Misangano Yebasa yaMay
Vhiki Inotanga na4 May
8 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo. Mashoko Oushe.
15 min: “Mudzimu waJehovha Unesu.” Mibvunzo nemhinduro. Pakufukidza ndima 3, batanidzai zvikamu zvakakodzera zvinobva mu1998 Yearbook.
22 min: “Sarudza Nyaya Kuti Unange Fariro Chaidzo Dzavanhu.” Hwirudzurai mapfundo makuru ari munyaya yacho. Tsanangurai kuti kunyange zvinyorwa zvakare zvichiri muchimiro chakanaka zvinogona kugoverwa munzira iyoyi. Kumbirai vaparidzi kurondedzera kuti inyaya dzipi dzavakaratidzira nemigumisiro yakanaka. Enzanisirai mharidzo iri mundima 7.
Rwiyo 212 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na11 May
8 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi.
12 min: “Ndedzipi Dziri Rongedzero Dzako Dzemwedzi Iri Mberi?” Mukuru anokurukura navaparidzi vaviri kana kuti vatatu rongedzero dzavo dzemwedzi iri kuuya. Vanohwirudzura gadziriro dzokupinda kokorodzano, kuwedzera mubato wavo webasa romumunda, kuenda kuzororo, uye kushanyira shamwari nehama dzokunyama. Vose vanobvumirana kuti havasati vachizoregeredza fundo yomunhu oga, misangano, kana kuti basa romumunda uye vanotsanangura marongere avanoita kuchengeta muitiro wakanaka woubati ushe hwaMwari.
25 min: Nzira Yokuwana Nayo Mufaro Mukuita Vadzidzi. Hurukuro inopiwa nomukuru, yakavakirwa paNharireyomurindi, February 15, 1996, mapeji 19-22. Kubva muzvinoitika zvinoshanda zviri munyaya iyi, ratidzai kuti hazvina kuoma kutanga ndokuitisa fundo yeBhaibheri yapamusha. Dudzai nhamba yefundo dziri kushumwa neungano. Ipapo taurai kuti vaparidzi vangani namapiyona vari kuitisa chaizvoizvo fundo. Kurudzirai vasara kuedza kushandisa mashoko ari muiyi Nharireyomurindi nomurangariro wokutanga fundo.
Rwiyo 48 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na18 May
8 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zivisai gadziriro chaidzo dzebasa romumunda dzaMay 25.
15 min: “Une ‘Munzwa Munyama’ Here?” Mibvunzo nemhinduro. Tsinhirai pa“Mibvunzo Inobva Kuvaravi” iri muNharireyomurindi, yaNovember 15, 1987, peji 29.
22 min: Unoremekedza Chiremera Chavo Here? Hurukuro nokutora rutivi kwavateereri yakavakirwa paNharireyomurindi, April 1, 1998, mapeji 28-31. Ratidzai kudikanwa kwokuratidza ruremekedzo kuvamwe vari mumusha uye vari muungano, tichiziva chiremera chavo chomunhu oga. Shandisai mashoko acho munzvimbomo.
Rwiyo 139 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na25 May
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo.
15 min: Zvinodikanwa zvomunzvimbomo.
20 min: Chikonzero Nei Ndichikoshesa Misangano Yeungano. Mukuru anoitisa kurukurirano yacho neboka ravapindi venguva dzose vanomirira vakasiyana-siyana veungano, zvichida rinobatanidza varoorani, munhu akwegura, uye wechiduku. Vanozvitaurira chikonzero nei vachipinda nguva dzose: songaniro yakanaka, murayiridzo waMwari, uye zano rakanaka, zvinovabetsera kubata nezvinetso zvezuva nezuva ndokuramba vakasimba mumudzimu. Tsinhiro dzinosimbisa kuti tose tinokomborerwa sei nokupinda nguva dzose misangano.
Rwiyo 222 nomunyengetero wokugumisa.