RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/98 p. 3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 5/98 p. 3

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna May: Kuzvinyoresa kweNharireyomurindi ($52,00: gore rimwe; $26,00: mwedzi mitanhatu) neMukai! ($26,00: gore rimwe). June: Munhu Mukurusa Ati Amborarama ($25,00), Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu ($12,50), kana kuti bhuku ripi neripi rine mapeji 192 nokuda kwe$9,00. July naAugust: Ripi neripi ramabhurocha anotevera ane mapeji 32 ringagoverwa nokuda kwe$2,50: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chiri Donzo Roupenyu—Unogona Sei Kuriwana?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, uye Unofanira Kudavira Utatu Here?

◼ Kutanga vhiki ya21 September, 1998, nhevedzano yamabhurocha icharangarirwa paFundo Yebhuku yeUngano, kutanga naMwari Anodei Kwatiri?

◼ Nhare Dzecellular: Nemhaka yokuremekedza nzvimbo yedu yokunamatira uye kurangarira hama dzedu nehanzvadzi, idzodzi hadzifaniri kupinzwa mumisangano ipi neipi yeZvapupu zvaJehovha. Izvi zvichadzivisa vhiringidziko nezvinotsausa zvinoparirwa nokurira kwemacellphone mukati memisangano. Batira pamwe yenyu ichabetsera kuchengeta kurongeka pakuungana kwedu.—1 VaK. 14:40.

◼ Matare eKokorodzano akashuma kuti munguva yakapfuura vaparidzi vakawanda vaida pokugara pakokorodzano havana kuita kuti zvinodikanwa zvavo zvizivikanwe pachine nguva mberi. Izvi zvakaita kuti Bato Redzimba riwane zvinetso mukuedza kuwana pokugara pakawanda pazuva rokutanga rekokorodzano. Izvi zvinogona kudziviswa. Kana imi muchida pokugara pakokorodzano iri kuuya, tapota zivisai munyori pakarepo. Taurai kuti muri vangani, uye zera ripi uye kana ari munhurume kana munhukadzi. Munyori anofanira kunyora tsamba IMWE munguva yakanaka kuDare reKokorodzano rakafanira achikumbira pokugara PAVOSE vari muungano vanopada. Batira pamwe yenyu nechiziviso ichi ichaongwa zvikuru.

◼ Tinokuongai! Pave pane davidzo yakaisvonaka kuchikumbiro chedu chokuti vaparidzi vawane makopi omunhu oga amagazini kupfurikidza nebato ramagazini panzvimbo pokupfurikidza nokuzvinyoresa. Izvi zvakagumisira nokuchengetedza kwakati pamari yepositi inobhadharwa neSosaiti. Idzi mari dzinogona zvino kushandiswa zviri nane kune imwe nzvimbo nokuda kwefariro dzoUmambo. Tinopfuurira kukurudzira vose kuwana makopi amagazini omunhu oga kuungano uye kwete kupfurikidza nokuzvinyoresa.

◼ Makaseti Matsva Okuteerera Ari Kuwanika:

Tapota cherekedzai kuti zvinotevera zvinhu zveodha chaiyo.

The Secret of Family Happiness (makaseti 4 ari muarubhamu) (Vap: $100,00; map: $75,00)—chiNgezi

Why Respect Theocratic Arrangements? (mutambo, kaseti imwe) (Vap: $25,00; map: $21,00)—chiNgezi

◼ MaCompact Disc Matsva Ave Kuwanika:

Kingdom Melodies, Volume 5

Kingdom Melodies, Volume 6

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe