Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna August: Ripi neripi ramabhurocha anotevera ane mapeji 32 ringagoverwa nokuda kwe$2,50: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chiri Donzo Roupenyu—Unogona Sei Kuriwana?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza?, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, uye Unofanira Kudavira Utatu Here? September: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi nokuda kwe$9,00. October: Kuzvinyoresa kweNharireyomurindi ($52,00: gore rimwe; $26,00 mwedzi mitanhatu) neMukai! ($26,00: gore rimwe). November: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi nokuda kwe$9,00.
◼ Dare reBasa reUngano rinofanira kukurumidza kuona zvekuita nemafomu ose okukumbira upiyona hwenguva dzose. Dare rebasa harifaniri kuchengeta fomu kuti rione kana munhu akumbira achikwanisa kusvitsa maawa anodikanwa. Musi wokugadzwa ungachinjwa kana mafomu akagamuchirwa pashure pezuva rakakumbirwa. Kugadzwa hakuitwi pazuva rakakumbirwa kana rapfuura kutoti pane mamiriro ezvinhu chaiwo anokosha. Kana mamiriro ezvinhu akadaro aripo, tsamba inofanira kutumirwa pamwe chete nefomu.—Ona wedzero yaNovember 1986 yeUshumiri Hwedu hwoUmambo, ndima 24-6.
◼ Mabhurocha anotevedzana achadzidzwa muFundo yeBhuku yeUngano pachapedzwa Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? Chiziviso chemuchinyorwa chaMay 1998 choUshumiri Hwedu hwoUmambo chakataura kuti kutanga nevhiki ra21 September, bhurocha raAnodei richashandiswa. Richateverwa nekudzidzwa kwaChii Chiri Donzo Roupenyu—Unogona Sei Kuriwana? uye Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?
◼ Mitengo Yemabhuku: Pasina mubvunzo takanakidzwa patakatanga kuona zvimwe zvezvinyorwa zvemabhuku eSosaiti zvine mabutiro akapfava. Kwenguva yakati, zvose zviri zviviri zvinyorwa zvine butiro rakaomarara nerakapfava zvichava zvichiwanika. Tapota yeukai kuti izvi zvine mitengo yakasiyana. Zvinyorwa zvine butiro rakaomarara zvinoti dhurei kugadzira naizvozvo zvinogoverwa pamutengo wakati kwirei. Zvisinei, sezvo “Kumbiro Yokubvisirwa Chikwereti Chamapiyona” yakafanana nokuda kwezvinyorwa zvose zviri zviviri, kuzadza fomu (S-20) reMari Inotumirwa Nekumbiro Yokubvisirwa Chikwereti hakuchinji.
◼ Vaparidzi vazhinjisa vachave vachipinda kokorodzano mwedzi uno. Vamwe vachavawo kure neungano yavo pazororo. Tapota fanoisai mushumo wenyu muBhokisi reMushumo kana kuti kusiyira muitisi wenyu weFundo yeBhuku yeUngano kana uchange uri kukokorodzano kana kuzororo pakupera kwomwedzi.
◼ Zororo rechikoro richatanga musi wa7 August, 1998. Tinokurudzira vaparidzi vanoenda kuchikoro kufunga nezvoupiyona hwebetsero pazororo. Sezvo August uri mwedzi wokupedzisira wegore rebasa, zvaizova zvakafanira zvikuru kupedza gore rebasa sapiyona webetsero.