Misangano Yebasa waAugust
Vhiki Inotanga na3 August
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa zvemuUshumiri Hwedu hwoUmambo. Tsinhirai pamusoro pomushumo webasa romumunda waApril wenyika yacho neweungano yomunzvimbomo.
15 min: “Mwedzi waAugust Uchava Wakanakisisa Here?” Mibvunzo nemhinduro. Kurudzira munhu wose kuva norutivi muushumiri muna August uye mwedzi woga woga wegore rebasa idzva.
20 min: “Shandisa Mabhurocha Kukwezva Ndangariro Nomwoyo.” Kukurukura nevateereri. Hwirudzurai nokupfupikisa mabhurocha akabudiswa makore apfuura kuti azivise vanhu nhau dzomuMagwaro dzinokosha. (Ona Watch Tower Publications Index 1986-1995, mapeji 652-3.) Dudzai mabhurocha ariko zvino, uye kurukurai kuti ndevapi vangangofarira kugamuchira rimwe nerimwe rawo. Ipai mienzaniso miviri yamataurire acho.
Rwiyo 191 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na10 August
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo wemaakaunzi. Dudzai nharidzano yevaparidzi vose yokutora rutivi muushumiri muna August.
20 min: “Basa Rokupayona—Unogona Kuriita Here?” (Ndima 1-14) Mutariri webasa anopa tsinhiro pfupi dzokutanga, achikurudzira vose kufunga zvakakomba pamusoro pokupayona. Tevere anokurukura mubvunzo 1, kubatanidza tsinhiro pamusoro pe“Enthusiastic Pioneer Spirit” iri muYearbook ya1998, mapeji 104-5. Mitezo miviri kana mitatu yeungano yakambopayona inomukumbanira pachikuva kuzokurukura mubvunzo 2. Vanokurukura nzira inoshanda, yechokwadi pamusoro pokuti zvinobvira sei kuwana zvokunyama samapiyona. Tevere vabereki vaviri vanokumbanira boka racho kuzokurukura mubvunzo 3. Vanopa zvikonzero zvakanaka nei pwere dzichifanira kufunga zvakakomba nezvebasa renguva yakazara. Kurudzirai vose kupinda musangano mavhiki maviri anotevera, pachakurukurwa mibvunzo yasara.
15 min: “Pwere—Shandisai Mukana Wokuva Kwenyu Kuchikoro.” Mibvunzo nemhinduro. Wedzerai tsinhiro dzinobva muMukai! yaApril 8, 1992, mapeji 23-25, 1992, uye Nharireyomurindi yaJuly 15, 1991, mapeji 23-6.
Rwiyo 37 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na17 August
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Kumbirai tsinhiro pfupi pamusoro pemawanire ezita nekero zvomunhu akaparidzirwa mumugwagwa, mupaka, kana kumwewo kuitira kuti munhu anofarira uyu agowanikwa.
35 min: “Kuramba Uchipa Ngwariro Kubasa Rokukurumidzira Rokuita Vanhu Vadzidzi.” Mibvunzo nemhinduro. Rava ndima 5, 10, uye11. Hwirudzurai kuti basa reFundo yeBhaibheri riri kufambira mberi sei munzvimbomo. Kurudzirai vose vari kuitisa fundo kuravazve wedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 1996 kuitira kuti vavandudze unyanzvi hwavo hwokudzidzisa. Kurukurai ndima 5 ne25 dzewedzero iyoyo.
Rwiyo 108 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na24 August
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Kurukurai bhokisi rakanzi “27 000!” riri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJuly 1998. Zvakune kupera kwevhiki kumwe kwasara muna August, kurudzirai munhu wose kuva norutivi muushumiri mwedzi usati wapera. Hwirudzurai “Purogiramu Itsva yeZuva reGungano Chairo.”
15 min: Kutsungirira Kwaungaita Mubasa Roupiyona. Hurukuro yakavakirwa paNharireyomurindi yaSeptember 15, 1993, mapeji 28-31. Bvunzurudzai piyona akadzidza kurarama nezvinetso zvakakomba uye ari kupfuurira kupayona.
20 min: “Basa Rokupayona—Unogona Kuriita Here?” (Ndima 15-25) Hurukuro nekurukurirano zvinoitiswa nomukuru. Fanorongai kuti mapiyona nevakambopayona vape tsinhiro dzinobva pamwoyo pakupindura mibvunzo 4-5. Vanosimbisa kudikanwa kworudungwe rwakanaka uye kuomerera parwuri, vachipa mienzaniso yorudungwe rwevhiki nevhiki runoshanda. Mukuru anogumisa nehurukuro inonyandura inopindura mubvunzo 6. Mavambo egore rebasa pana 1 September inguva yakanaka kuti mapiyona matsva atange basa rawo renguva yakazara. Mafomu anogona kuwanika kuDare reBasa.
Rwiyo 210 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na31 August
12 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Yeuchidzai vose kupinza mishumo yavo yaAugust. Vaitisi veFundo yeBhuku yeUngano vanofanira kuona munhu wose muboka ravo kuitira kuti mishumo yose ive yaverengwa panosvika 6 September. Kurukurai mabhuku achagoverwa muna September. Nokupfupikisa enzanisirai mharidzo inomutsa mubvunzo wokuti, “Tinofanirirei kushandisa zita raMwari?” Upindurei muchishandisa bhuku raZivo, ganhuro 3, ndima 6.
15 min: “Vatariri Vanopa Nhungamiro—Mutariri Anotungamirira.” Hurukuro inotaurwa nomutariri anotungamirira. Pashure pokuhwirudzura mabasa ake, anoonga ungano nokuda kwokubatira pamwe kwavo nevakuru sezvavanofudza boka.
18 min: Batsira Mwana Wako Kukurira Zvinetso Zvokuchikoro. Mukuru anokurukura nevabereki vaviri kana kuti vatatu vane vana vari kuchikoro. Tsinhirai zvishoma pamusoro pezvimwe zvinetso izvo vana vanowanzosangana nazvo, sekurongwa kwazvakaitwa muMukai! yaAugust 8, 1994, mapeji 5-7. Tevere, uchinongedzera kumapeji 8-10, kurukurai kuti vabereki vanogona sei kudzivirira vana vavo kuchengetedza ukama hwakanaka pakati pomubereki nomudzidzisi.
Rwiyo 24 nomunyengetero wokugumisa.