduku vakawanda havazopukunyuki Armagedhoni. Kuedza kwedu kuparidzira pwere zvinobudirira ngakugume nekuponeswa kwenhamba huru yevechiduku, zvichiguma nokurumbidzwa kwaJehovha.