Misangano Yebasa yaMarch
Vhiki Inotanga na1 March
8 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo.
17 min: “Kuyeukwa Kworufu rwaKristu Munyika Yose.” Mibvunzo nemhinduro. Batanidzai tsinhiro dzinobva muNharireyomurindi yaFebruary 1, 1997, mapeji 11-12, ndima 10-14. Simbisai kuti rudo rukuru rwaJehovha rwakamuita sei kuti atipe rudzikinuro.
20 min: Zvikonzero Zvinogombedzera Kuita Upiyona Hwebetsero Muna April naMay. Hurukuro nokukurukura navateereri inoitiswa nomutariri webasa, achikurudzira vose kuti vafungisise nezvekuita upiyona hwebetsero. Hwirudzurai kuderedzwa kwemaawa anodiwa kumapiyona enguva dzose neebetsero, sezvakaratidzwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 1999, peji 5. Uku kuderedzwa kunofanira kuita kuti vamwe vakawanda vave neropafadzo yebasa renguva yakazara. Tsanangurai kuti kuonga kwedu chibayiro chaKristu kunoita sei kuti tizvishandise mukuparidzira vamwe. (2 VaK. 5:14, 15) Gore rino Chirangaridzo chiri pazuva rokutanga raApril. Chinhu chakaisvonaka sei chinokurudzira vaparidzi vose voUmambo kuti vashandise mwedzi wose kubasa rakawedzerwa! Hwirudzurai pfungwa huru dzakasarudzwa kubva muwedzero dzoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaFebruary 1997 naMarch 1998 dzine chokuita nebasa roupiyona hwebetsero. Fungai nezvenzira dzokushandisa nadzo purogiramu dzomuenzaniso dzakagoverwa. Hwirudzurai gadziriro dzebasa dzomuungano yenyu, dzinopa mukana wakakwana wokuitawo ushumiri nevamwe. Kurudzirai vaparidzi kuti vawane mafomu okukumbira upiyona hwebetsero kana musangano wapera.
Rwiyo 44 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na8 March
10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.
20 min: “Vakoke Kuti Vauye.” Mibvunzo nemhinduro. Simbisai kudiwa kwokugaroratidza vachangobva kufarira kunoitirwa misangano yeungano. Enzanisirai kukurukurirana nomunhu anofarira, muchishandisa mashoko ari mubhuku raZivo, peji 159, ndima 20, uye mapeji 162-3, ndima 5-8. Kurudzirai munhu wose kuti atamburire kupfuura zvenguva dzose kuti abatsire vadzidzi veBhaibheri nevamwe vanofarira kuti vapinde Chirangaridzo musi wa1 April. Ratidzai kopi yekasiripi kokukoka kakadhindwa, uye tsanangurai kuti kangashandiswa sei zvinobudirira. Vose vanofanira kutanga kuparadzira masiripi okukoka vanhu kuChirangaridzo vhiki ino.
15 min: “Kushandira Pamwe Kunoita Mitezo Yemhuri Kuti Igoverane Zvakakwana—Pamisangano Yeungano.” Kukurukura kunoitwa neboka remhuri. Sezvavanotsinhira papfungwa huru dziri munyaya yacho, vanokurukura kuti vangagadzirira sei misangano semhuri. Vanokurukura nzira dzavangabatsirana nadzo kutsinhira nechingaitwa kuti mhuri isvike kumisangano panguva.
Rwiyo 62 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na15 March
10 min: Zviziviso zveungano.
15 min: “Vabatiri Vanoshumira Vanoita Basa Rinokosha.” Hurukuro inoitwa nomubatiri anoshumira anokwanisa. Hwirudzurai pfungwa huru dzinotaurwa mubhuku raUshumiri Hwedu, mapeji 57-9. Tsanangurai kuti vabatiri vanoshumira vanoshandiswa sei muungano yenyu kuti vabatsire ungano.
20 min: Tinofanira Kuita Sei Patinopiwa Zano? Hurukuro inoitwa nomukuru. Tose zvedu tingangopiwa zano rine chokuita nemafungire edu, mufambiro, vatinoshamwaridzana navo, kana kuti kuitawo mabasa eungano. Dzimwe nguva tinongoda zvokuramba zano kana kuti kutsamwa. Kunzwa tichida kubvuma zano ndokurishandisa kungaita zvinokosha pakubudirira kwedu mumudzimu. Hwirudzurai zvinhu zvinokosha zvinosimbisa zvikonzero nei tichifanira kubvuma zano nokurionga.—Onai Nharireyomurindi yaApril 1, 1987, mapeji 27-30.
Rwiyo 68 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na22 March
10 min: Zviziviso zveungano. Zivisai mazita evachange vachiita upiyona hwebetsero muna April. Tsanangurai kuti hakusati kuri kunyanyononoka kuunza fomu rokukumbira. Zivisai purogiramu yose yemisangano yebasa yakarongerwa mwedzi waApril. Kurudzirai vose kuti vatevere purogiramu yokurava Bhaibheri yeChirangaridzo yemisi ya27 March–1 April, sezvakarongwa muna Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva—1999 uye paKarenda ya1999.
15 min: Gadzirira Chirangaridzo. Hurukuro. Vose vanofanira kuronga kubatsira vadzidzi veBhaibheri nevamwe vanofarira kuti vapinde Chirangaridzo. Vatsva vanopinda vangasanzwisisa kuti ndivanaani vangadya zviratidzo kana kuti kuchengeta uku kunorevei. Hwirudzurai zvakataurwa muNharireyomurindi yaApril 1, 1996, mapeji 6-8, uye ratidzai kuti tingabatsira sei achangobva kufarira kuti anzwisise zvinorehwa nechirangaridzo uye nechinangwa chacho. Gumisai nokuhwirudzura “Zviyeuchidzo zveChirangaridzo” nokuzivisa gadziriro dzeChirangaridzo dzeungano yenyu.
20 min: Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa? Mukuru anokurukura kukosha nokushanda kwebhurocha racho nevaparidzi vaviri kana vatatu vanokwanisa. Takaziva bhurocha iri zviri nani patakarifunda paFundo Yebhuku Yeungano. Tiri kurishandisa zvakanaka mubasa romumunda here? Boka racho rinokurukura zvinotevera: Nei vanhu vakawanda vachifarira nhau iyi? Kusiyana nedzidziso dzenhema dzezvitendero, bhurocha iri rinosimbisa tariro ipi? Tingashandisa sei mibvunzo iri pabutiro rokumashure kuti tinyandure kufarira? Mikana ipi iripo yokugovera bhurocha iri? Enzanisirai mharidzo muchishandisa magwaro ari mundima 14 iri papeji 27. Kurudzirai vose kuti vangwarire kushandisa bhurocha iri zvakanaka.
Rwiyo 92 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na29 March
12 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidzai vose kuti vaunze mishumo yavo yebasa romumunda yaMarch. Vose vanofanira kutakura bhurocha raAnodei ndokurishandisa kutanga fundo dzeBhaibheri nevanhu vanofarira.
15 min: Zvinodiwa zveungano.
18 min: Kunakidzwa ne1999 Yearbook. Kukurukurirana kwomurume nomudzimai. Murume anotsanangura kuti Yearbook yakatanga kubudiswa sebhuku muna 1927 uye kuti kwemakore anopfuura 70, rakabatanidza mushumo wenyika yose weZvapupu zvaJehovha. Vanohwirudzura zvinhu zvinokosha zve“Nhamba Huru dza1998,” dziri papeji 31. Ipapo vanokurukura “Tsamba Inobva kuDare Rinodzora,” iri pamapeji 3-5, uye vanotsinhira kuti vachaitei nezvezvakurudzirwa. Kana Yearbook isipo, kurukurai mushumo wokupedzisira wemutariri wedunhu.
Rwiyo 118 nomunyengetero wokugumisa.