Dziri Kudikanwa—Fundo dzeBhaibheri Dzakawanda
1 Jehovha Mwari ari kukomborera sangano rake rapasi newedzero inopfuurira. Gore rebasa rapfuura, 375 923 vakabhabhatidzwa munyika yose—avhareji yavadzidzi vatsva vanopfuura 1 000 zuva rimwe nerimwe, kana kuti vanenge 43 awa iri yose! Pasinei zvapo namakumi amakore enhamo ayo hama dzedu dzingave dzakatarisana nawo mumativi akasiyana-siyana enyika, basa roUmambo riri kubudirira uye wedzero dzakatanhamara dziri kuwanwa. Zvinofadza sei kurava nezvefambiro mberi iri kuitwa mukuparadzira mashoko akanaka!
2 Mubazu reZimbabwe gore rebasa rapfuura, isuwo takaona wedzero muavhareji yehwerengedzo yavaparidzi namapiyona ebetsero, mumaawa akapedzerwa mukuparidza, uye munhamba yamabhukwana, mabhurocha, uye magazini zvakagoverwa. Pakanga pane wedzero munhamba yavakabhabhatidzwa nechiverengero chapamusoro muvapindi veChirangaridzo. Zvakadini nomubato weshanyo dzedzokerero nefundo dzeBhaibheri? Takava nekuderera muhwerengedzo yeshanyo dzedzokerero dzakaitwa nekuderera kwe4 muzana mufundo dzeBhaibheri. Asi, mativi iwaya oushumiri ndiwo anokosha mubasa rokuita vadzidzi. Chii icho mumwe nomumwe wedu anogona kuita kuchinja uku kuderera mushanyo dzedzokerero nomufundo dzeBhaibheri?
3 Simbisa Chishuvo Chokuitisa Fundo: Isu pachedu tinofanira kunangidzira ngwariro pakuva vakasimba mumudzimu uye vanoshingaira. Vateveri vechokwadi vaKristu “vanoshingairira mabasa akaisvonaka.” (Tito 2:14, NW) Patinonzvera ushumiri hwedu, tinogona here kutaura kuti tinodisa zvikuru kudzokera kwakagoverwa mabhuku kwose mumunda? Tine mbavarira pamusoro pokukarakadza fundo dzeBhaibheri kuvose vanoratidza fariro here? (VaR. 12:11) Kana kuti tinofanira kutanga chishuvo chikuru chokuita shanyo dzedzokerero ndokutanga fundo dzeBhaibheri here?
4 Kurava Bhaibheri kwomunhu oga, kupinda misangano nguva dzose, uye kufunda zvinyorwa zvichatichengetedza tiri vapenyu mumudzimu uye tichisimbiswa nomudzimu waMwari. (VaEf. 3:16-19) Izvozvi zvichasimbisa kutenda kwedu nechivimbo muna Jehovha nokuda kwedu munhu biyedu. Tichasundwa kudzidzisa chokwadi kune mumwewo munhu, nenzira iyoyo tichiita kuti ushumiri hwedu huve hunofadza, hunobudirira, uye hunonyandura. Hungu, tinofanira kuda fundo dzeBhaibheri dzakawanda!
5 Funda Nemhuri Pakutanga: Vabereki vechiKristu avo vane vana vanogara pamusha vanofanira kuitira hanya gadziriro yavo yefundo yeBhaibheri yemhuri yenguva dzose. (Dheut. 31:12; Pis. 148:12, 13; Zvir. 22:6) Kungava kunobetsera zvikuru kuti vabereki vafunde bhurocha raAnodei uye ipapo bhuku raZivo navana vavo kuvagadzirira nokuda kwekukwanirisa savaparidzi vasina kubhabhatidzwa uye nokuda kwetsauriro norubhabhatidzo. Chokwadika, mashoko okuwedzera angarangarirwa, kuchitsamira pachinodikanwa nezera zvomwana wacho. Mubereki anofunda nomwana asina kubhabhatidzwa angaverenga fundo, nguva, uye shanyo dzedzokerero, sezvinoratidzwa muBhokisi Remibvunzo roUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaApril 1987.
6 Vandudza Kurongeka Kwomunhu Oga: Tichirangarira nhamba yamagazini, mabhurocha, uye mabhuku akagoverwa, hapana mubvunzo kuti chitsama chikuru chembeu chiri kuparadzirwa. Idzi mbeu dzechokwadi dzakadyarwa dzine bviro huru zvikuru yokubereka vadzidzi vatsva. Asi murimi kana kuti mutarisiri webindu angagutsikana zvechokwadi here kana achingoramba achisima uye, pashure penhamburiko dzake dzose, asingambowani nguva yokukohwa? Nyangwe. Nenzira yakafanana, ushumiri hwokudzokerera hurimadikanwa.
7 Unoronga nguva dzose nguva yokuita shanyo dzedzokerero here? Dzokera nokukurumidza pafariro yose yakawanikwa. Ita shanyo dzedzokerero nevavariro yokutanga fundo yeBhaibheri. Unochengeta chinyorwa chakatsvinda, chinowirirana nomusi, uye chakasanorongwa cheshanyo dzako dzedzokerero here? Pamwe chete nezita nekero zvasaimba wacho, iva nechokwadi chokunyora musi weshanyo yokutanga, zvakagoverwa zvipi nezvipi, rondedzero pfupi yezvakakurukurwa, uye mufungo unogona kukudziridzwa pashanyo inotevera. Siya nzvimbo pachinyorwa chako yamashoko okuwedzera achawedzerwa pashure peshanyo yedzokerero imwe neimwe.
8 Nzvera Nzira Yokuita Nayo Shanyo Yedzokerero: Ndaapi mamwe mapfundo okurangarira pakuita shanyo yedzokerero pamunhu anofarira? (1) Iva anofara, ane ushamwari, ane mbavarira, uye akasununguka. (2) Kurukura nhau kana kuti mibvunzo inomufadza. (3) Chengeta kurukurirano yacho yakapfava uye iri yaMagwaro. (4) Pashanyo imwe neimwe, edza kudzidzisa saimba chimwe chinhu chaachaziva sechoukoshi hwomunhu oga kwaari. (5) Vaka kukarira nhau ichakurukurwa pashanyo inotevera. (6) Usanyanyogarisa. (7) Usabvunza mibvunzo inonyadzisa saimba kana kuti kumukangaidza. (8) Shandisa nzwisiso kuti usashore mirangariro isina kururama kana kuti miitiro yakashata yasaimba nzwisiso yomudzimu isati yasakurirwa.—Ona wedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaMarch 1997 nokuda kwebetsero yokuwedzera pamusoro penzira yokubudirira nayo mukuita shanyo dzedzokerero nokutanga fundo dzeBhaibheri.
9 Nzvera Bviro Yose: Mune imwe ungano, kwakanga kuchibvira kuwana mazita nenhamba dzamafurati dzavagari vose vomuchivako chinochengetedzwa zvikuru. Tsamba yomunhu oga yakanyorerwa mugari mumwe nomumwe, uye maturakiti maviri akapfigirwa. Pamugumo wetsamba yacho, fundo yeBhaibheri yapamusha yakakarakadzwa uye nhamba yefoni yomunzvimbomo yakabatanidzwa kuitira kuti mugamuchiri agogona kupindura. Mukati mamazuva mashomanene, mumwe murume muduku akaridza achikumbira fundo. Shanyo yedzokerero yakaitwa zuva rakatevera racho, uye fundo yakavambwa mubhuku raZivo. Usiku ihwohwo chaihwo akapinda Fundo Yebhuku Yeungano, uye akapfuurira kupinda misangano yose. Panenge pakarepo, akatanga kurava Bhaibheri zuva nezuva uye akaita fambiro mberi inopfuurira akananga kurubhabhatidzo.
10 Vaparidzi mune rimwe boka vakaronga kuita shanyo dzedzokerero pamwe chete. Apo imwe hanzvadzi yakaita imwe yeshanyo dzayo, munhu wayakange ichitsvaka akanga asiri pamusha, asi mumwe mukadzi muduku akavhura suo racho, achiti: “Ndave ndakakumirirai.” Saimba wacho akanga agamuchira bhuku raZivo ikoku kusati kwaitika kumuzivikanwi. Panguva apo hanzvadzi dzacho dzakashanya pasuo rake, akanga apedza kurava bhuku racho kaviri uye akaororwa zvikuru namashoko arinawo. Akati haana kushamiswa kuona Zvapupu zvacho zvichimushanyira pazuva iroro nemhaka yokuti akanga ave achinyengetera kuti vauye ndokufunda Bhaibheri naye. Fundo yakatangwa, akatanga kupinda misangano yeungano, uye akafambira mberi nokukurumidza.
11 Imwe hanzvadzi, yakabhabhatidzwa anodokusvika makore 25, nguva pfupi yapfuura yakapa amai vayo bhuku raZivo. Amai vayo, mutezo wechechi, vakatanga kurava bhuku racho. Pashure pokunge vapedza maganhuro maviri, vakadana mwanasikana wavo uye, kukushamisika kwomwanasikana wacho, vakati: “Ndinoda kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha!” Amai vacho vakatanga kufunda uye zvino vakabhabhatidzwa.
12 Edza Izvi Zvikarakadzo: Wati wamboshandisa kusvika kwakananga kwokutanga fundo here? Ungangoti: “Kana mungada kuva nefundo yeBhaibheri yapamusha yapachena, ndinogona kukuratidzai mumaminiti mashomanene bedzi maitirwe ayo. Kana mukaifarikanya, munogona kupfuurira.” Vanhu vakawanda havazenguriri kugamuchira chikarakadzo chakadaro, uye vanocherekedza nokudisa muenzaniso wefundo yeBhaibheri.
13 Pamavambo mufundo yacho, ratidza mudzidzi wacho nzira yokugadzirira nayo pachine nguva mberi kupfurikidza nokurava magwaro akanongedzerwa nokuisa mutsetse pasi pamashoko makuru mumhinduro kumibvunzo yakadhindwa. Ipa ngwariro pamapfundo makuru bedzi. Kunyange zvazvo tingada kuva vanochinjika mufundo shomanene dzokutanga, kunokosha kuti fundo yeBhaibheri iitwe nguva dzose. Rangarira nzira yauchasuma nayo munyengetero sorutivi rwunokosha rwefundo yacho uye nzira yauchagadzirira nayo mudzidzi namagwaro nokuda kwechishoro. Napose paunokwanisa napo, ita kuti fundo yacho ive inofadza!
14 Chokwadika, havasiri vadzidzi vose veBhaibheri vanofambira mberi pamwero wakafanana. Vamwe havafariri zvinhu zvomudzimu sezvinoita vamwe uyewo havakurumidzi kubata zviri kudzidziswa. Vamwe vanorarama upenyu hwokubatikana zvikuru uye vangasakwanisa kupa nguva inodikanwa kufukidza ganhuro rakazara vhiki imwe neimwe. Nokudaro, muzvimwe zvinoitika kungava kuri madikanwa kuita runopfuura rusando rumwe rwefundo kufukidza maganhuro akati uye mwedzi yokuwedzera kupedza bhuku racho. Muzvimwe zvinoitika tingafunda bhurocha raAnodei pakutanga ipapo ndokupfuurira nebhuku raZivo. Izvozvi, zvichiwedzerwa nokupinda kwavo misangano yeungano, zvichabetsera mudzidzi mumwe nomumwe kuwana hwaro hwakasimba muchokwadi.
15 Kupfuura zvose, nyengeterera fundo yeBhaibheri! (1 Joh. 3:22) Chimwe chezvinoitika zvinotusa zvikurusa nokuda kwomuKristu kushandiswa naJehovha kubetsera mumwe munhu kuva mudzidzi waJesu Kristu. (Mabasa 20:35; 1 VaK. 3:6-9; 1 VaT. 2:8) Zvino inguva yokuratidza shingairo huru mubasa refundo dzeBhaibheri, tine chivimbo chizere chechikomborero chikuru chaJehovha panhamburiko dzedu dzokutanga fundo dzakawanda!
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]
Uri kunyengeterera kutanga fundo yeBhaibheri itsva here?