Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna March: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi ne$13,00 (rine butiro repepa: $10,00) Tichaedza kuita zvinopfuura zvatinowanzoita kuti titange fundo dzeBhaibheri dzepamusha. April naMay: Kuzvinyoresa kuNharireyomurindi ($80,00 gore rimwe; $40,00 mwedzi mitanhatu), neMukai! ($40,00 gore rimwe). Garai mune bhurocha raAnodei kuitira vanhu vanofarira, uye edzai kutanga fundo dzeBhaibheri dzepamusha. June: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi ne$13,00 (rine butiro repepa: $10,00).
◼ Vaparidzi vanoshuva kushanda semapiyona ebetsero muna April naMay vanofanira kuita gadziriro zvino ndokuunza mafomu avo okukumbira nokukurumidza. Izvi zvichabatsira vakuru kuti vaite gadziriro dzebasa romumunda dzakafanira nokugara vane magazini kana mamwe mabhuku zvakaringana. Mazita evose vakatenderwa kuva mapiyona ebetsero anofanira kuziviswa kuungano.
◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu akasarudzwa naye anofanira kuongorora akaunzi dzeungano musi wa1 March kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Kana izvi zvaitwa, zivisai ungano kana mushumo weakaunzi unotevera waraviwa.
◼ Chirangaridzo chichaitwa musi weChina, 1 April 1999. Kana ungano yenyu ichiwanzova nemisangano musi weChina, iyi inofanira kuchinjirwa kune rimwe zuva revhiki kana Horo yoUmambo isingashandiswi. Kana izvi zvisingaiti uye Musangano wenyu Webasa uchidzongonyedzwa, hurukuro dzinonyanyoshanda kuungano yenyu dzingabatanidzwa pane mumwe Musangano Webasa.
◼ Vanosonganira neungano vanofanira kutumira kuzvinyoresa kwavo kugamuchira Nharireyomurindi neMukai! kutsva nekwokumutsidzira, kubatanidza kuzvinyoresa kwavo ivo pachavo, nokuungano.
◼ Zvinokosha kuti mapoka evanhu 20 kana kupfuura ari kuronga kushanyira zvivako zveSosaiti atange anyorera hofisi yedu tsamba. Tapota ipai mashoko nezvenhamba yevari kuuya nezuva nenguva zvokushanyira bazu racho.
◼ Ungano dzakawanda hadzikurumidzi kuodha mabhuku achafundwa paFundo Yebhuku Yeungano kana kuti okushandisa mumunda, sezvakakurudzirwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Zvinozoitika ndezvokuti, vanouya kuhofisi yeSosaiti iri muna Beema Road kana kuenda kuna 35 Fife Avenue vachikumbira mabhuku akawanda. Tinoda kusimbisa kuti hofisi yedu haichachengetizve mabhuku akawanda. Odha dzose dzeungano DZINOFANIRA kutumirwa nesu kubazu reSouth Africa pachine dzinenge vhiki nhanhatu kusvikira kusere.
◼ CHEREKEDZAI: Nyange ungano yenyu ine akaundi isina kunaka, tapota cherekedzai kuti muchiri kubvumirwa kuodha mabhuku achafundwa paFundo Yebhuku Yeungano. Mungaodhawo mafomu eungano.
◼ Tinokurudzira vaparidzi vaduku kuti vafunge nezvekuita upiyona hwebetsero mumazororo avo echikoro muna April. Zvapane mazororo enyika akati kuti mumwedzi iwowo, vaparidzi vakura vangafunga kushanda pamwe nevaduku mubasa mumwedzi uyu.
◼ CHIZIVISO CHINOKOSHA: Dzimwe ungano nevaparidzi vave vachitumira tsamba kuSosaiti vachishandisa 14 Beema Road, Mount Hampden, sekero. Izvi zvakaguma nokurasika kana kunonoka kwetsamba. Tapota shandisai kero inowanika patsamba dzeSosaiti, yokuti, P. Bag A-6113, Avondale. Kushandira pamwe kwenyu panhau iyi kuchaongwa zvikuru.