RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/97 p. 2
  • Misangano Yebasa yaMay

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaMay
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naMay 5
  • Vhiki Inotanga naMay 12
  • Vhiki Inotanga naMay 19
  • Vhiki Inotanga naMay 26
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 5/97 p. 2

Misangano Yebasa yaMay

Vhiki Inotanga naMay 5

Rwiyo 130

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo.

12 min: “Tevera Jesu Nguva Dzose.” Mibvunzo nemhinduro. Batanidzai zvakaitika zvemuNharireyomurindi, June 1, 1993, peji 12.

23 min: “Ratidza Kuitira Hanya Kwechokwadi Fariro Yose Yakawanwa.” Kurukurirano nevateereri. Simbisai kudikanwa kwekupfuuridzira fariro yose. Karakadzai nzira dzokungwarira pakutaura dzekukumbira nadzo kero yepamusha yeavo vanosanganwa navo munzvimbo dzavose kuitira kuti tigone kuvapupurirazve. Itai kuti vaparidzi vanokwanisa vaenzanisire mbiri dzemharidzo dzinokarakadzwa mundima 6-9. Hwirudzurai bhokisi, “Nzira Yokubudirira Nayo Mukuita Shanyo Dzedzokerero,” papeji 3 muwedzero yeUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaMarch 1997. Kurudzirai vose kuronga nguva yakati vhiki imwe neimwe yekuita shanyo dzedzokerero.

Rwiyo 151 nemunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMay 12

Rwiyo 133

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi.

10 min: Bhokisi Remibvunzo. Hurukuro inopiwa nemukuru.

25 min: “Kutungamirira Vadzidzi Kusangano Rinotsigira Zita Redu.” Mibvunzo nemhinduro. Kana nguva ichibvumidza, ravai ndima 5-6 nemagwaro akarongwa. Rondedzerai zvakaitika zvemunzvimbomo pamusoro pokuita kwevadzidzi veBhaibheri pavakaona vhidhiyo yeJehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name. Itai kuti mudzidzisi anokwanisa aenzanisire nzira yokuva nayo nekurukurirano yechokwadi nemudzidzi pamusoro pekudikanwa kwekupinda misangano.

Rwiyo 162 nemunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMay 19

Rwiyo 139

7 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zivisai gadziriro chaidzo dzebasa remumunda nokuda kwaMay 26.

20 min: “Kuitisa Fundo dzeBhaibheri Dzepamusha Dzinofambira Mberi.” Hama inokwanirisa inokurukura nyaya yacho nemuparidzi kana kuti vaviri vanoita zvakanaka mukuitisa fundo. Vachishandisa zvikamu zvebhuku raZivo semuenzaniso, vanorondedzera mitoo yekudzidzisa inovabetsera kuchengeta fundo ichifamba pamwero wakadzikama uye inovabvumira kuziva icho mudzidzi ari kudzidza chaizvoizvo.—Ona wedzero yeUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 1996, ndima 5, 8, 12, uye 21.

18 min: “Nzvimbo Yenziyo Mukunamata Kwazvino Uno.” Hurukuro inopiwa nehama iyo pachayo iri muimbi ane mbavarira, yakavakirwa paNharireyomurindi, February 1, 1997, mapeji 24-8. Shandisai mashoko acho munzvimbomo uye kurudzirai vose kuona kuti kuimba rutivi runokosha rwekunamata kwechokwadi.

Rwiyo 165 nemunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMay 26

Rwiyo 148

15 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Hwirudzurai mabhuku anogoverwa muna June. Muchishandisa bhuku raZivo, tsanangurai kuti mifungo iri mundima 17-19 pamapeji 10-11 ingagona sei kushandiswa kugadzirira mharidzo pfupi. Kurudzirai vose kupa ngwariro pakuedza kutanga fundo. Simbisai kudikanwa kwekubetsera vanofarira kufambira mberi nokukurumidza.—Ona Nharireyomurindi, January 15, 1996, mapeji 13-14.

12 min: “Nei Tichiramba Tichidzokera?” Mibvunzo nemhinduro. Batanidzai mapfundo anobva mubhokisi riri papeji 570 mubhuku raProclaimers.

18 min: Zvinodikanwa zvomunzvimbomo. Hurukuro inopiwa nemukuru kana kuti kurukurirano inoitwa nevakuru vaviri, vachikurukura zvinodikanwa zvemudzimu zveungano. Ipai kurudziro yeMagwaro nezvikarakadzo zvinoshanda nokuda kwevandudziko.

Rwiyo 174 nemunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe