Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
Kuyeukwa kweChirangaridzo gore rino kuchaitwa musi weChina, 1 April. Vakuru vanofanira kufunga nezvezvinhu zvinotevera:
◼ Pakuronga nguva yomusangano wacho, ivai nechokwadi chokuti zviratidzo hazvizopfuudzwi kusvikira zuva ravira.
◼ Munhu wese, kubatanidza mukurukuri, anofanira kuziviswa nezvenguva chaiyo nenzvimbo zvokuchengeta kwacho.
◼ Rudzi chairwo rwechingwa newaini zvinofanira kuwanwa nokugadzirirwa.—Onai Nharireyomurindi yaFebruary 15, 1985, peji 19.
◼ Ndiro, magirazi, uye tafura yakakodzera nejira repatafura zvinofanira kuunzwa kuhoro ndokuiswa panzvimbo pachine nguva.
◼ Horo yoUmambo kana kuti imwe nzvimbo yokusanganira inofanira kucheneswa zvakakwana nguva isati yakwana.
◼ Varindiri nevafambisi vezviratidzo vanofanira kusarudzwa ndokurayiridzwa pachine nguva nezvemabasa avo nenzira yakafanira yokuita nayo.
◼ Panofanira kuitwa gadziriro dzokugovera chero upi zvake wevakazodzwa anorwara uye asingakwanisi kuvapo.
◼ Kana ungano dzinopfuura imwe dzakarongwa kuti dzishandise Horo yoUmambo imwe chete, panofanira kuva nokushandira pamwe kwakanaka paungano kuitira kuti kuwandisa kusina kufanira mumikoto kana munzira dzokupinda namo, mokufamba namo, uye mokupakira kudziviswe.