Mipiro Yebasa Resosaiti Romunyika Yose Inotsigira Wedzero
Sezvakafanotaurwa pana Isaya 54:2, 3, kunamatwa kwakachena kwaJehovha kunopfuurira kuwedzera mupasi rose. Ikoku kunobatanidza nyika dzakasiyana-siyana dziri mukondinendi yeAfrica nezvitsuwa zviri pedyo. Mukati memakore gumi akapfuura, ganhuriro pamubato woUmambo dzakabviswa munzvimbo dzakadai seAngola, Cameroon, Equatorial Guinea, Ethiopia, Madagascar, Malawi, Mozambique, uye Togo. Munyika idzodzi nedzimwe uko munda waibvira kucheka, vafundisi veGilead, vakapedza kufunda veChikoro Chokurovedza Vashumiri, mitezo yemhuri yeBheteri, uye vamwe vakatora migove.—Mat. 9:37, 38.
Sezviri pachena, kuwedzera kwavanamati vechokwadi musangano raJehovha kunorayira kuvakwa kwemazana eHoro dzoUmambo itsva. Kwave kuriwo madikanwa kuronga Horo dzeGungano nezvivako zvebazu zvitsva kana kuti zvakawedzerwa. Kuwanira mari aya mabasa pamwe chete nokuchengeta basa roUmambo richifambira mberi kwete bedzi muAfrica asiwo mumamwe mativi enyika kwakashandisa zvikuru mipiro yebasa reSosaiti romunyika yose.
Mapikicha nemifananidzo yakanyorwa zviri pamapeji maviri ewedzero ino zvinokupa mufungo weizvo Sosaiti yave ichiedza kuita mumunda weAfrica. Chiri kuratidzwa kumwe kwokuvaka kuri kuitwa zvino nemabasa achavamba nokukurumidza.
Kupfurikidza nokunzvera chati yebasa romumunda mu1996 Yearbook, unogona kuwana chiono chiri nani cheizvo vaparidzi vari muidzi nyika vari kuita muushumiri. Wedzero dzakatanhamara dzakaitika munyika dzakawanda, uye bviro yewedzero inoratidzirwa munhamba dzavapindi veChirangaridzo dzisingawanzowanwa. Apo tinorangarira zviri kuitwa serutivi rwebasa romunyika yose rokuparidza Umambo nokuita vadzidzi munyika dzakawanda, kunosimbisa patiri kuti tine ropafadzo yakadini yokutsigira nenzira yokunyama chinangwa chokunamata kwechokwadi.—Ruka 16:9; 1 Tim. 6:18.
[Mufananidzo uri papeji 3]
Horo yoUmambo muKwaZulu-Natal, South Africa, yakavakwa mumazuva 9
[Mufananidzo uri papeji 3]
Horo yoUmambo yakavakwa zvisingadyi mari yakawanda muNigeria
[Mufananidzo uri papeji 3]
Horo yeGungano muMozambique ine zvigaro zve1 500, ichapedzwa panopera 1996
[Mufananidzo uri papeji 3]
Zvivako zvebazu zveMozambique, zvichagadzirira kushandiswa mukupera kwa1996
[Mufananidzo uri papeji 3]
Bazu reSierra Leone, rakarongwa kupedzwa gore rino
[Mufananidzo uri papeji 4]
Horo yeGungano yakapedzwa isina madziro muMauritius, pamwe chete nezvivako zvebazu, zvichapedzwa mukuvamba kwa1997
[Mufananidzo uri papeji 4]
Bazu reZimbabwe riri kuvakwa
[Mufananidzo uri papeji 4]
Horo yeGungano isina madziro nebazu idzva zviri kuvakwa muSenegal
[Mufananidzo uri papeji 4]
Bazu idzva reKenya, mudzimbahwe, Nairobi
[Mufananidzo uri papeji 4]
Bazu reMadagascar, richapedzwa nokukurumidza
[Mufananidzo uri papeji 4]
Zvivako zvebazu zvakakarakadzwa zveMalawi