Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwamwari
Hwirudzuro inoitwa mabhuku akapfigwa pamusoro pamashoko anofukidzwa mumigove yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari nokuda kwamavhiki aJanuary 6 kusvikira kuna April 21, 1997. Shandisai pepa riri roga rokunyorera mhinduro zhinji dzemibvunzo seyamunogona munguva yakagoverwa.
[Onai: Mukati mehwirudzuro yokunyora, Bhaibheri bedzi ringashandiswa kupindura mubvunzo upi noupi. Nongedzero dzinotevera mibvunzo ndedzenzvero yenyu mumene. Nhamba dzamapeji nendima dzingasaoneka panongedzero dzose dzeNharireyomurindi.]
Pindura kutaura kumwe nokumwe kunotevera kuti Chokwadi kana kuti Nhema:
1. Rudado runogona kuva mhinganidzo kukubvuma kwedu zvikanganiso zvomunhu oga nokugamuchira zano. [rs-CA p. 253 ndima 3]
2. Hapana chiremera pasi pano chaigona kukanganwira zvivi kutozosvikira Jesu afa ndokugovera rudzikinuro. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w96-CA 4/15 p. 29.]
3. Chikara chiri muna Zvakazarurwa 13:1, 2, 7 chinomirira Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose. [uw-CA p. 63 ndima 4]
4. Rubhabhatidzo ivimbiso yoruponeso. [uw-CA p. 100 ndima 12]
5. Mwari haafaniri kushorwa nokuda kwe“ngwavaira dzomusikirwo” dzakafanotaurwa nokuda kwezuva redu sezvo vanofanotaura mamiriro okunze vasiri ivo vasingafaniri kushorwa nokuda kwemamiriro okunze avanofanotaura. [rs-CA p. 153 ndima 5–154 ndima 2]
6. Zvivi zvose zvevanhu vasina kukwana zvinofukidzwa norudzikinuro. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 12/15 p. 29.]
7. Pakati pe“mbudzi” dzinodudzwa pana Mateo 25:31-46, dzichatambura ruparadziko rusingaperi, pachava nemitezo inoshingaira yeBhabhironi Guru nevatungamiriri vayo vorudzidziso. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 10/15 p. 26 ndima 13-15.]
8. Mashoko aJesu akanyorwa pana Mateo 23:33 anoratidzira kuti vanyori nevaFarise, seboka, vakanga vari rutivi rwembeu yeNyoka. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w96-CA 6/1 p. 11 ndima 11.]
9. Kukanganwira vamwe kunogonesa zvivi zvedu kukanganwirwa naMwari. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w94-CA 9/15 p. 7.]
10. Kubhabhatidzwa murufu kwaJesu kwakavamba muna 29 C.E. uye hakuna kupedzwa kutozosvikira afa chaizvoizvo uye amutswa. [uw-CA p. 97 ndima 6]
Pindura mibvunzo inotevera:
11. Umambo hwaJesu hahusati huchizoparadzwa mupfungwai? (Dhan. 7:14) [uw-CA p. 86 ndima 15]
12. VaKristu vanogona sei kukunda nyika sezvakaita Jesu? [uw-CA p. 67 ndima 13]
13. Panzvimbo pokutsoropodza avo tingafunga kuti vangagona kuita zvakawanda mubasa roUmambo, chii icho isu semunhu mumwe nomumwe tinofanira kuita? (VaG. 6:4) [uw-CA p. 93 ndima 13]
14. Kuvhuna kwaZekaria tsvimbo yainzi Kunaka kwakarevei? (Zek. 11:7-11) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w89-CA 6/15 p. 31.]
15. Nei Mwari asina kukanganwira Adhama ndokungokanganwa nezvechivi chake? [rs-CA p. 152 ndima 6]
16. Nei Jehovha achirambidza miitiro yakadai sounyanzvi hwokududzira mitsetse yechanza, unyanzvi hwenyeredzi, uye kufanotaura remangwana? (Dheut. 18:10-12) [rs-CA p. 159 ndima 1]
17. Munhu anogona sei kubira Mwari? (Mar. 3:8) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 4/15 p. 18 ndima 15.]
18. Ndepapi mubhuku raMateo patinowana zano rakanaka iro Jesu akapa pakupedza zvinetso zvakakomba? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 7/15 p. 22.]
19. Chii chiri “dhenari” rinodudzwa mumufananidzo waJesu wakanyorwa pana Mateo 20:1-16? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona gt-CA 97 ndima 6.]
20. Nei tichigona kutaura zvakarurama kuti hakusi kutambura kwose kwomunhu kunoparirwa zvakananga naDhiyabhorosi nemadhemoni ake? (Zvir. 1:30-33; VaG. 6:7) [rs-CA p. 149 ndima 1]
Govera shoko kana kuti mashoko kana kuti chikamu chemashoko chinodikanwa kupedza kutaura kumwe nokumwe kunotevera:
21. Sangano ramarudzi akawanda re ․․․․․․․․ ufakazi hwakasimba hwokuti ruvengo runogona kubviswa. [w95-CA 6/15 p. 8]
22. Kana munhu anoti ane mudzimu waMwari asingabereki ․․․․․․․․ zvemudzimu muupenyu hwake uye asingarambi akaparadzana ne ․․․․․․․․ nemiitiro yayo, kutaura kwake hakuna hwaro. [rs-CA 272 ndima 6–273 ndima 3]
23. Vakafa vanonongedzerwa kwavari pana Zvakazarurwa 20:12 vachatongwa maererano nemabasa avo anoitwa ․․․․․․․․ porumuko rwavo. Ikoku kunotibetsera kunzwisisa kuti rwavo harusati ruchizova nenzira isingadzivisiki rumuko rwo ․․․․․․․․ (Joh. 5:28, 29) [uw-CA p. 75 ndima 12]
24. Kunyange zvazvo Jesu asina kupiwa chaizvoizvo zita romunhu rokuti ․․․․․․․․, basa rake somunhu rakazadzika ․․․․․․․․ yezita iroro. (Isa. 7:14; Mat. 1:22, 23) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w92-CA 1/15 p. 22.]
25. Nemhaka yokurangarira ․․․․․․․․ vanomubatira nokutendeka, Mwari anorangarira ․․․․․․․․ vavo vaduku se ․․․․․․․․ (1 VaK. 7:14) [rs-CA p. 153 ndima 4]
Sarudza mhinduro yakarurama mukutaura kumwe nokumwe kunotevera:
26. Kana muKristu akakokwa kumariro ehama yokunyama yokunyika, haafaniri kunonoka kutsanangura chimiro chake kutozosvikira azviwana amene ave mumamiriro ezvinhu anobvira (kubvumirana pane zvisina kufanira; akanaka, anomutsa mubvunzo). [w85-CA 8/15 p. 30]
27. Ruzhinji rwe(vakasarira; 144 000) rwuri mumatenga, uye (vakasarira; 144 000), vachiri pasi pano, vanoumba (Mutumbi Unodzora; boka romuranda akatendeka uye akachenjera). [uw-CA p. 80 ndima 7]
28. Muparidzi 9:11 inotibetsera kunzwisisa kuti kazhinji kazhinji vanhu vanokuvara ndokutambura nemhaka (yaDhiyabhorosi; yavanhu vakaipa; yetsaona, kuva munzvimbo yakaipa panhambo yakaipa). [rs-CA 150 ndima 2]
29. Rubhabhatidzo “muzita raBaba neroMwanakomana neromweya mutsvene” rwakavamba muna (29 C.E.; 33 C.E.; 36 C.E.). (Mat. 28:19) [uw-CA p. 98 ndima 9]
30. Mubayiro uyo Jesu akapikira avo vanogamuchira vadzidzi vake sevaporofita, sezvakanyorwa pana Mateo 10:41, (upenyu husingaperi; idziviriro youmwari; kunzwa shoko roUmambo). [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w88-CA 1/1 p. 24.]
Nzwananisa magwaro anotevera nokutaura kwakarongwa pasi apa:
Zek. 4:6; Mat. 4:8-10; Mat. 16:19; VaF. 1:9-11; VaH. 13:5, 6
31. Tinofanira kushandisa upenyu hwedu nenzira inoratidza kuti tinonzwisisa chaizvoizvo zviri zvinhu zvinokosha zvikuru. [uw-CA p. 91 ndima 9]
32. Vateveri vechokwadi vaJesu vanoramba kubatanidzwa muzvinhu zvematongerwe enyika zvenyika ino. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w96-CA 5/1 p. 12 ndima 9.]
33. Kuziva nezveUmambo hwaMwari kwaizozarurira vaJudha, vaSamaria, uye Vamarudzi nzira yokuenda kudenga. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w91-CA 3/15 p. 5.]
34. Kushorwa munyika yose kwebasa redu rokuparidza kwakakurirwa, kwete nenhamburiko dzomunhu, asi nenhungamiro yaJehovha nedziviriro. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w94-CA 8/15 p. 17 ndima 4.]
35. Pasinei zvapo nemitengo yakakwira neurovha hwakapararira, Jehovha achava nechokwakdi chokuti tine zvatinoda chaizvoizvo. [uw-CA p. 89 ndima 6]