Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna September: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi nokuda kwe$9,00. October: Kuzvinyoresa kweNharireyomurindi ($52,00 gore rimwe; $26,00 mwedzi mitanhatu) neMukai! ($26,00 gore rimwe). November: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi nokuda kwe$9,00. December: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi.
◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu waakasarudza anofanira kunzvera akaunzi dzeungano pana 1 September kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Zivisai ungano apo izvozvi zvinenge zvaitwa.
◼ Vakuru vanoyeuchidzwa kuhwirudzura mirayiridzo yakapiwa pamapeji 21-3 eNharireyomurindi yaApril 15, 1991, ine chokuita nevapi nevapi vakadzingwa kana kuti vanhu vakazvibvisa musonganiro vangava vachifunga kudzorerwazve.
◼ Nhamba Itsva Yapamusoro: Kunyange zvazvo mushumo wedu waMay uchiratidza nhamba yapamusoro yevaparidzi 28 637, chaizvoizvo nhamba itsva yapamusoro yakanga iri 27 086. Pakanga pane mishumo yaApril 1 551 yakanonoka nemhaka yokuramwa mabasa kwe PTC muna May.
◼ Sosaiti haiitiri muparidzi mumwe odha dzemabhuku. Mutariri anotungamirira anofanira kuronga kuti ungano iziviswe mwedzi mumwe nomumwe kuitira kuti vose vanoda kuwana mabhuku avo vazivise hama inotarisira mabhuku. Tapota rambai muchiyeuka kuti zvinyorwa zvipi zviri zvinhu zveodha chaiyo.
◼ Sosaiti iri kuda kuyeuchidza vaparidzi kuti havafaniri kugarisa panoitirwa fundo yebhuku pashure pefundo. Zvakacherekedzwa kuti vamwe vaitisi vanopedza maminiti gumi kusvikira kugumi nemashanu pashure pefundo vachipindura mibvunzo yakafanorongwa neboka. Sosaiti ingada kudzivisa “misangano yokuwedzera” yakadaro inoitwa pashure pefundo. Kana vanhu vane zvinhu zvinokosha zvavanoda, zvinogona kukurukurwa padzimwe nhambo kana kuti pashanyo dzokufudza.