Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna April naMay: Mibvunzo Inobvunza Vechiduku nokuda kwe$5,00 kana kuti bhurocha raMwari Anodei Kwatiri? ringashandiswa mubasa repakati pevhiki. Zvinogoverwa zveZulu/Chicheŵa: Kuzvinyoresa kweNharireyomurindi neMukai! nokuda kwe$40,00 kwegore rimwe kana kuti $20,00 nokuda kwemwedzi mitanhatu. Nokuda kwebasa repakati pevhiki uye mundima inowanzofukidzwa, bhurocha idzva, Mwari Anodei Kwatiri?, ringashandiswa. June: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi nokuda kwe$7,00. Ipai ngwariro pakutanga fundo dzeBhaibheri dzepamusha. July naAugust: Ripi neripi remabhurocha anotevera ane mapeji 32 nokuda kwe$2,00 rimwe: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chiri Donzo Roupenyu—Ungariwana Sei?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, uye Unofanira Kudavira Utatu Here?
◼ Avo vanosonganirana neungano vanofanira kutumira kuzvinyoresa kwose kutsva uye kumutsidzira kunowanwa kweNharireyomurindi neMukai! kuvanofarira kupfurikidza neungano.
◼ Sosaiti haiiti zvikumbiro zvemunhu oga zvevaparidzi zvemabhuku. Mutariri anotungamirira anofanira kuronga kuti chiziviso chiitwe mwedzi mumwe nomumwe chikumbiro cheungano chemwedzi nemwedzi chisati chatumirwa kuSosaiti kuitira kuti vose vanoda kuwana mabhuku emunhu oga vagozivisa hama inotarisira mabhuku. Tapota yeukai kuti zvinyorwa zvipi zviri zvinhu zvechikumbiro chaicho.
◼ Munzanga iri yose, panguva dzakasiyana-siyana mukati megore, mune mazororo enyika anoita kuti vana vasaende kuchikoro uye anopa nguva yekusaenda kubasa renyika. Aya anopa mikana yakaisvonaka kuti ungano ive negoverano yakawedzerwa muushumiri hwemumunda. Vakuru vanofanira kukarira apo idzi nguva dzichamuka uye kuzivisa ungano pachine nguva zvikuru nezvegadziriro dziri kuitwa nokuda kwekupupura kweboka mukati menhambo dzemazororo.
◼ Kwakacherekedzwa kuti dzimwe hama dzinowedzera ‘mutinhimira’ kutepi dzenziyo dzeSosaiti. Nziyo dziri muaya makaseti dzinogoverwa senhungamiro nokuda kwekuimba kwedu. Sosaiti ingada kuzivisa vose kuti hakuna ‘mutinhimira’ unofanira kuwedzerwa kunziyo dziri paaya matepi. Aya mashoko akambotaurwa, asi tiri kuadzokorora sechiyeuchidzo.
◼ Mwedzi wedu chaiwo waApril wasvika! Tinokurudzira vaparidzi vose, vakabhabhatidzwa nevasina kubhabhatidzwa, kugoverana zvizere mubasa mwedzi uno. Vose vanokurudzirwa kuva nechokwadi chokuti vanoshuma panguva.
◼ Munyori: Ivai nechokwadi chokutumira mushumo weungano kuhofisi yedu pazuva rechitanhatu remwedzi kana kuti risati rasvika. Avo vanogara kure nepositi hofisi yakavimbika vanofanira kutumira mishumo yavo nokukurumidza zvikuru.
◼ Munguva yakapfuura, makadhi emabheji ekokorodzano aitumirwa kuungano maererano nenhamba yemakopi eUshumiri Hwedu hwoUmambo hwadzinogamuchira. Kutanga negore rino, Sosaiti haisati ichizoita izvozvi. Panzvimbo pezvo, ungano imwe neimwe inofanira kuodha mugove wayo kuSosaiti. Ungano dzinokurudzirwa kuodha mabheji eKokorodzano yeRuwa ya1997 kubva zvino.