RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/97 p. 5
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 8/97 p. 5

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna August: Ripi neripi remabhurocha anotevera emapeji 32 nokuda kwe$2,00: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chiri Donzo Roupenyu—Unogona Sei Kuriwana?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, uye Unofanira Kudavira Utatu Here? September: Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri nokuda kwe$7,00. October: Kuzvinyoresa kweMukai! neNharireyomurindi nokuda kwe$40,00 pagore kana kuti $20,00 pamwedzi mitanhatu. (Cherekedzai: Mukai! i$20,00 pagore.) Kutanga murutivi rwepashure rwemwedzi wacho, Mashoko oUmambo turakiti Nha. 35 richaparadzirwa. November: Kuparadzirwa kweMashoko oUmambo turakiti Nha. 35 kuchapfuurira. Ungano dzinopedza ndima dzadzo nokusvika vanasaimba mumusha mumwe nomumwe nekopi yeMashoko oUmambo turakiti Nha. 35 dzingagovera bhuku raZivo.

◼ Munzanga dzose panguva dzakasiyana-siyana, mune mazororo enyika anoita kuti vana vasave pachikoro uye anopa nguva yekusava pabasa rekunyika. Iwaya anopa mikana yakaisvonaka kuungano kuti ive negoverano yakawedzerwa muushumiri hwemumunda. Vakuru vanofanira kufanoronga apo aya mazororo anovapo ndokuzivisa ungano pachine nguva zvikuru nezvegadziriro dziri kuitwa nokuda kwekupupura kweboka munguva dzezororo.

◼ Kutanga muna September kusvika muna February, mutariri wedunhu anobatira ungano yenyu achasangana nemutarisiri wemabhuku nemunyori kuti vaverenge mabhuku eungano nemagazini. Kuverengwa chaiko kwemabhuku ose aripo kunofanira kuitwa, uye hwerengedzo dzacho dzinofanira kunyorwa pafomu chairo rinogoverwa nemutariri wenyu wedunhu. Hwerengedzo yenhamba yemagazini aripo inogona kuwanwa kumutarisiri wemagazini. Mutariri wedunhu achatumira fomu rekutanga kuSosaiti pamwe chete nemushumo wake weungano. Chengetai kopi yechipiri nokuda kwemafayira enyu. Kopi yechitatu ingashandiswa sepepa rekufanonyorera. Ndaza yezvinhu zviripo inofanira kutarisirwa nemunyori ndokunzverwa nemutariri wedunhu. Munyori nemutariri anotungamirira vachasaina fomu racho pamwe chete nemutariri wedunhu.

◼ Mabhuku anotevera achagoverwa pamutengo chaiwo muchiSHONA BEDZI, kutozosvikira aripo apera: Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo“Muchinda woRugare”, Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva, KuTerera kunoMudzidzisi muKuru, uye Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei? Mutengo pakopi: $2,50 (vaparidzi nemapiyona).

 Ungano dziri kuaodha dzichachajwa mutengo wenguva dzose kuitira kuti dzigokumbira kubvisirwa chikwereti che$4,50 pakopi apo dzinotumira fomu radzo reMari Inotumirwa Nekumbiro Yokubvisirwa Chikwereti (S-20). Tapota cherekedzai kuti mabhuku aya HAASATI achizodhindwa zvekare.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe