Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna July naAugust: Ripi neripi ramabhurocha anotevera ane mapeji 32 ringagoverwa nokuda kwe$2,50: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chiri Donzo Roupenyu—Unogona Sei Kuriwana?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza?, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, Unofanira Kudavira Utatu Here? September: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi nokuda kwe$9,00. October: Kuzvinyoresa kweNharireyomurindi ($52,00: gore rimwe; $26,00 mwedzi mitanhatu) neMukai! ($26,00: gore rimwe).
◼ Nokupera kwamavhiki kushanu kwakazara, mwedzi waAugust inguva yakanaka yokuti vakawanda vaite upiyona hwebetsero.
◼ Kutanga muna September, vatariri vamatunhu vachapa hurukuro yavose ine musoro unoti “Uri Kufamba naMwari Here?”
◼ Sezvakaziviswa muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaApril 1998, Watchtower Library—1997 Edition iri paCD−ROM zvino yave kubudiswa mumitauro mipfumbamwe. Tapota yeukai kuti ichi hachisi chinhu chinoparadzirwa kumunhu wose, chinofanira kuiswa mumaraibhurari ezvikoro, kana kuti kupiwa kuavo vanongofarirawo zvavo Zvapupu zvaJehovha. Watchtower Library igadziriro yemitezo yeungano uye inoitwa kuti iwanikwe chete kupfurikidza neungano.
Sosaiti zvino yave kugamuchira odha dzeWatchtower Library—1997 iri paCD-ROM. Tapota yeukai kuti ichi chinhu cheodha chaiyo. Odha dzeungano dzichachengetwa seodha dzakachengetwa kusvikira migove yasvika. Nongedzerai kuinivhoisi yenyu yamabhuku nokuda kwamashoko api naapi pamusoro peodha yeungano yenyu.