Misangano Yebasa yaAugust
CHEREKEDZAI: Ushumiri Hwedu hwoUmambo hucharonga Musangano Webasa wevhiki imwe neimwe muna August naSeptember. Ungano dzingaita gadziridzo sedzinodikanwa kuti dzibvumire kupinda kokorodzano yoruwa uye ipapo nokuda kwekuhwirudzura purogiramu kwemaminiti 30 paMusangano Webasa vhiki inotevera yacho. Hwirudzuro yezuva nezuva inofanira kufanogoverwa pachine nguva kuhama mbiri kana kuti nhatu dzakakwaniriswa dzichakwanisa kuisa ngwariro pamapfundo akatanhamara. Hwirudzuro iyi ichabetsera ungano kuyeuka mapfundo anokosha. Tsinhiro dzevateereri nezvakaitika zvinofanira kuva zvipfupi uye zvakananga.
Vhiki Inotanga naAugust 4
7 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Tsinhirai pamusoro pemushumo webasa remumunda wenyika uye weungano yemunzvimbomo.
13 min: “Misangano Inokurudzira Mabasa Akaisvonaka.” Mibvunzo nemhinduro. Ratidzai betsero dzekurukurirano inovaka misangano isati yatanga uye kana yapera.—Onai Bhuku rinoTungamirira reChikoro, peji 83, ndima 17-18.
25 min: “Vimba naJehovha Kuti Akudze Zvinhu.” Hurukuro nemienzanisiro. Simbisai kudikanwa kwekuita shanyo dzedzokerero kwakagoverwa mabhurocha. Ivai nemienzaniso miviri yakanyatsogadzirirwa inoratidza matangirwe efundo. Batanidzai zvikarakadzo zvinobva muwedzero yeUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaMarch 1997, ndima 7-11.
Rwiyo 78 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naAugust 11
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi.
15 min: “Vakura Vanoparidza Vasinganeti.” Mibvunzo nemhinduro. Batanidzai chakaitika chaambuya vakura vakaita upiyona hwebetsero, chinobva muNharireyomurindi yaJuly 1, 1988, peji 13.
20 min: “Kuvaka Horo dzoUmambo muZimbabwe.” Mibvunzo nemhinduro.
Rwiyo 71 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naAugust 18
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Hwirudzurai “Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo.”
10 min: Zvinodikanwa zvomunzvimbomo.
25 min: Kuita Shanyo Dzedzokerero, Muchishandisa Bhurocha raApo Mumwe Munhu Waunoda Anofa. Ratidzai mabvunzirwo emubvunzo uye kunongedzera kubhurocha racho nokuda kwemhinduro. Somuenzaniso, bhurocha racho rinopindura mibvunzo inotevera: Pane tariro ipi neipi nokuda kwevakafa here? (Mapeji 5-6) Kuchema kwakaipa here? (Mapeji 8-9) Munhu anogona sei kubata nokuchema? (Peji 18) Vamwe vanogona sei kubetsera? (Mapeji 20-3) Vana vanogona sei kubetserwa kunzwisisa rufu? (Peji 25) Bhaibheri rinopa nyaradzo yakaita sei? (Peji 27) Ipapo, nokupfupikisa kurukurai nevaparidzi vaviri vanokwanisa kushandisa kwavakaita bhurocha iri pashanyo dzedzokerero kuti vapindure mibvunzo inowanzobvunzwa pamusoro porufu. Enzanisirai nzira yekushandisa nayo bhurocha racho pakuita shanyo dzedzokerero.
Rwiyo 94 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naAugust 25
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Yeuchidzai vose kupinza mishumo yebasa remumunda. Zivisai gadziriro dzebasa dzepakupera kwevhiki.
15 min: “Wana Zvakanakisisa Kuchikoro.” Baba vanokurukura nyaya yacho nevana, vachibatanidza mapfundo anobetsera anobva muMukai! yaJanuary 8, 1996, mapeji 21-7.
20 min: Paridza Nechinangwa. Mukuru nemubatiri anoshumira mumwe kana kuti vaviri vanohwirudzura bhuku raHushumiri Hwedu, mapeji 8-12. Isai ngwariro pazvikonzero zvinogombedzera nei tichifanira kuchengeta chimiro chendangariro chine chivimbo, chinofambira mberi kuushumiri hwedu uye nguva dzose kubatira pamwe zvikuru nesangano.
Rwiyo 100 nomunyengetero wokugumisa.