Chisarudzo Chedu—Kutevera Nzira yaMwari Youpenyu
1 Pfungwa huru paKokorodzano dze“Nzira yaMwari Youpenyu” chaiva chisarudzo chakagamuchirwa muhurukuro yokugumisa. Chakatanga nokuzivisa kuti: “Isu . . . tinobvuma nomwoyo wose kuti nzira yaMwari ndiyo nzira yakanakisisa youpenyu.” Yeuka mamwe mashoko echisarudzo ichocho atakapindura kuti, “HONGU!”
2 Chisarudzo chedu kuramba takachena pamberi paJehovha, tisina gwapa renyika. Ticharamba tichiisa zvinodiwa naMwari pakutanga muupenyu hwedu. Tichishandisa Shoko rake, Bhaibheri, senhungamiro yedu, hatizotsaukiri kurudyi kana kuruboshwe, nokudaro tichisimbisa kuti nzira yaMwari yakakwirira nekure kure kupfuura nzira yenyika.
3 Nyika yose zvayo haina basa nenzira yaMwari youpenyu uye inokohwa migumisiro yacho. (Jer. 10:23) Naizvozvo tinofanira kuramba tichidzidziswa neMurayiridzi wedu Mukuru, Jehovha, uyo anoti: “Heyi nzira, fambai nayo!” (Isa. 30:21) Nzira yaJehovha youpenyu, semanyorerwe ayakaitwa muMagwaro, yakakwirira munzira dzose. Kuti titevere nzira iyoyo, zvinokosha kuti tishandise zvakazara zvose izvo Jehovha anotidzidzisa.
4 Purogiramu Yokudzidzisa Yakakwirira yaJehovha: Jehovha anotidzidzisa chinangwa chaichoicho choupenyu uye mashandisire atinogona kuita upenyu hwedu munzira yakanakisisa. Anotidzidzisa nzira yokuvandudza nayo manakire oupenyu hwedu mupfungwa, mutsika, uye mumudzimu. Anotidzidzisa kuti tingagara sei murugare nehama dzedu, nemhuri dzedu, uye nevamwe vanhu. Anoita izvi nebhuku rake, Bhaibheri, uye nesangano rake.
5 Misangano yedu yeungano inokosha kwazvo panhau iyi. Patinopinda nguva dzose nokutsinhira pamisangano yose mishanu, tinowana kurovedza kunobatanidza zvakawanda sevashumiri vemashoko akanaka uye dzidzo inobata mararamire ose echiKristu. (2 Tim. 3:16, 17) Murayiridzi wedu Mukuru anotipawo dzidzo yeubati ushe hwaMwari achishandisa magungano nekokorodzano. Chinangwa chedu chinofanira kuva chokusamborega kupinda musangano kana utano hwedu nemamirire ezvinhu achitibvumidza kupinda.
6 Ngatirambei tichironda nzira yaMwari youpenyu mumazuva ari kutevera, zvose izvi kuti Jehovha arumbidzwe uye kuti tibetserwe nokusingaperi!—Isa. 48:17.