Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari
Hwirudzuro inoitwa mabhuku akapfigwa pamusoro pamashoko anofukidzwa mumigove yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari nokuda kwamavhiki a4 January kusvikira kuna 19 April, 1999. Shandisai pepa riri roga rokunyorera mhinduro zhinji dzemibvunzo seyamunogona munguva yakagoverwa.
[Onai: Mukati mehwirudzuro yokunyora, Bhaibheri bedzi ringashandiswa kupindura mubvunzo upi noupi. Nongedzero dzinotevera mibvunzo ndedzenzvero yenyu mumene. Nhamba dzamapeji nendima dzingasaoneka panongedzero dzose dzeNharireyomurindi.]
Pindura mutsetse woga woga unotevera kuti Chokwadi kana kuti Nhema:
1. Jehovha akanga asingatauri nguva dzose shoko riri rose rezvakanyorwa muBhaibheri. (2 Tim. 3:16) [w97-CA 6/15 p. 5 ndima 3]
2. Kuwirirana kwemhuri nekukura mumudzimu kwevana kunotsamira zvakazara pavabereki. (Zvir. 22:6) [fy-CA p. 85 ndima 19]
3. Nemhaka yokuti chivi chakanga chichi“vandira pamukova,” Kaini akanga asina nzira yokudzivisa nayo kuita chikanganiso chakakomba. (Gen. 4:7) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w94-CA 6/15 p. 14 ndima 11.]
4. Sezvo pwere inokura, inofanira kungoerekana yapiwa rusununguko rwokusarudza varaidzo yainoda. [fy-CA p. 73 ndima 20]
5. Varume navadzimai vanofanira kuyeuka kuti kunyange zvazvo zvavanotaura zviri zvechokwadi, zvingakuvadza zvakanyanya kupfuura kubatsira kana zvikataurwa noutsinye, norudado kana kuti nokusanzwira tsitsi. (VaK. 4:6) [w97-CA 6/15 p. 24 ndima 19]
6. Kuti ‘kutaura kwemiromo yedu nekufungisisa kwemwoyo yedu kufadze Jehovha’ mumunyengetero, tinofanira kuedza kunyatsotsetsenura nepatinogona napo. (Pis. 19:14) [w97-CA 7/1 p. 29 ndima 4-5]
7. Mirayiro, uye mitemo yaJehovha yakadudzwa pana Genesi 26:5 inoreva iyo yesungano yeMutemo. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w92-CA 7/1 p. 10 ndima 8.]
8. Apo Jesu akataura kuti “Kutenda kwakuporesa,” sezvakanyorwa pana Ruka 8:48, aireva kuti mudzimai airwara aifanira kutaura kutenda kwake maari saMesia asati aporeswa. [w97-CA 7/1 p. 4 ndima 2-4]
9. Patinova nezvinetso, hazviratidzi kuti takundikana kana tikakumbira kubatsirwa, zano, kana kuti munhu anongoteerera. [w97-CA 3/1 p. 28]
10. Kunyange zvazvo pakanga pasina chairatidza kuti Dhina aibvumirana nazvo, aingova nemhaka yekurasikirwa kwake neumhandara hwake. (Gen. 34:1, 2) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w85-CA 12/1 p. 31 ndima 4; w85-E 6/15 p. 31 ndima 4.]
Pindura mibvunzo inotevera:
11. Satani airevei nemataurire ari pana Genesi 3:1-5? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 7/15 p. 5 ndima 1.]
12. Pana Zvakazarurwa 19:15, chii chinomirirwa ne“munondo unopinza” unobuda mumuromo waJesu? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w90-CA 5/15 p. 4 ndima 4.]
13. Chii chakaita kuti muapostora Pauro anyorere ungano yevaKorose tsamba? [w97-CA 5/15 p. 30]
14. Abrahama “[akadana, NW] zita raJehovha” sei? (Gen. 12:8) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w89-CA 7/1 p. 20 ndima 9.]
15. Panhau yaitaurwa, Jehovha airevei paakaudza Pauro kuti: “Nyasha dzangu dzinokuringana”? (2 VaK. 12:9) [w97-CA 6/1 p. 25 ndima 3]
16. Chii chinoratidza pachena kuti ndicho chakaita kuti mudzimai waRoti atarise shure, zvichimuita kuti ave shongwe yomunyu? (Gen. 19:26) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w90-CA 4/15 p. 18 ndima 10.]
17. VaKristu vanoona sei nhau yekutenga zvinhu zvakabiwa? (Eks. 22:1; Jer. 17:11) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w92-CA 6/15 p. 30 ndima 3; p. 31 ndima 1, 6-7.]
18. Maererano naGenesi 33:18, Jakobho akaratidza sei kuti akanga asingadi kushamwaridzana navaKanani? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 9/15 p. 21 ndima 5.]
19. Zviito zvaJosefa zvinorondedzerwa pana Genesi 37:13 zvakafanana sei nezvaJesu? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w87-CA 5/1 p. 12 ndima 12.]
20. Pamichato yechiKristu, vanenge vari pamberi, kubatanidza vanotora mifananidzo vanotarisirwa kupfeka nokuzvibata sei? [w97-CA 4/15 p. 24]
Ipa (ma)shoko kana kuti chitsama chamashoko anodiwa kupedzisa mutsetse woga woga unotevera:
21. Kuti vamwe vane vavariro ․․․․․․․․ pasina chikonzero ․․․․․․․․ zvakangofanana nekuvatonga. [w97-CA 5/15 p. 26 ndima 5]
22. Kuti bhuku raGenesi nderechokwadi kunoratidzwa ne- ․․․․․․․․ kwarinoita iro pacharo, pamwe chete ne- ․․․․․․․․ kwaro nemamwe Magwaro akafuridzirwa asara. [si-CA p. 14 ndima 8]
23. Mienzaniso yaRehobhoami naEri inogona kubatsira vabereki kunzwisisa zvinoitika kana vakanyanya ․․․․․․․․ kana kunyanya ․․․․․․․․ pakurera vana. [fy-CA map. 80-1 ndima 9-13]
24. Kuwana ․․․․․․․․ idanho rinokosha pakuvaka ․․․․․․․․ inotya Mwari. [w97-CA 8/1 p. 4 ndima 5]
25. Kumhan’ara chinhu chakaipa chiito chinoratidza rudo rune nheyo rwechiKristu kuna ․․․․․․․․, ku- ․․․․․․․․, uye ku- ․․․․․․․․. [w97-CA 8/15 p. 30 ndima 2]
Sarudza mhinduro yakarurama mumutsetse woga woga unotevera:
26. Chirango (chakaoma; chakapfava; chakafanira) chinoratidza rudo rwomubereki kumwana wake. (VaH. 12:6, 11) [fy-CA p. 72 ndima 18]
27. Genesi 7:6, 11 inotaura nezvegore ra(2970; 2370; 2020) B.C.E., “panguva yokuuya kwemvura zhinji panyika.” [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona si-CA p. 294 chati.]
28. Pana Johane 8:32, kusununguka kwaifungwa naJesu kwaiva kusunungurwa (pakutongwa nevaRoma; kumashura; kuchivi norufu). [w97-CA 2/1 p. 5 ndima 1]
29. Mukuzadzika kwokupedzisira kwaGenesi 22:18, mbeu inoreva (Isaka; vaIsraeri; Jesu nevane 144 000). [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w98-CA 2/1 p. 14 ndima 8.]
30. (Kuteerera Mutemo waMosesi; kuti Mwari ariko uye kutya kumutsamwisa; kutya kurangwa) ndiko kwakabatsira Josefa kudzivisa achibudirira muedzo wounzenza. (Gen. 39:9) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w81-CA 8/1 p. 5 ndima 2; w81-E 2/15 p. 7 ndima 2.]
Wiriranisa Magwaro anotevera nemitsetse yakarongwa pasi apa:
Zvir. 5:3, 4; 15:22; 20:11; VaEf. 5:19; 2 Tim. 3:16
31. Zvinokosha kuti vabereki vave nechokwadi chokuti vana vavo vanonzwisisa nemwoyo wose kukosha kwekurarama upenyu hwakachena mutsika. [fy-CA p. 67 ndima 8]
32. Kutaurirana zvakavanzika kwevabereki nevana vavo vari kuyaruka kunokosha kuti varambe vachikurukurirana. [fy-CA p. 65 ndima 4]
33. Chinhu chinokosha chokuvandudza kuimba pamisangano yeungano kuva nechimiro chakanaka chemwoyo. [w97-CA 2/1 p. 27 ndima 3]
34. Kunzwisisa dzidziso dzeShoko raMwari, Bhaibheri, chinhu chinodiwa kuti tizowana upenyu husingaperi. [w97-CA 8/15 p. 6 ndima 5]
35. Kuti tidzivise kuedzwa kuita unzenza, tinofanira kunzwisisa kuti hwakaipa uye kuti hune migumisiro ine ngozi uye inorwadza. [fy-CA p. 93 ndima 9]