RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/97 p. 5
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 12/97 p. 5

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna December: Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? January: Bhuku ripi neripi remapeji 192 rakabudiswa 1985 asati asvika iro ungano ingava naro mudura. Ungano dzisina mugove wemabhuku akadaro dzingagovera bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano. February: Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! March: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Isai ngwariro pakutanga fundo dzeBhaibheri dzepamusha.

◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu anosarudzwa naye anofanira kunzvera akaunzi dzeungano musi waDecember 1 kana kuti nokukurumidza pashure pacho. Zivisai ungano apo izvi zvinenge zvaitwa.

◼ Chirangaridzo cha1999 chichava pamusi weChina, April 1, pashure pokuvira kwezuva. Ichi chiziviso chapiwa pachine nguva kuitira kuti hama dziite gadziriro dzinodikanwa kana kuti zvibvumirano zvehoro dzinowanika uko kune ungano dzinoverengeka dzinoshandisa Horo yoUmambo uye kana zvimwe zvivako zvichifanira kuwanikwa. Vakuru vanofanira kuva nechibvumirano nevatarisiri chinovimbisa kuti hapazovi nedzongonyedzo dzezvimwe zvinhu muchivako chacho kuitira kuti kuchengetwa kweChirangaridzo kuitwe nomutoo worugare uye wakarongeka. Nemhaka yekukosha kwenhambo yacho, mukugovera mukurukuri weChirangaridzo, mutumbi wevakuru unofanira kusarudza mumwe wevakuru vakakwaniriswa zvikuru panzvimbo pokungoita madzoro kana kuti kushandisa hama imwe chete gore negore.

◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha 1998 Yearbook of Jehovah’s Witnesses neodha yadzo yemabhuku yaDecember. Yearbook yacho ichawanika muchiNgezi nechiZulu. MaYearbook zvinhu chaizvo zvinodzorwa uye zvicharatidzwa se“Odha Yenyu Yachengetwa” pandaza yezvinotumirwa kuungano kutozosvikira zvatumirwa.

◼ Mutarisiri wemabhuku anofanira kurava mashoko api neapi anooneka painivhoisi dzemabhuku nokungwarira kuitira kuti agone kuita sezvinorayirwa neSosaiti. Mashoko aya acharambawo achimuzivisa nhau dzine chokuita neodha dzemabhuku dzeungano.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe