Misangano Yebasa yaJuly
Vhiki Inotanga naJuly 7
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa zvemuUshumiri Hwedu hwoUmambo. Tsinhirai pamusoro pemushumo webasa waMarch wenyika uye weungano yomunzvimbomo.
15 min: “Kutendeka Kunotuswa.” Mibvunzo nemhinduro. Batanidzai muenzaniso unorondedzerwa muMukai! yechiNgezi yaJanuary 22, 1993, mapeji 18-21.
20 min: “Betsera Vamwe Kuwana Nyaradzo.” Kurukurirano nevateereri. Itai kuti mharidzo imwe kana kuti mbiri dzienzanisirwe. Kumbirai vateereri kurondedzera dzimwe nzira dzavakatanga nadzo kurukurirano, vachishandisa mabhurocha mamwe chetewo. Kurudzirai kushandisa mashoko akapfava, akanyatsosarudzwa kunyandura fariro. (Onai Bhuku rinoTungamirira reChikoro, peji 7, ndima 9-11.) Dudzai mamwe mabhurocha angagoverwa uye ayo ungano inawo mudura.
Rwiyo 70 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJuly 14
12 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi. Hwirudzurai “Tichafunda Bhuku raMufarwa Wemhuri.”
18 min: “Pupura Kwose Kune Vanhu.” Hurukuro. Kana nguva ichibvumidza, zvakaitika zvokuwedzera zvingagoveranwa kubva muYearbook ya1997, mapeji 43-6.
15 min: Vabereki—Dzidzisai Vana Venyu Kubva Paucheche. Mukuru anokurukura nheyo dzeMagwaro achitsanangura kudikanwa kwokuti vabereki vadzidzise vana vavo kubva paucheche. (Zvir. 22:6; 2 Tim. 3:14, 15) Vamwe vabereki vanofunga kuti dzidzo yokushingaira yeBhaibheri kuvana haifaniri kugoverwa kutozosvikira vakura zvakakwana kuita zvisarudzo zvavo voga. Muzviitiko zvakadaro vana vakawanda vakarasika vachienda kunyika. Murayiridzo womudzimu unofanira kuvamba muucheche. (g97 3/8 20-1; w88-CA 8/1 12-13) Bvunzurudzai varoorani vanoratidza kuitira hanya umudzimu hwevana vavo. Ratidzai kuti baba vanotungamirira sei asi vabereki vose vachiita rutivi rwavo mukugovera purogiramu yenguva dzose, yakakwana yekudzidzisa vana vavo. Varoorani vanorondedzera zvavave vachiita munhamburiko yekudzidzisa vana vavo chokwadi, vachishandisa zvikarakadzo izvo sangano rakagovera pamusoro pokuva nepurogiramu yakanaka, inoshanda yekudzidzisa vana vavo pamusha. Mukuru anosimbisa kukosha kwekushandisa zvinorayirwa vabereki neShoko raMwari kuti vaite.—w85-CA 10/1 23; VaEf. 6:1-4.
Rwiyo 71 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJuly 21
12 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Hwirudzurai “Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu.”
13 min: “Ndiani Ungatiendira?” Hurukuro yakananga. Batanidzai kurudziro inopiwa yokuita upiyona hwenguva dzose uye chakaitika chinowanwa muwedzero yeUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaFebruary 1997, ndima 16-17. Avo vasingagoni kuva mapiyona enguva dzose vangashuva kuronga kuti mwedzi upi (ipi) yokuita upiyona hwebetsero mukati megore rebasa riri kuuya.
20 min: “Kokorodzano Yoruwa yo‘Kutenda Shoko raMwari.’ ya1997.’” (Ndima 1-14) Mibvunzo nemhinduro. Ravai ndima 7, 9, ne14. Simbisai ukoshi hweMagwaro hwekuchengeta nokungwarira chitarisiko chedu chine mwero chechiKristu nomufambiro uye kutarisira vana vedu zvakafanira.
Rwiyo 72 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJuly 28
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Yeuchidzai vose kupinza mishumo yavo yebasa romumunda. Hwirudzurai mabhuku anogoverwa muna August. Ipai ngwariro pakutevera mabhurocha akagoverwa muna July neshanyo dzedzokerero muna August, muchiedza kutanga fundo dzeBhaibheri. Muchishandisa wedzero yeUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaMarch 1997, taurai zvimwe zvezvinokosha zveshanyo yedzokerero inobudirira. Fundo dzinofanira kutangwa mubhurocha raAnodei kana kuti bhuku raZivo.
20 min: “Kokorodzano Yoruwa yo‘Kutenda Shoko raMwari’ ya1997.’” (Ndima 15-22) Mibvunzo nemhinduro. Ravai ndima 15 nemagwaro akanongedzerwa. Simbisai kudikanwa kwekurongeka nokurangarira vamwe, zvikurukuru pakureva nezvepokugara. Gumisai nehurukuro pfupi inohwirudzura “Zviyeuchidzo Zvekokorodzano Yoruwa.”
15 min: Pedza Zvizere Ushumiri Hwako. Hurukuro inopiwa nemutariri webasa yakavakirwa pabhuku raHushumiri Hwedu, mapeji 5-8. Simbisai ukoshi nekurumidziro zvebasa rokuparidza, muchinyandura vose kurangarira basa ravo sevashumiri nenzira yakakomba.
Rwiyo 75 nomunyengetero wokugumisa.