RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/98 p. 8
  • Magazini Anozivisa Umambo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Magazini Anozivisa Umambo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Shandisa Zvakanakisisa Magazini Edu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Govera Magazini Muushumiri Hwako
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Nharireyomurindi naMukai!—Magazini Akakodzera Nguva Ezvokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Govera Magazini Anopupura Chokwadi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 4/98 p. 8

Magazini Anozivisa Umambo

1 SeZvapupu zvaJehovha, tinosanozivikanwa nokuda kwokuparidza kwedu kwokushingaira pamusoro poUmambo hwaMwari. Magazini eNharireyomurindi neMukai! atinogovera anoita rutivi rune simba mukubetsera mamiriyoni avanhu kudzidza pamusoro pezvinangwa zvaMwari. Shoko raanaro zvirokwazvo ishoko rakanaka, nokuti rinozivisa Umambo hwokudenga hwaMwari setariro bedzi yorudzi rwomunhu.

2 Magazini acho anobata nezvinodikanwa chaizvoizvo zvavanhu—zvemirangariro, zvemagariro avanhu, uye zvemudzimu. Nemipimo yetsika neyemhuri iri kuputsika kwose kwose, Nharireyomurindi neMukai! anobetsera vanhu kuvandudza kunaka kwoupenyu hwavo kupfurikidza nokuvaratidza nzira yokushandisa nayo nheyo dzeBhaibheri. Uchava mufaro wedu kusimbisa kuzvinyoresa mukati maApril naMay.

3 Anofadza Chaizvoizvo: Nharireyomurindi neMukai! anowanika mumitauro yechinodokuva chiverengero chenyika yose. Nemhaka yaizvozvi, magazini edu anosanozivikanwa. Hezvinoi zvimwe zvikonzero nei vanhu vachikweverwa kwaari:

◼ Samagazini okutendeka neechokwadi, anoratidza zvakajeka musiano uri pakati pechakanaka nechakashata.

◼ Anopa tariro yeparadhiso yakarurama ichauya, yakavakirwa pachipikirwa chaMwari chokupinza nyika mukutonga kwoUmambo hwake.

◼ Mhatsa huru yenhau dzinowirirana nenguva inopiwa, inofadza vanhu vamamiriro ezvinhu ose netsika.

◼ Nyaya dzacho ipfupi, dzinodzidzisa, ndedzechokwadi, uye hadzifungiri mano akaipa nokubvumirana pane zvisina kufanira.

◼ Mifananidzo inokwezva inoparira fariro yapakarepo, uye mutoo wokunyora nawo wakajeka unoita kuti magazini acho ave nyore kurava.

4 Govera Kuzvinyoresa Zvakafara: Kugovera kuzvinyoresa kunobudirira kunotsamira zvikurukuru pashingairo yedu pakugadzirira mharidzo dzedu, kuronga nguva yedu, uye kuronga basa redu rokuparidzira. Zvikarakadzo zvinoshanda zvakapiwa muzvinyorwa zvoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 1995 naOctober 1996, izvo zvingava zvakanaka kuhwirudzura ndokuzvishandisa.

5 Ziva Magazini Acho: Sezvo unoverenga chinyorwa chimwe nechimwe, funga nezvemunhu angaonga kuva nekopi. Tarira mapfundo chaiwo kana kuti magwaro aunogona kunokora mumharidzo yako. Funga nezvemubvunzo waunogona kubvunza kuti utange kurukurirano ndokunyandurira fariro mumusoro wacho.

6 Kodzeranisa Mharidzo Yacho noMunhu Wacho: Gadzirira mharidzo yakapfava, inochinjika iyo inogona kuchinjirwa kumurume, mukadzi, munhu akura, kana kuti wechiduku, angava muzivikanwi kana kuti muenzi.

7 Iva Akagadzirira Kugovera Nharireyomurindi neMukai!: Sezvo magazini acho achikwana nyore nyore mubhegi, mupesi, kana kuti muhomwe, tinogona kutakura makopi patinenge tichifamba kana kuti; kutenga. Govera kuzvinyoresa kana kuti magazini mamwe namamwe apo unenge uchitaura kuhama, vavakidzani, vashandi biyamwe, vokuchikoro biyamwe, kana kuti vadzidzisi. Tsaura zuva vhiki imwe neimwe nokuda kwouchupupu hwamagazini.

8 Ratidza Kuonga Nokuda kwaMagazini Acho: Haafi akarasikirwa noukoshi hwao. Kupfuura kwenguva hakuderedzi ukoshi hweshoko raanaro. Kana tikaita nhamburiko chaiyo yokugovera kuzvinyoresa, tichawana mufaro wokubetsera vamwe kudzidza ukoshi hwamagazini.

9 Kupupura Kwomumugwagwa Kunoshanda: Iyi ndeimwe yenzira dzakanakisisa dzokugovera nadzo magazini nokuzvinyoresa kuchiverengero chikuru chavanhu. Vamwe vaparidzi vanoshanda mumigwagwa yakabatikana pahwaro hwenguva dzose pamazuva okutenga.

10 Ndima Yebhizimisi Ine Muuyo: Pakuparidza pachitoro nechitoro, tine vashomanene vasiri pamusha. Vazvinabhizimisi vazhinjisa vanoremekedza, uye vakawanda vanogamuchira kuzvinyoresa nomufaro. Simbisira nyaya dzakakodzera bhizimisi chairo riri kubatwa naro.

11 Nzendo dzeMagazini Dzine Bviro Yokubudirira: Sezvo magazini acho achibudiswa kaviri pamwedzi, kwakakodzera kudzokorora vanhu vanoarava ndokupa chinyorwa chinotevera. Tinofanira kuita shanyo dzedzokerero dzenguva dzose. Edza kugovera kuzvinyoresa uye edzawo kukudziridza fariro yomunhu wacho muBhaibheri. Nzendo dzamagazini manyuko akanakisisa, kwete bedzi okuzvinyoresa, asi efundo dzeBhaibheri dzinobvira.

12 Shanda Zvikuru muna April naMay: Nharireyomurindi neMukai dzakawana chivimbo chamamiriyoni avaravi vanoonga. Dzinoshanda zvikuru mukuzivisa Umambo zvokuti tinofanira kukuita muitiro kudzitakura ndokugovera kuzvinyoresa pabanza riri rose. Mwedzi yaApril naMay ngaibvumikise kuva yakatanhamara nokuda kwokugovera kuzvinyoresa!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe