Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari
Hwirudzuro inoitwa mabhuku akapfigwa pamusoro pamashoko anofukidzwa mumigove yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari nokuda kwamavhiki aMay 6 kusvikira kuna August 19, 1996. Shandisai pepa riri roga rokunyorera mhinduro zhinji dzemibvunzo seyamunogona munguva yakagoverwa.
[Onai: Mukati mehwirudzuro yokunyora, Bhaibheri bedzi ringashandiswa kupindura mubvunzo upi noupi. Nongedzero dzinotevera mibvunzo ndedzenzvero yenyu mumene. Nhamba dzamapeji nendima dzingasaoneka panongedzero dzose dzeNharireyomurindi.]
Pindura kutaura kumwe nokumwe kunotevera kuti Chokwadi kana kuti Nhema:
1. Chibayiro chimwe chaJesu chakatsiva zvibayiro zvose zvakapiwa muMutemo waMosesi. [uw-CA p. 33 ndima 8(4)]
2. ‘Gogi wamaGogi’ inongedzero yokufananidzira kuhurumende dzenyika ino. (Ezek. 38:2) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w91-CA 8/15 p. 27 ndima 2.]
3. Kungofanana naOhora akanga ari mukoma waOhoribha, sezvinorondedzerwa muna Ezekieri ganhuro 23, saizvozvo chiRoma Katurike mukoma wechiPurotesitendi, uye masangano ose ari maviri akazvishatisa amene nokuita upombwe hwomudzimu nemasimba ezvokutengeserana neezvematongerwe enyika. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w89-CA 4/1 p. 30.]
4. Munhu akakura mumudzimu haatapurwi nedzvinyiriro yevasonganiri. [yp-CA p. 76 ndima 1]
5. Kuti Bhaibheri rinozvidudzira rimene kunogona kuonwa munzira iyo Zvakazarurwa 21:8 inojekesa nayo chinorehwa nokukandirwa kwaSatani mu“dziva romwoto nesarifa,” sezvinorondedzerwa pana Zvakazarurwa 20:10. [rs-CA p. 361 ndima 2]
6. Jakobho 4:17 naEzekieri 33:7-9 anotsinhirana, achiratidza kuti kuziva izvo Mwari anoda kwatiri ndiko kunoita kuti tizvidavirire kwaari. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w93-CA 4/1 p. 7 ndima 1.]
7. Dhanieri akazvibvumikisa amene kuva muporofita wechokwadi kupfurikidza nokutsanangura revo yemufananidzo wechiroto pashure pokunge Mambo Nebhukadnezari amutsanangurira. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona Dhanieri 2:7-9, 26.]
8. Mvura inoyerera ichibva patembere yechiono inorondedzerwa pana Ezekieri 47:1 inomirira simba rinochenesa rorubhapatidzo. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w88-CA 9/15 p. 27 ndima 20.]
9. Usatongotya kurambira mumwe munhu anokukurudzira ku‘fadza nyama,’ kunyange kana kokero yacho ichibva kumunhu anotaura kuti muKristu. (2 Pet. 2:18, 19) [uw-CA p. 43 ndima 11]
10. VaRoma 12:3 inoratidza kuti kuva nomwero wakati kuti wokuzviremekedza kunoreva kuva anozvitutumadza. [yp-CA p. 103 ndima 1]
Pindura mibvunzo inotevera:
11. Kuedza kwaAbrahama kubayira Isaka kunofanira kutibetsera kunzwisisei? (Gen. 22:1-18) [uw-CA p. 32 ndima 8(1)]
12. Neiko kuchigona kutaurwa kuti mugove webasa uyo Jehovha Mwari akapa Adhama naEvha wakanga uri mutemo? (Gen. 1:28; 2:15) [uw-CA p. 38 ndima 2]
13. Zvapupu zvakazodzwa zvaJehovha navasonganiri vazvo zvinofanira kuva saEzekieri munzirai? (Ezek. 11:25) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w88-CA 9/15 p. 16 ndima 3.]
14. Ndivanaani vanobatanidzwa mumbeu yeNyoka? [uw-CA p. 30 ndima 3]
15. Mukuwedzera kukupomera Jehovha kureva nhema, Satani akataura kuti Mwari akanga achinyimei zvisikwa zvake? (Gen. 3:1-5) [uw-CA p. 46 ndima 1]
16. Nderipi iri “guta” rinonongedzerwa kwariri pana VaHebheru 11:10? [uw-CA p. 48 ndima 6]
17. Kunogona kutaurwa munzirai mbiri kuti Adhama naEvha vakafa “nezuva” rokudya kwavo muti wokuziva chakanaka nechakashata? (Gen. 2:17) [uw-CA p. 56 ndima 5]
18. Munzirai umo 2 VaTesaronika 1:9 naZvakazarurwa 21:8 anoratidza nayo nenzira yakajeka kuti kuponeswa kwechisiko chose idzidziso yenhema? [rs-CA p. 342 ndima 1-3]
19. Neiko pasina kupokanidzana pakati pemashoko aPauro okuti tinoponeswa nokutenda nokutaura kwaJakobho kwokuti tinofanira kuva nemabasa? (VaEf. 2:8, 9; Jak. 2:14, 26) [rs-CA p. 343 ndima 3-5]
20. Kana pwere ikagumburwa nevabereki vayo vachiienzanisa nenzira isina kunaka neimwe pwere kana kuti mumwe mwana biyayo, chii chainofanira kuita? [yp-CA p. 99 ndima 1]
Govera shoko (mashoko) kana kuti chitsama chamashoko chinodikanwa kupedzisa kumwe nokumwe kwokutaura kunotevera:
21. Mukuzadzikwa kwaEzekieri 21:26, umambo hwaiva “pamusoro” hwa ․․․․․․․․ hwaka‘deredzwa’ kupfurikidza nokuparadzwa muna ․․․․․․․․, uye umambo hwaiva “pasi” hwe ․․․․․․․․ hwaka“kwidziridzwa,” kuchivabvumira kudzora pasi pasina kudzongonyedzwa no․․․․․․․․ hwokufananidzira hwaMwari. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w88-CA 9/15 p. 19 ndima 16.]
22. Mukadzi wechiKristu anofanira kuziva kuti kuteerera ․․․․․․․․ kwakakwana nguva dzose kunouya pakutanga, kuteerera murume wake ․․․․․․․․ kunofanira kuva seizvo Jehovha anorayira. [w95-CA 6//1 p. 27]
23. Kutaura kwokuti “muranda wangu Dhavhidhi” kuri pana Ezekieri 34:23 kwakanyorwa nguva refu pashure porufu rwa․․․․․․․․; kutaura kwouporofita uye kunonongedzera kuna ․․․․․․․․. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w93-CA 1/1 p. 19.]
24. Eksodho 34:7 inonongedzera kune zvaizoitika kuvaIsraeri se․․․․․․․․ kana vakatadzira Mwari uye vakapinzwa muutapwa, nepo Ezekieri 18:4 inonongedzera kukuzvidavirira ․․․․․․․․ kuna Mwari. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w88-CA 2/1 p. 6.]
25. Apo unenge uchirava Bhaibheri, kwakanaka kuzvibvunza umene kuti unogona sei kushandisa ․․․․․․․․ zvauri kurava uye mashandisire aungaita zvauri kurava kuyamura ․․․․․․․․. [uw-CA p. 26 ndima 12(4) uye p. 28 ndima 12(5)]
Sarudza mhinduro yakarurama mukumwe nokumwe kwokutaura kunotevera:
26. Itiro hanya huru yomuKristu muupenyu ndiyo (yokuva neropafadzo muungano; yokupukunyuka Armagedhoni; yokuva neukama hwakanaka naJehovha). [uw-CA p. 42 ndima 9]
27. Vanhu vakawanda vanoramba kubvuma kuti zvinetso zvatingasangana nazvo muupenyu kazhinji kazhinji zvinovapo nemhaka (yevanhu vanoda kutikuvadza; yenguva nemamirire ezvinhu asingafanoonwa; yezvishuvo zvedu timene zvokutadza nesonganiro dzakashata). (1 VaK. 15:33; Jak. 1:14, 15) [uw-CA p. 44 ndima 13]
28. (Zivo yedu; mano edu okudzidzisa; mafambire edu) anoratidza patimire pamusoro penhau hurusa inobatanidza ruvimbiko rwedu kuna Mwari. [uw-CA p. 52 ndima 12]
29. Vokutanga kuva “midziyo yengoni” vakanga vari (Vamarudzi; vaJudha; vaSamaria vakadzingiswa), tevere (Vamarudzi; vaJudha; vaSamaria vakadzingiswa), uye pakupedzisira kwakatevera (Vamarudzi; vaJudha; vaSamaria vakadzingiswa). (VaR. 9:23, 24) [uw-CA map. 58, 59 ndima 8, 10]
30. Zita romurume akaora mwoyo nemhaka yokuti akarwara ndokukundikana kupedza basa rake rokubatsira muapostora Pauro akaiswa mutorongo rakanga riri (Epafrodhito; Onesimo; Gayo). [yp-CA p. 105 ndima 2]
Nzwananisa magwaro anotevera nokutaura kwakarongwa pasi apa:
Zvir. 27:11; Ezek. 18:25; Dhan. 1:8, 11-13; Mabasa 8:32-38; 1 Joh. 1:8, 9
31. Kunzwisisa zvokwadi neizvo Jesu Kristu akaita mukuzadzikwa kwouporofita hweBhaibheri kunosunda vanhu vane mwoyo yakatendeseka kubhapatidzwa. [uw-CA p. 32 ndi- ma 7]
32. VaKristu vaduku havafaniri kuzengurira kuzivisa nenzira yokuremekedza zviremera nevadzidzi biyavo kuti havasati vachizoshatisa hana yavo yakarovedzwa nenzira youmwari. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w92-CA 11/1 p. 14 ndima 17.]
33. Kupfurikidza nokutenda zvechokwadi chibayiro chaJesu Kristu, tinogona chaizvoizvo kuva nehana yakachena nemhaka yokukanganwirwa chivi. [uw-CA p. 35 ndima 10]
34. VaKristu vechokwadi nguva dzose vanofanira kuva vakagadzirira kuchinjira kufunga kwavo kunzira dzaJehovha, uye hatitongofaniri kurangarira kuti zano rakanaka rapaMagwaro harishandi kwatiri ndokurifuratira. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w90-CA 11/1 p. 31.]
35. Chimwe chikonzero nei Jehovha Mwari asina kuuraya Dhiyabhorosi nokukurumidza pashure pokupanduka kwake muEdheni chakanga chiri chokubvumira vabatiri vaMwari pasi pano mukana wokubvumikisa ruvimbiko rwavo kwaAri kupfurikidza nemabasa okuteerera kworudo nokudaro ndokubvumikisa Dhiyabhorosi kuva murevi wenhema. [rs-CA p. 359 ndima 2]