Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa nokuda kwaAugust: Ripi neripi remabhurocha anotevera ane mapeji 32 nokuda kwe$1,50 rimwe: Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza? Ko Iyo Iriko Chaizvoizvo Here?, Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako?, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”, Unofanira Kudavira Utatu Here?, kana kuti bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda nokuda kwe$7,50. September: Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano nokuda kwe$15,00 (chinyorwa chiduku: $7,50) kana kuti Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda nokuda kwe$7,50. October: Kuzvinyoresa magazini eMukai! kana kuti Nharireyomurindi nokuda kwe$25,00 kwegore rimwe kumwe kana kuti $12,50 kwemwedzi mitanhatu. (Cherekedzai: Mukai!/Galamukani! i$12,50 kwegore rimwe uye hakuna kuzvinyoresa kwemwedzi mitanhatu). November: Ripi neripi ramabhurocha anotevera nokuda kwe$1,50: Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako?, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”, Unofanira Kudavira Utatu Here?, kana kuti bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda nokuda kwe$7,50.
◼ Ungano imwe neimwe ichagamuchira mafomu matatu oRudungwe Rwokuverengwa Kwamabhuku (S-18). Munyori weungano anofanira kusangana nomubatiri wemabhuku pakuvamba muna August ndokuronga musi wokuverenga mabhuku ari mudura reungano pakupera kwemwedzi. Kuverenga chaiko kunofanira kuitwa kwemabhuku ose ari mudura, uye hwerengedzo dzacho dzinofanira kunyorwa pafomu roRudungwe Rwokuverengwa Kwamabhuku. Hwerengedzo yemagazini aripo inogona kuwanwa kumubatiri wemagazini. Tapota tumirai rokutanga kuSosaiti pasati pari pashure paSeptember 6. Chengetai kopi yechipiri nokuda kwemipakwa yenyu. Kopi yechitatu ingashandiswa sepepa rokushandira. Kuverenga kunofanira kutarisirwa nomunyori, uye fomu rakazadzwa rinofanira kunzverwa nomutariri anotungamirira. Munyori nomutariri anotungamirira vachasaina fomu racho.
◼ Ungano dzinofanira kuvamba kuodha Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya1997 nemaodha adzo emabhuku aSeptember. Makarenda acho achawanikwa muChichewa, chiNgezi, Shona uye Zulu.
◼ Zororo rechikoro rinovamba pana August 9 kusvikira kuna September 9. Hama nehanzvadzi duku dzakabhapatidzwa dzinokurudzirwa kugoverana mubasa roupiyona hwebetsero mukati meiyi nhambo.
◼ September mwedzi wokutanga wegore idzva rebasa. Iyoyi ingava nguva yakanaka yokutanga basa roupiyona hwenguva dzose. Kuregererei kurangarira kana mamirire enyu ezvinhu achikubvumirai kunyoresa sapiyona wenguva dzose?
◼ Muvhuro, August 12, izororo renyika. Mutariri webasa anofanira kuita gadziriro chaidzo dzebasa romumunda dzeiri zuva. Tinokurudzira vose kutsigira idzi gadziriro. Pakupedzisira, tinoyeuchidza vose kushuma basa ravo romumunda pakupera kwaAugust, mwedzi wokupedzisira wegore rino rebasa.
◼ Zvinyorwa Zvitsva Zvinowanikwa:
1996 Yearbook of Jehovah’s Witnesses Zulu
◼ Zvinowanikwa Zvakare muZimbabwe:
Mabhaundi vhoriyamu eMukai!: 1995 chiNgezi
Mabhaundi vhoriyamu eNharireyomurindi: 1951-57 chiNgezi
Your Will Be Done on Earth chiNgezi
◼ Makaseti Matsva Okuteerera Anowanikwa:
Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi (makaseti 5 muarubhamu imwe; mutengo: vap. $91,00; map. $67,00.) chiNgezi
◼ Makaseti Matsva Evhidhiyo Anowanikwa:
The New World Society in Action chiNgezi
To the Ends of the Earth chiNgezi
Mutengo: vap. $100,00; map. $82,00.