RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/98 p. 1
  • Mudzimu waJehovha Unesu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mudzimu waJehovha Unesu
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Muzita Romudzimu Mutsvene’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Kutungamirirwa Nomudzimu waMwari Muzana Remakore Rokutanga Uye Nhasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Famba Maererano Nomudzimu Urarame Somunhu Akazvitsaurira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Kukutapura Kunogona Kuita Mudzimu waMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 5/98 p. 1

Mudzimu waJehovha Unesu

1 SeZvapupu zvaJehovha, tine mugove webasa mukuru. Jesu akati: “NeEvhangeri inofanira kutanga kumboparidzirwa marudzi ose.” (Marko 13:10) Zvichirangarirwa nemaonere omunhu, izvi zvingaratidzika sezvisingabviri, asi hazvina kudaro. Tine simba rakasimba zvikurusa muchisiko chose riri kutitsigira—mudzimu waMwari.—Mat. 19:26.

2 Ufakazi Hwomuzana Rokutanga Ramakore: Achishandisira uporofita hwaIsaya kwaari amene, Jesu akati: “[Mudzimu, NW] waJehovha uri pamusoro pangu . . . kuti ndiparidzire . . . evhangeri.” (Ruka 4:17, 18) Asati akwira kudenga, akaudza vaapostora vake kuti nenzira yakafanana vaizopiwa simba nomudzimu mutsvene kuti vapupure “kusvikira kumugumo wenyika.” Pashure paikoko, Firipo akatungamirirwa nomudzimu mutsvene kundoparidza kumukuru mukuru wedare weEtiopia, mudzimu wakatuma Petro kumukuru wezana weRoma, uye wakatuma Pauro naBhanabhasi kuti vaparidze kumarudzi echiHedheni. Ndiani aizofunga kuti vanhu vanobva mumamiriro ezvinhu ekare akadaro vaizogamuchira chokwadi? Asi vakadaro.—Mabasa 1:8; 8:29-38; 10:19, 20, 44-48; 13:2-4, 46-48.

3 Ufakazi Hwomuzuva Razvino: Bhuku raZvakazarurwa rinosimbisa kubatanidzwa kwomudzimu mutsvene mubasa rokuparidza ranhasi kupfurikidza nokutaura kuti: “[Mudzimu, NW] nomwenga vanoti uya! . . . Unoda ngaatore mvura youpenyu asingatengi.” (Zvak. 22:17) Mudzimu wakasunda boka romwenga raKristu neshamwari dzavo dza“mamwe makwai” kuparidza mashoko akanaka kuvanhu vose. (Joh. 10:16) Tinofanira kuva vakashinga mukuparidza kwedu, tisingatongozenguriri kusvika vanhu vamarudzi ose, tichivimba nguva dzose kuti mudzimu waMwari uchatibetsera. Yearbook ya1998 inogovera chibvumikiso chinopwisa chokuti mudzimu waMwari unopfuurira navabatiri vake. Tarira mugumisiro wacho! Mukati memakore maviri ebasa apfuura, avhareji yavanopfuura 1 000 vakabhabhatidzwa zuva rimwe nerimwe.

4 Iva nechokwadi kuti mudzimu waMwari uchapfuurira nesu sezvatinoparidza shoko roUmambo kusvikira kutambanuko iyo Jehovha anoda. Iyi zivo inofanira kutikurudzira nokutisunda kuramba tichizvishandisa zvakasimba mubasa roUmambo rinokosha zvikuru.—1 Tim. 4:10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe