RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/98 p. 2
  • Misangano Yebasa yaJuly

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaJuly
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga na6 July
  • Vhiki Inotanga na13 July
  • Vhiki Inotanga na20 July
  • Vhiki Inotanga na27 July
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 7/98 p. 2

Misangano Yebasa yaJuly

CHEREKEDZAI: Ushumiri Hwedu hwoUmambo hucharonga Musangano Webasa wevhiki imwe neimwe mukati maAugust naSeptember. Ungano dzingaita gadziridzo kuti dzibvumire kupinda kokorodzano yeruwa uye ipapo hwirudzuro yamaminiti 30 paMusangano Webasa vhiki inotevera yacho. Hwirudzuro yezuva nezuva inofanira kugoverwa pachine nguva mberi kuhama nhatu dzakakwaniriswa dzichakwanisa kunangidzira ngwariro pamifungo yakatanhamara. Iyi hwirudzuro ichabetsera ungano kuyeuka mifungo mikuru. Tsinhiro dzipi nedzipi dzinobva muvateereri uye zvakaitika zvinorondedzerwa zvinofanira kuva zvipfupi.

Vhiki Inotanga na6 July

Rwiyo 110

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Tsinhirai pamushumo webasa romumunda waMarch wenyika neweungano yomunzvimbomo. Mashoko Oushe.

15 min: “Kupinda Nguva Dzose Kwakaisvonaka Sei!” Mibvunzo nemhinduro. Batanidzai tsinhiro dzinobva muMukai! yeChingezi yaJune 8, 1988, mapeji 19-21, kuti mukurudzire vanhu vaduku kuti vapinde misangano nguva dzose.

20 min: “Vavakidzani Vedu Vanofanira Kunzwa Mashoko Akanaka.” Rongai kuti vaparidzi vaviri kana kuti vatatu vanokwanisa vahwirudzure zvikarakadzo zvokugovera mashomanene amabhurocha ayo ungano inawo mudura. Tsanangurai chikonzero nei angava anobudirira mundima yomunzvimbomo. Simbisai vavariro yokutanga fundo dzeBhaibheri mubhurocha raAnodei kana kuti bhuku raZivo. Enzanisirai mharidzo yokutanga inoteverwa neshanyo yedzokerero nechikarakadzo chefundo.

Rwiyo 73 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na13 July

Rwiyo 116

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi. Kurudzirai vose kurangarira zvakakomba kunyoresa samapiyona ebetsero mukati maAugust, umo munenge mune kupera kwamavhiki kushanu kwakazara.

15 min: Zvinodikanwa zvomunzvimbomo.

20 min: Mudzimu Wenyika Uri Kukukuvadza Here? Hurukuro inopiwa nomukuru yakavakirwa paNharireyomurindi yaOctober 1, 1997, mapeji 25-9.

Rwiyo 182 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na20 July

Rwiyo 18

8 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Hwirudzurai bhokisi rine musoro unoti “27 000!”

12 min: “Kushanya Kunogona Kuva Chikomborero.” Kurukurirano pakati pavakuru vaviri. Tsanangurai vavariro dzebasa rokufudza sezvakahwirudzurwa muNharireyomurindi yaSeptember 15, 1993, mapeji 20-3. Kurudzirai noushamwari ungano kukarira kushanya kwavakuru.

25 min: “Kokorodzano Dzoruwa Nedzamarudzi Akawanda Dze‘nzira yaMwari Youpenyu’ dza1998.” (Ndima 1-16) Mibvunzo nemhinduro. Ravai ndima 10 ne11. Simbisai kukosha kwomuMagwaro kwokuchengeta nokungwarira chitarisiko chedu chine mwero chechiKristu nomufambiro uye kutarisira zvakanaka vana vedu.

Rwiyo 80 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na27 July

Rwiyo 155

15 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Yeuchidzai vose kupinza mishumo yebasa romumunda yaJuly. Zivisai gadziriro dzebasa dzokupera kwevhiki kwokutanga muna August, uye kurudzirai vose kuti vatore rutivi. Hwirudzurai “Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu.”

30 min: “Kokorodzano Dzoruwa Nedzamarudzi Akawanda Dze‘nzira yaMwari Youpenyu’ dza1998.” (Ndima 17-23) Mibvunzo nemhinduro. Ravai ndima 17 norugwaro rwakanongedzerwa kwarwuri. Simbisai kudikanwa kwenhevedzano nokurangarira vamwe, zvikurukuru pakugara. Gumisai nehurukuro pfupi inohwirudzura “Zviyeuchidzo Zvekokorodzano.”

Rwiyo 51 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe