RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/99 p. 2
  • Misangano Yebasa yaOctober

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaOctober
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga na4 October
  • Vhiki Inotanga na11 October
  • Vhiki Inotanga na18 October
  • Vhiki Inotanga na25 October
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 10/99 p. 2

Misangano Yebasa yaOctober

Vhiki Inotanga na4 October

Rwiyo 147

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.

17 min: “Shoko raMwari Rouprofita Richaitika!” Itai kuti mashoko ekusuma asapfuura miniti imwe, mobva makurukura nemibvunzo nemhinduro. Dudzai mashoko mashomanana kubva mubhuku idzva ayo anosimbisa kukosha kwenguva yedu.

18 min: Ziva Magazini! Taurai magazini ose akagoverwa neungano mwedzi wapera. Izvi zvinoenzana sei nenhamba yakagamuchirwa kubva kuSosaiti? Kana pane musiyano mukuru, chii chinofanira kuitwa? Kumbirai vateereri kuti vatsinhire pane zvinotevera: (1) Muparidzi mumwe nemumwe anofanira kuodha mugove wakakwana asi wakafanira. (2) Ona Mugovera woga woga seZuva reMagazini. (3) Ronga purogiramu yako yebasa kuti ive nebasa remagazini mwedzi woga woga. (4) Ronga kuita kumwe kupupurira kusina kurongwa uchishandisa magazini kutanga kukurukurirana. (5) Enda nenyaya dzinokosha kune vanhu vebhizimisi nenyanzvi dzezvimwe zvinhu vangangofadzwa nadzo. (6) Chengeta chinyorwa chakarurama chezvawakagovera, uye gara uchiendesa magazini kune vanoada, uchidzokera nguva nenguva neachangobuda. (7) Shandisa zvakanaka magazini ekare api neapi kuitira kuti pasava neanoungana. Ratidza magazini amazuva ano, uye dudza nyaya dzingangokonzera kufarira. Itai kuti munhu mukuru nemuduku mumwe nemumwe wavo aenzanisire mharidzo pfupi yokugovera magazini.—Onai wedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 1995.

Rwiyo 105 nemunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na11 October

Rwiyo 194

10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.

15 min: Zvinodiwa zveungano.

20 min: “Mawanire Atingaita Mufaro Mukuru Mumisangano.” Mibvunzo nemhinduro. Dudzai mienzaniso yakananga yokuratidza kuva nehanya nekukurudzirana kwatingaita pamisangano. Kumbirai vateereri kuti varondedzere mienzaniso kubva muzviitiko zvavo pachavo.

Rwiyo 152 nemunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na18 October

Rwiyo 196

10 min: Zviziviso zveungano nezvakaitika mubasa romumunda.

13 min: “Uri Kutama Here?” Hurukuro inokurudzira inopiwa nemunyori. Vaparidzi pavanoona zvakafanira kuti vatamire kune imwe ungano, zvinokosha kuti vanyatsogadzikana mumhoteredzo yavo itsva kuti vadzivise mhinganidzo dzomudzimu. Simbisai kudikanwa kwekuti vakuru vazive nezvezvirongwa zvakadaro uye ngavakumbire kuti vabetserwe kuwana mashoko nezveungano itsva.

22 min: “Uchati Kudii Kupwere?” Mibvunzo nemhinduro. Simbisai nzvimbo dzingatangwa kubvumiranwa nepwere. Shandisai mukuru achiparidzira pwere kuti aenzanisire mharidzo iri mundima 5, uye muparidzi muduku kuti aenzanisire rimwe remazano ari mundima 6.

Rwiyo 142 nemunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na25 October

Rwiyo 179

15 min: Zviziviso zveungano. Betserai vose kuti vagadzirire kugovera bhurocha rinonzi Anodei kana kuti bhuku rinonzi Zivo muna November. Tsanangurai kuti kugadzirira mharidzo ine chokuita nemubvunzo unoti, “Mwari anopindura minyengetero here?” kungaitwa sei. Shandisai mashoko ari pachidzidzo 7 mubhurocha racho kana kuti chitsauko 16, ndima 12-14, mubhuku. Enzanisirai mharidzo iri nyore ine rugwaro rumwe.

15 min: Kuwana Mhinduro Kumibvunzo yeBhaibheri. Mubatiri anoshumira anotaura nemuparidzi akasangana nemunhu aifarira ane mubvunzo weBhaibheri. Pane kungopa mhinduro, mubatiri anoshumira uyu anotsanangura mawanirwe aingaitwa. Kutanga, anodzokorora mazano ari muBhuku reChikoro, chidzidzo 7, ndima 8-9. Ipapo, pamwe chete vanotsvaka mhinduro yemubvunzo unogarobvunzwa mundima yemunharaunda imomo. Vanotarisa mashoko akananga anobata nenhau yacho ndokuona pfungwa dzinotendisa dzinojekesa chikonzero chikuru chemhinduro yeBhaibheri. Kurudzirai vateereri kuita uku kudzidza kune mubayiro kwekutsvaka mhinduro dzemibvunzo yeBhaibheri.

15 min: Vavariro Dzatingagadza. Hurukuro nekukurukura nevateereri. Dzokororai vavariro dzinoshanda dziri mubhokisi riri papeji 11 muNharireyomurindi, yaMarch 15, 1997. Batanidzai kurudziro yokuita basa roupiyona hwebetsero kana kuti hwenguva dzose. Tsanangurai kuti kuwana vavariro idzi kungatibetsera sei. Kumbirai vateereri kuti varondedzere mumwe wemufaro wavakava nawo pavaigona kuita dzimwe vavariro dzine chokuita nekutonga kunoitwa naMwari.

Rwiyo 151 nemunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe