Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari cha1998
Kurayiridzwa zvinoreva “kudzidziswa kana kuti kurovererwa mundangariro rudzi rwakati rwezivo kana kuti unyanzvi.” Kupfurikidza neChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, nguva dzose tinorovedzwa muzivo yaMwari. Uyewo, kutora rutivi kwedu muchikoro ichi kunotibvumira kukudza unyanzvi hwedu hwokutaura nokudzidzisa. Purogiramu yechikoro ya1998 ichatipa mikana yakawanda yekuita kumwe kufambira mberi mumudzimu.
Sezvaunonzvera rudungwe rwechikoro chegore rinouya, uchacherekedza kuti panhambo nenhambo Hurukuro Nha. 1 ichabva mubhuku ra“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera.” Bhuku iri rinopa tsinhiro yebhuku rimwe nerimwe reBhaibheri. Tinokukurudzira kuuya nekopi yako yemunhu oga. Uchabetserwa sezvaunotevera mukupiwa kwehurukuro. Uye, sechiyeuchidzo, hapana munhu ari papurogiramu yechikoro anofanira kupfuudza nguva.
Rutivi Rutsva: Kuti tibetserwe somunhu oga, “Rudungwe Rwokurava Bhaibheri Rwokuwedzera” rwakaiswa muzvikomberedzo pashure chaipo penhamba yerwiyo rwevhiki nevhiki. Kunyange pasina hurukuro dzechikoro dzevhiki nevhiki dzinobva marwuri, kuite vavariro yako kurutevera. Izvi zvichakugonesa kupinda mumuitiro wekurava Bhaibheri zuva nezuva kana usati wava kutoita kudaro.
Nokuda kwemamwe mashoko pamusoro pehurukuro, zano, uye hwirudzuro dzokunyora, tapota rava nokungwarira mirayiridzo inowanwa mu“Rudungwe rweChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari cha1998,” pamwe chete nepeji 3 yeUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 1996.
Kana usati wanyoresa muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, tinokukumbira kuti unyorese zvino. Ichi chikoro chisingaenzaniswi chinopfuurira kuita rutivi runokosha mukurovedza vabatiri vaJehovha vanozvininipisa uye vanozvipira kuti vakwaniriswe zviri nani sevashumiri vake.—1 Tim. 4:13-16.