Bhokisi Remibvunzo
◼ Kungwarirai kunodikanwa apo tinosonganirana nemumwe munhu ane mitezo yakasiyana yevatano muzvine chokuita noushumiri hwedu?
Tine chikonzero chokukarira kuti hama nehanzvadzi dzedu dzinovavarira kuomerera kumupimo wakakwirira zvikurusa wetsika mumufambiro wadzo wemunhu oga. Kunyange zvakadaro, tiri kurarama munyika isina kuchena uye yemadiro iyo ine ganhuriro shoma dzetsika. Nepo tingava nevavariro dzakanakisisa, tinofanira kuva vakangwarira nguva dzose kudzivisa kuparira ruzvidzo kana kuti kuva vanobatanidzwa muchimwe chinhu chisina kufanira. Ikoku kunobatanidza kuva vanongwarira patinenge tiri muushumiri.
Mubasa remumunda kazhinji kazhinji tinosangana nevanhu vane mitezo yakasiyana yevatano vanoratidzira inoratidzika kuva fariro yemwoyo wose muchokwadi. Kana tiri toga apo tanga tashanya uye pasina mumwe munhu pamusha, kazhinji kazhinji kungava kwakanakisisa kupa uchapupu pasuo panzvimbo pokupinda mukati. Kana pane fariro, gadziriro dzinogona kuitwa dzekudzokera apo tinenge tichiperekedzwa nemumwe muparidzi kana kuti apo vamwe mumhuri yacho vanenge varipowo. Kana izvozvi zvisingabviri, kuchava kuchenjera kuchinjira shanyo yacho kumuparidzi ane mitezo mimwe chete yevatano seyasaimba. Ikoku kunoshandawo mukuitisa fundo dzeBhaibheri mumwe munhu ane mitezo yakasiyana yevatano.—Mat. 10:16.
Tinofanira kungwarira pakusarudza mumwe munhu wekushanda naye muushumiri. Kunyange zvazvo vaparidzi vane mitezo yakasiyana yevatano vangashanda pamwe chete padzimwe nguva, ikoku kunoitwa zvakanakisisa apo munenge mune boka. Kazhinji kazhinji, kunyange tiri muushumiri, hakusi kuchenjera kuti tipedze nguva yakawanda tiri toga nemumwe munhu ane mitezo yakasiyana yevatano uyo asiri mukwanyina wedu weroorano. Nokudaro, hama inotarisira boka rebasa inofanira kushandisa chisarudzo chakanaka pakugova vaparidzi, kubatanidza vechiduku, kuti vashande pamwe chete.
Kupfurikidza nokushandisa chisarudzo chakanaka nguva dzose, tichadzivisa “kuparira chikonzero chipi nechipi chokugumbuka” kungava kwedu timene kana kuti kwevamwe.—2 VaK. 6:3, NW.