Mawanire Atingaita Mufaro Mukuru Mumisangano
1 Misangano inokosha kuti tibudirire mumudzimu. Mufaro watinowana kwairi une chokuita zvakananga nezvatinoita misangano isati yatanga, painenge ichiitwa uye yapera. Tingazvibetsera sei isu uye vamwe kuti tirambe tichifara mukupinda misangano pamwero wakakwirira?
2 Misangano Isati Yatanga: Kugadzirira kune mugumisiro wakananga kumufaro watinowana pamisangano. Patinenge takanyatsogadzirira, tinonzwa tichida kunyatsoteerera uye kutsinhira. Uyezve, mugove upi neupi watinopiwa unofanira kunyatsogadzirirwa, nevavariro yokupa mashoko zvakarurama maererano nemirayiridzo uye kuita kuti vateereri vafare. Tinofanira kunyatsodzokorora. Patinova nechimwe chinhu chokuita pamisangano inofadza neinovaka iyo inobetsera munhu wose, kufambira mberi kwedu pachedu kunova pachena uye tinova nemufaro mukuru.—1 Tim. 4:15, 16.
3 Pamisangano: Kutsinhira pamisangano kungatibetsera kuti tinakidzwe nayo zvakanyanya. Zvikamu zvinoda kuti vateereri vatsinhire zvinofanira kuonekwa semugove wemunhu oga nokuda kwemunhu wose ari muungano. Mhinduro pfupi uye dzakananga dzinowanzobudirira zvikuru. Kurondedzera zviitiko zvinovaka nokupfupikisa kunogona kuva kunokurudzira zvikuru nekunopa simba, uye tinofanira kungwarira kuzvibatanidza pari pose pazvakakodzera purogiramu. (Zvir. 15:23; Mabasa 15:3) Patinopa hurukuro pamisangano, tinofanira kutaura zvine upenyu nekutendiswa, tichiita kuti inakidze, ive chaiyoiyo, uye ive inoshanda.
4 Misangano Yapera: Kugovana nevamwe shoko romutsa, kukwazisa kwoushamwari, uye zvimwe zvinhu zvishomanene zvinokosha zvinenge zvadzidzwa pamisangano zvichatibetsera tose. Kuratidza mufaro wedu pakuona vaduku, vakuru, uye vatsva vachitsinhira kunokudza kudanana kwedu sehama. Pane kutsoropodza vamwe vangapotsa misangano, tinofanira kugovana navo mufaro wedu kubva mukupinda, nenzira iyoyo tichivakurudzira kupinda.—VaH. 10:24, 25.
5 Ngatiregei kuzvinyima zvinhu izvi zvinokosha zvine chokuita nekukurudzirana. (VaR. 1:11, 12) Tikatungamirirwa nehana kuedza kuita zvose nomwoyo wose, tose tinogona kuramba tichifara mukupinda misangano yechiKristu.