Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari
Hwirudzuro inoitwa mabhuku akapfigwa pamusoro pamashoko anofukidzwa mumigove yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari nokuda kwamavhiki aJanuary 5 kusvikira kuna April 20, 1998. Shandisai pepa riri roga rokunyorera mhinduro zhinji dzemibvunzo seyamunogona munguva yakagoverwa.
[Onai: Mukati mehwirudzuro yokunyora, Bhaibheri bedzi ringashandiswa kupindura mubvunzo upi noupi. Nongedzero dzinotevera mibvunzo ndedzenzvero yenyu mumene. Nhamba dzamapeji nendima dzingasaoneka panongedzero dzose dzeNharireyomurindi.]
Pindura kutaura kumwe nokumwe kunotevera kuti Chokwadi kana kuti Nhema:
1. Pana Mabasa 15:29, tsinhiro yokuti “Muchaita zvakanaka,” yakanga iri chipikirwa chaireva kuti, ‘Kana mukarega ropa noupombwe, muchava noutano huri nani.’ [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; onai w91-CA 6/15 p. 9 ndima 7 mashoko omuzasi.]
2. Kuitira hanya kukuru garikano yomudzimu yevaKristu veKorinte kwakasunda Pauro kuvanyorera tsamba yake yokutanga paakanga ari murwendo rwake rwechipiri rwoufundisi. [si-CA p. 210 ndima 3]
3. KuvaEgipita, Farao airangarirwa samwari chaiye ari muchimiro chounhu chaHorus, mwari akanga ane musoro werukodzi. [w96-CA 1/15 p. 24 ndima 1]
4. Shoko rokuti “simony,” rinobva muchiitiko chakanyorwa pana Mabasa 8:9-24, rinonongedzera kuunyanzvi hwemashiripiti. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; onai w90-CA 6/1 p. 17 ndima 8.]
5. Pana VaRoma 8:6, 7, “nyama” inonongedzera kumugariro wedu sevanhu vasina kukwana nechimiro chendangariro chakarerekera kuchivi. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; onai w91-CA 3/1 p. 21 ndima 4.]
6. Sezvo Jehovha gare gare akagamuchira zvibayiro zvoupfu nemimwe michero yenyika, chibayiro chaKaini sezviri pachena chakarambwa nemhaka yokuti pane chimwe chinhu chakanga chisina kururama mumwoyo wake. (Gen. 4:3-5) [w96-CA 6/15 p. 4 ndima 8]
7. Sezvo muKristu anoshandisa mipimo yetsika uye yomudzimu yeBhaibheri muupenyu hwake, anonatswa neShoko raJehovha, ku“shambidzwa” pamiitiro yose inovengwa naJehovha Mwari. (1 VaKorinte 6:9-11) [w96-CA 1/1 p. 30 ndima 4]
8. Muapostora Pauro pachake akabhabhatidza mitezo yemhuri yaStefano muKorinte. [w96-CA 6/15 p. 29 ndima 2]
9. Pana Mabasa 20:20, kutaura kwokuti “padzimba dzose” kunonongedzera bedzi kushanyo dzokufudza mumisha yevatendi biyedu nemhaka yokuti mashoko akapoteredza anoratidza kuti Pauro akanga achitaura kuvarume vakura veungano. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; onai w91-CA 1/15 p. 11 ndima 5.]
10. Kana tikarovedza mwoyo yedu kuonga zvinhu zvomudzimu, tichinyengeterera mudzimu waMwari kuti utibetsere mune izvi, ipapo tichadzivisa “kufunga kwenyama.” (VaRoma 8:6, 7) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; onai w91-CA 3/1 p. 21 ndima 5.]
Pindura mibvunzo inotevera:
11. Inhoroondo ipi iri mubhuku raMabasa inoratidza kuti kungova neShoko raMwari uye kurirava semunhu oga hakuna kukwana kuti munhu awane zivo yakarurama iyo inoisa munhu munzira inoenda kuupenyu? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; onai w91-CA 9/1 p. 19 ndima 16.]
12. Chii chinofanira kutidzivisa kutonga zvakakasharara hama dzedu dzomudzimu? [w96-CA 3/15 p. 22 ndima 5]
13. Pana Mabasa 11:26, nei New World Translation ichishandisa kutaura kwokuti “vakatanga kutumidzwa kuti vaKristu nokutungamirira kwaMwari” nepo dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzisingabatanidzi pfungwa ye“kutungamirira kwaMwari”? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; onai w90-CA 6/1 p. 19 ndima 19.]
14. Chii chichabetsera mudzimai wechiKristu kuva noruremekedzo rukuru kumurume wake? (VaEf. 5:33) [w96-CA 3/1 p. 21 ndima 5]
15. Mabasa 17:11 inokurudzira rudzii rwefundo yemunhu oga? [si-CA p. 205 ndima 38]
16. Mutsamba yake kuvaKristu veRoma, Pauro akabvumikisei zvakasimba pamusoro pevaJudha uye vakanga vasiri vaJudha? [si-CA p. 206 ndima 2]
17. Maererano naVaRoma 12:2, unhu hwevaKristu hunochinjwa nesimba reShoko raMwari kusvika kutambanukoi? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; onai w90-CA 4/1 p. 16 ndima 3.]
18. Chii chiri “chakavanzika ichi” chinodudzwa naPauro pana VaRoma 11:25? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; onai w84-CA 2/1 p. 16 ndima 16.]
19. Nei ungano yechiKristu ichiruramiswa mukudzinga vaiti vechivi vasingapfidzi? (1 VaK. 5:11, 13) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; onai g96-CA 9/8 p. 30 ndima 2-3.]
20. Kututira marasha anopisa pamusoro wemuvengi kuchabetsera sei kukunda zvakaipa? (VaR. 12:20, 21) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; onai w91-CA 11/1 p. 4 ndima 2.]
Govera shoko (mashoko) kana kuti chikamu chamashoko chinodikanwa kuzadza kutaura kumwe nokumwe kunotevera:
21. Firipo akatsanangurira mukuru mukuru weEtiopia kuti uporofita hwa ․․․․․․․․ hwakanga hwazadzikwa sei, uye paakavhenekerwa, uyu murume anozvininipisa akakumbira ․․․․․․․․. (Mabasa 8:28-35) [si-CA p. 204 ndima 33]
22. Pakanga pachikakavadziranwa nhau ye ․․․․․․․․, ․․․․․․․․ akatsigira chisarudzo chake kupfurikidza nokuti: “Namashoko avaporofita anobvumira izvozvi, sezvazvakanyorwa.” (Mabasa 15:15-18) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; onai si-CA p. 204 ndima 33.]
23. Vara re ․․․․․․․․ rinotigonesa ku‘rangarira vamwe sevakuru kwatiri,’ nepo ․․․․․․․․ hunotigonesa ku“tsungirira pakuitirwa zvakaipa.” (VaF. 2:3; 2 Tim. 2:24, 25) [w96-CA 5/15 p. 21 ndima 5]
24. Maererano nomuenzaniso waPauro wemuti wemuorivhi wokufananidzira uri muna VaRoma ganhuro 11, sezvo ndudzi 12 dzaIsraeri dzakabva muna Abrahama kupfurikidza naIsaka, naizvozvo ndudzi 12 dzokufananidzira dza ․․․․․․․․ dzinobva kuna ․․․․․․․․ kupfurikidza na ․․․․․․․․. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; onai w83 8/15 p. 16 ndima 15.]
25. Sezvo Jehovha akararamisa vaIsraeri vakanga vakavaka misasa Murenje re ․․․․․․․․, anogona kutiraramisa munyika ino ․․․․․․․․. [w96-CA 8/15 p. 7 ndima 1-2]
Sarudza mhinduro yakarurama mukutaura kumwe nokumwe kunotevera:
26. Kupfurikidza nehurukuro yake iri muna Mabasa ganhuro 17, Pauro nokungwarira anobvumikisa (uchangamire; kururama; rudo) hwaMwari mupenyu. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; onai si-CA p. 204 ndima 37.]
27. (Pauro; Petro; Ruka) noushamwari akarumbidza vanhu ve(Bheria; Makedhonia; Jerusarema) nemhaka yokushingaira kwavo mukunzvera Magwaro. (Mabasa 17:11) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; onai w95-CA 5/1 p. 14 ndima 3.]
28. Nhema, kana kuti manyepo, dzinodudzwa pana VaRoma 1:25 dzinonongedzera ku(kunamata zvidhori; miitiro yevatano isina kuchena; muitiro wokureva nhema). [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; onai w91-CA 11/15 p. 6 ndima 6.]
29. Kutaura idi, (vanhu; Mwari naKristu; Satani nemadhimoni) kazhinji kazhinji ndivo vane mhaka apo zvinhu zvinoshata. [w96-CA 9/1 p. 5 ndima 3]
30. Pauro akanyora tsamba yake yokutanga kuVaKorinte paakanga ari mu(Roma; Efeso; Korinte) munenge mugore ra(52; 55; 56) C.E. [si-CA p. 210 ndima 3]
Wiriranisa magwaro anotevera nokutaura kwakarongwa pasi apa:
Zvir. 17:27; Mup. 9:11; Mat. 10:16; Mabasa 10:34, 35; 2 VaK. 4:18
31. Sevabatiri vaJehovha, tinofanira kurangarira vanhu vemarudzi ose sezvaanoita. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; onai w88-CA 5/15 p. 16 ndima 6.]
32. Tinofanira kuona seri kwemamiriro edu ezvinhu azvino uno, tichichengeta maziso edu ari pamigumisiro inofadza yekurarama kwechiKristu. [w96-CA 2/15 p. 27 ndima 3-4]
33. Nzwisiso norudo rwehama zvichatibetsera kudzora kusundwa kwedu kwekuda kutaura zvinokuvadza. [w96-CA 5/15 p. 22 ndima 7]
34. Pavanotarisana nechitambudzo, vaKristu vechokwadi vanofanira kubatanidza uchenjeri nokusava nechavangapomerwa mukuzivisa shoko roUmambo kuvamwe. [w96-CA 7/15 p. 22 ndima 4]
35. Hapana chikonzero chokudavira kuti Musiki anoparira tsaona kana kuti vanyajambwa vetsaona vari kurangwa munzira yakati. [w96-CA 9/1 p. 5 ndima 4]