Mwedzi waAugust Uchava Mwedzi Wakanakisisa Here?
1 Gore ra1992 raiva riri gore rakanakisisa kuvanhu vaJehovha muZimbabwe. Unoziva kuti chikonzero nei here? Ndipo pakasvika nhamba yevaparidzi pa20 000. Kana waiva muchokwadi panguva iyoyo, ungayeuka kuti takafara sei kuva nevakawanda kudaro vaiparidza shoko roUmambo! Zvino, munyika ino mune vaparidzi 26 000. Zvisinei, mwedzi woga woga, paavhareji, 1 000 vedu havashumi kuti vakapupura.
2 Gamuchira Basa Iri Rakaoma: Muna August tiri kuedza kusvika chiverengero chepamusoro chisati chambosvikwa chevaparidzi 27 000 muZimbabwe. Kana nhamburiko dzedu dzikabudirira, August uchava mwedzi wakanakisisa zvirokwazvo! Tinogona kuzviita kana tose zvedu tikaita zvatinogona. Hezvino zvikarakadzo.
3 Avo vari kuronga mazororo vanogona kupedza nguva yakati kuti muushumiri vasati vaenda. Takurai maturakiti, mabhurocha, kana kuti magazini kuitira kuti mugogona kupupura kuvanhu vamunosangana navo munzira. Uyewo, munogona kupedza nguva yakati muushumiri nevaparidzi vomunzvimbo yamuri kuenda.
4 Kana ukapinganidzwa neimwe nzira, kunyange zvakadaro unogona kutora rutivi muushumiri. Ungakwanisa kupupura kuvanachiremba, vakoti, kana kuvashanyi. Zvichida unogona kupupura netsamba kana norunhare.
5 Pasina mubvunzo vamwe vachaonga kana vakabatsirwa kuitira kuti vatore rutivi muushumiri muna August. Vakuru, vabatiri vanoshumira, nevaitisi vafundo yebhuku vanofanira kuronga kuti rubatsiro rwakadaro rugopiwa. Nyange zvodini, usakanganwa kuendesa mushumo wako nokukurumidza pakupera kwomwedzi kuitira kuti ugoverengwa somuparidzi muna August.
6 Ida Zvikuru Ropafadzo Yacho: Ushumiri “chipiwa . . . chakanaka.” (2 Tim.1:14, NW) Tinokoshesa ropafadzo yatakapiwa yokuparidza mashoko akanaka. (1 VaT. 2:4) Patinorangarira zvose zvatakaitirwa naJehovha, tinofanira kusundwa kuramba tichiita basa iri rinokosha zvikurusa gore rose. Hapana chinhu chinofanira kubvumirwa kutitadzisa kuparidza nguva dzose. Ngatiitei August uno mwedzi wakanakisisa mubasa raJehovha ndokutsunga kupupura nezvake mwedzi uri wose unotevera!—Pis. 34:1.