Une Odha Yako Pachako Here?
1 Wati wamboenda kumusangano webasa romumunda ndokuona kuti wakanga usina magazini mubhegi rako rokupupurira here? Zvakanaka, yeuka wedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 1995 yaiva nomusoro unoti “Shandisa Zvakanakisisa Magazini Edu.” Yakatiudza kuti ti“v[e] neodha chaiyoiyo yemagazini,” ichitaura kuti: “Isa odha chaiyoiyo kuhama inotarisira magazini nokuda kwenhamba chaiyoiyo yamakopi echinyorwa chimwe nechimwe. Muiyi nzira, iwe nemhuri yako muchava nemugove wenguva dzose uye wakakwana wemagazini.” Wakaita izvi here?
2 Wadii kukumbira odha yako pachako yemagazini? Uchanzwa mutoro wakati kurei wokuti uparadzire magazini acho vhiki nevhiki, uye uchawana mufaro wakakura pakuita kudaro. Kana uchitova neodha yako pachako, ongororazve kana uri kuwana nhamba yaunoda kuti ugovere muushumiri pamwedzi paavhareji. Ichokwadi kuti tinoda kuva vakatendeka pakutora odha yedu mavhiki ose uye tinofanira kunzwa tichisungirwa kuita kudaro. Kana uchizova usiri muungano kwenguva yakareba, ita kuti anotarisira magazini azive kana uchida kuti azopa mumwe munhuwo zvake magazini ako kusvikira wadzoka.
3 Wedzero ine mashoko ataurwa pamusoro apa yakatiwo tinofanira ku“ronga zuva remagazini renguva dzose.” Unogona kutsigira Zuva Remagazini revhiki nevhiki here? Sezvakaratidzwa paKarenda ya1999 yeZvapupu zvaJehovha, Mugovera woga woga wegore! Usarerutsa kukosha kwokuparadzira Nharireyomurindi neMukai! Patinoita zvatinogona kuti tiitewo basa remagazini zvakakwana, tiri ku“uya namashoko akanaka ezvinhu zvakanaka” kuvavakidzani vedu.—Isa. 52:7.