Unoshuviwa!
1 Panguva nenguva, tingapotsa musangano weungano mumwe kana kuti unopfuura mumwe, tichifunga kuti ‘hapana munhu achandishuva; havatombocherekedzi kuti handipo.’ Ichocho hachisi chokwadi! Kufanana nomutezo upi noupi wemuviri wedu wenyama, mumwe nomumwe wedu anoita rutivi runokosha mukushanda kweungano. (1 VaK. 12:12) Kusavapo kwedu pamusangano wevhiki nevhiki kunogona kutapura garikano yomudzimu yevamwe vanopinda. Kana usipo, iva nechokwadi chokuti—unoshuviwa!
2 Rutivi Runokosha Rwaunoita: Pauro aishuva kusonganira nehama dzake. VaRoma 1:11, 12 inotsanangura chikonzero nei: “Kuti ndikupei chimwe chipo chomweya . . . ini ndinyaradzwe pamwe chete nemi pakati penyu, mumwe nomumwe nokutenda kwomumwe, kwenyu nokwangu.” Nenzira yakafanana, kupfurikidza netsinhiro dzedu, mativi atinoita pamusangano, uye kuvapo kwedu chaiko, tinoita zvakawanda mukuvakana kuti tipfuurire munzira yokutendeka.—1 VaT. 5:11.
3 Haukariri kuona vamwe pamisangano yeungano here? Unonyatsoteerera tsinhiro dzavo ndokuonga kutaura kwavo kwokutenda. Zvipo zvavo zvomudzimu zvinobetsera kuvakwa kwako. Kudai vakanga vasipo pamusangano wacho, waizonzwa kuti chimwe chinhu chinokosha chiri kushayikwa. Hama dzako nehanzvadzi dzinonzwa nenzira imwe cheteyo pamusoro pako kana usipo.
4 Rutivi Runokosha Runoitwa Nemisangano: Nharireyomurindi yakambotsinhira pamusoro pekukosha kunoita misangano yedu mukupukunyuka kwedu kwomudzimu, kupfurikidza nokuti: “Munyika ino yasakadzwa negakava, ine utere, ungano yechiKristu utiziro hwomudzimu chaihwoihwo . . . inzvimbo yorugare norudo. Naizvozvo, iva mupindi wenguva dzose pamisangano yayo yose.” (w93-CA 8/15 11) Zuva rimwe nerimwe, tinonangana nemamiriro ezvinhu anotinetesa mumudzimu. Kana tikasangwarira, tingagona kunyura mufunganyo dzedu pachedu zvokuti tinorasikirwa nechiono chezvinhu zvomudzimu zvinokosha zvikuru. Tose zvedu tinotsamira pamumwe nomumwe nokuda kwekurudziro yatinoda kuti tirambe takabatana uye tichishingaira mubasa raMwari.—VaH. 10:24, 25.
5 Kupinda kwedu misangano kunokosha. Kurwara kana kuti zvinhu zvisingagoni kuonwa zvingatiita kuti tisavapo panhambo nenhambo. Nezvisizvo, ngatitsungei nguva dzose kubatanidzwa pakati pemapoka akaungana anorumbidza Jehovha pamwe chete!—Pis. 26:12.