RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/97 p. 1
  • Taura nezvaJehovha Mazuva Ose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Taura nezvaJehovha Mazuva Ose
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Shandisa Rurimi Rwako Zvakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Rumbidzai Jehovha Zuva Roga Roga
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Rumbidza Jehovha Nguva Dzose
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Baba Vedu Jehovha, Tinovada Chaizvo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 12/97 p. 1

Taura nezvaJehovha Mazuva Ose

1 Vanhu vanofarira kutaura pamusoro pezvinhu zvipi nezvipi zvavanoda nemwoyo yavo yose, nokuti muromo unotaura zvakazara mumwoyo. (Ruka 6:45b) Chii chinokosha mumwoyo yedu? Wezvemapisarema akanyora kuti: “Rurimi rwangu ruchataura zvokururama kwenyu, nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose.” (Pis. 35:28) Aionga Jehovha zvikuru uye aizvirangarira seropafadzo chaiyo kutaura pamusoro paMwari uye kumurumbidza panhambo dzose. Achiva noushamwari hwapedyo naJehovha, wezvemapisarema akanga ane zvinhu zvakawanda zvokufarira. (Pis. 35:9) Tingatevedzera sei muenzaniso wake wakaisvonaka?

2 Taura nezvaJehovha Mumusha Mako: Jehovha anofanira kukurukurwa nezvake zuva nezuva mudenderedzwa remhuri. Vabereki vanoda Jehovha zvikuru nenzira yemuzvarirwo vachataura nezvake mumabasa avo ose. (Dheut. 6:5-7) Sezvavanodaro, vana vanocherekedza kuti baba vavo naamai vanorarama nokutenda uye vanoda mutemo waMwari. Ipapo vana vacharangarira fundo yeBhaibheri yemhuri sekuratidzwa kwechokwadi kwekuzvipira kwevabereki vavo kuna Mwari.—2 Pet. 3:11.

3 Taura nezvaJehovha Nehama Dzako: Murudungwe rwedu rwoubati ushe hwaMwari rwevhiki nevhiki, tine mikana yakawanda yekudyisa ndangariro dzedu nemwoyo pazvokudya zvomudzimu. Hatimboshayi zvinhu zvakanaka zvokutaura. (Ruka 6:45a) Pane mufungo wawakadzidza mufundo yako yemunhu oga kana kuti mukurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki wawakafarikanya zvikuru here? Ugoverane nehama dzako, nokudaro uchidzibetsera kuwedzera kuda kwadzo Jehovha.—Pis. 35:18; VaH. 10:24.

4 Taura nezvaJehovha Kuvamwe: Mukubata kwedu kwezuva nezuva nevanhu—pabasa, muchikoro, uye nemimwe mitezo yemhuri isingatendi—zvinofanira kuva pachena kuti chinokosha muupenyu hwedu kupupura nezvaJehovha. Panzvimbo pokusvibiswa nokutaura kwakashata uye kunonyangadza kwenyika, kutaura kwedu kunofanira kurumbidza Mwari. Zuva nezuva, pamikana yose, taura nevamwe nezvemashoko akanaka aakatituma kuparidza.—Mabasa 5:42; VaK. 4:6.

5 Sevanamati vechokwadi vaJehovha, zuva nezuva ngatishandisei mikana yekutaura pamusoro paMwari wedu asingaenzaniswi, Jehovha.—Pis. 106:47.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe