27 000!
Ndiyo nhamba yavaparidzi yatingada kuona ichishuma muZimbabwe nokuda kwaAugust 1998. Zvinobvira kuisvika here? Hungu, zvinobvira! Chinyorwa chedu chapanguva ino cheungano munyika yose chinoratidza hwerengedzo yavaparidzi 27 168. Zvisinei, nhamba yapamusoro hurusa yati yamboshuma mumwedzi mumwe upi noupi yakanga iri 26 187, muna March 1998. Tinogona sei kupfuura nhamba iyoyo yapamusoro? Zvinogona kuitwa kana muparidzi mumwe nomumwe muungano akaita gadziriro chaidzo dzokutora rutivi muushumiri mukati maAugust ndokukurumidza kushuma mubato iwoyo. Sezvo mazuva maviri okutanga omwedzi wacho ari Mugovera neSvondo, kuregererei kuita gadziriro dzokugoverana mubasa romumunda kutanga nokupera kwevhiki ikoko? Kana uchizopinda kokorodzano, ungakwanisa kuita uchapupu husina kurongwa muguta rekokorodzano uye ipapo wogoverana mubasa romumunda neungano kupera kwevhiki kunotevera. Kupfurikidza nokutanga nokukurumidza mumwedzi wacho, hatizokundikani kupedzera nguva yakati mubasa rokupupura muna August. Nenhamburiko yakabatanidzwa, tinofanira kuona nhamba yapamusoro zvikurusa itsva yavaparidzi inopfuura 27 000 kwenguva yokutanga muZimbabwe. Kuchava kudanidzira kwerumbidzo kwakadini kuna Jehovha!—Pis. 47:1.