“Akashongedzerwa Zvakakwana Nokuda Kwebasa Riri Rose Rakanaka”
1 Vanhu vaJehovha nhasi vakakomborerwa nezvokudya zvakapfuma zvomudzimu zvakawanda. (Isa. 25:6) Kune mashoko aMagwaro akawanda okufarikanya kupfurikidza nefundo yomunhu oga neyemhuri uye pamisangano yeungano, magungano, uye kokorodzano. Asi tiri kushandisa zvose izvozvi zvakazara nomurangariro wokuva “akakwaniriswa zvizere, akashongedzerwa zvakakwana nokuda kwebasa riri rose rakanaka” here?—2 Tim. 3:17, NW.
2 Chimbofunga nezvorudungwe rwezvokudya zvomudzimu rwegore ra1998, urwo rwatova pakati pokupera! Kupfurikidza nemisangano yevhiki nevhiki yeungano, tiri kufukidza mimwe yemifungo mikuru yamabhuku 23 aMagwaro echiKristu echiGiriki, tichihwirudzura mashoko anowanwa mu“Misoro yeBhaibheri Yekurukurirano.” Tiri kuhwirudzurawo chikamu chimwe chezvitatu chebhuku raZivo uye bhuku rose raShoko raMwari. Mukuwedzera, tiri kudyiswa nezvinyorwa 12 zvoUshumiri Hwedu hwoUmambo, nyaya dzefundo 52 dzeNharireyomurindi, uye hurukuro dzavose dzakadokuwanda zvakafanana pamhatsa yenhau dzeBhaibheri. Mapurogiramu akapfuma ekokorodzano namagungano ndeokuwedzera kune zvose izvozvi. Ipfuma yakadini yezvinhu zvomudzimu zvakanaka yakaitwa kuti iwanikwe kwatiri!
3 Koshesa Gadziriro dzaJehovha: Kuti tibetserwe zvizere, tinoda kunzwisisa chikonzero nei Jehovha ari kugovera zvakawanda zvomudzimu zvakadaro. Kudya zvinhu zvakanaka izvozvi kunovaka kutenda kwedu uye kunosimbisa ukama hwedu naye. (1 Tim. 4:6) Zvisinei, zvokudya zvomudzimu hazvingoitwi kuti zviwanikwe nokuda chete kwomurayiridzo wedu pachedu. Zvinotisunda kugoverana chokwadi navamwe uye zvinotishongedzera kuva vanobudirira mukuita kudaro savashumiri vamashoko akanaka.—2 Tim. 4:5.
4 Ngatisaregeredze zvinodikanwa zvedu zvomudzimu, asi nguva dzose tisakurire chishuvo chegadziriro dzakapfuma uye dzinogutsa mumudzimu dzinobva patafura yaJehovha. (Mat. 5:3; 1 Pet. 2:2) Kubetserwa zvizere kunoda kutsaura nguva yakaringana yezvinhu zvakakosha zvakadaro zvakadai sefundo yeBhaibheri yomunhu oga neyemhuri yenguva dzose nokupinda misangano. (VaEf. 5:15, 16) Mibayiro inofadza yokuita kudaro ichava mutsinhirano nekurudziro yakafuridzirwa iyo muapostora Pauro akanyorera vaKristu vakatendeka vechiHebheru, sezvakanyorwa pana VaHebheru 13:20, 21.