RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/96 p. 2
  • Misangano Yebasa yaAugust

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaAugust
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naAugust 5
  • Vhiki Inotanga naAugust 12
  • Vhiki Inotanga naAugust 19
  • Vhiki Inotanga naAugust 26
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 8/96 p. 2

Misangano Yebasa yaAugust

CHEREKEDZAI: Ushumiri Hwedu hwoUmambo hucharonga Musangano Webasa wevhiki imwe neimwe muna August naSeptember. Ungano dzingaita gadziridzo kubvumira kupinda Kokorodzano Yoruwa ye“Nhume Dzorugare rwaMwari” uye ipapo nokuda kwehwirudzuro yemaminiti 30 yemapfundo makuru epurogiramu paMusangano Webasa vhiki inotevera. Kuhwirudzurwa kwezuva nezuva kwepurogiramu kunofanira kugoverwa pachine nguva mberi kuhama mbiri kana kuti nhatu dzinokwanirisa idzo dzichakwanisa kunangidzira ngwariro pamapfundo akatanhamara. Iyi hwirudzuro ichabetsera ungano kuyeuka mapfundo makuru nokuda kwokushandisa kwomunhu oga. Tsinhiro dzinobva kuvateereri nezvakaitika zvinofanira kuva zvipfupi nezvakananga.

Vhiki Inotanga naAugust 5

Rwiyo 56

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo.

20 min: “Hapana Kurega Kuzivisa Mashoko Akanaka.” Hurukuro nekurukurirano nevateereri. Batanidzai zvakatorwa muInsight on the Scriptures, Vhoriyamu 2, peji 673, ndima 1.

15 min: “Zivisa Mashoko Akanaka oUmambo Nemabhurocha.” (Ndima 1-5) Shandisai ndima yokutanga muhurukuro yokusuma. Itai tsinhiro dzinokurudzira pamusoro pebetsero dzokushandisa bhurocha raMidzimu Yavakafa nera“Tarirai!” muushumiri. Rongai mienzaniso mina yakasanodzokororwa, muchiratidza kuti shanyo dzokutanga neshanyo dzedzokerero dzinogona sei kuitwa neaya mabhurocha. Itai kuti muparidzi muduku, achibatsirwa nomubereki wake, aenzanisire mharidzo dzacho nebhurocha raMidzimu Yavakafa. Vaparidzi vangada kufananidza mharidzo dzavo dzemamwe mabhurocha neidzo dzinokarakadzwa pano.

Rwiyo 136 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naAugust 12

Rwiyo 192

15 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi. Batanidzai tsinhiro dzinokurudzira pamusoro pe“Nzira Dzokugoverana Nadzo,” muNharireyomurindi, yaDecember 1, 1993, mapeji 29-31.

15 min: “Zivisa Mashoko Akanaka oUmambo Nemabhurocha.” (Ndima 6-8) Rangarirai nokupfupikisa zviri mubhurocha raHurumende. Enzanisirai mharidzo dzinokarakadzwa nokuda kweshanyo yokutanga neshanyo yedzokerero. Kurudzirai vose kutevera zvavakagovera.

15 min: “Mipiro Yebasa reSosaiti Romunyika Yose Inotsigira Wedzero.” Hurukuro ine mbavarira inokurukurwa nomukuru. Batanidzai nhamba pamusoro pefambiro mberi yebasa roUmambo mudzimwe dzenyika dzinomirirwa, sezvinoshumwa muYearbook.

Rwiyo 9 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naAugust 19

Rwiyo 174

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Hwirudzurai Bhokisi Remibvunzo.

15 min: “Ndiani Anokwanirisa Kuparidza?” Mukuru anokurukura nyaya yacho nevaparidzi vaviri kana kuti vatatu. Simbisai kuti tiri kuwana rovedzo yakanakisisa inowanikwa, ichitishongedza zvizere savashumiri vaMwari. Hatina chikonzero chokunzwa tisingakwanirisi kuparidza.

20 min: “Nzira Yokuita Nayo Vadzidzi Nebhuku raZivo.” Kurukurirano nevateereri yendima 17-26 dzewedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 1996. Rongai pachine nguva mberi kubatanidza zvakaitika zvomunzvimbomo zveavo vari kuitisa fundo mubhuku raZivo. Vanogona kuita kutaura kunokurudzira pamusoro penzira yavakashandisa nayo zvikarakadzo zvinowanwa muwedzero uye nzira yavakabetserwa nayo kuitisa fundo yeBhaibheri yepamusha inobudirira zvikuru. Kurudzirai vose kuchengeta wedzero yacho ndokuihwirudzura somunhu oga panguva ipi neipi yavanotanga fundo itsva.

Rwiyo 189 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naAugust 26

Rwiyo 104

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Hwirudzurai “Purogiramu Itsva yeZuva Regungano Chairo.” Zivisai gadziriro dzebasa romumunda dzokupera kuno kwevhiki.

20 min: Kufarira Kudzidza Kwevana Venyu. Hurukuro inokurukurwa nomukuru. Hwirudzurai mashoko ari mubhurocha raZvapupu zvaJehovha Nedzidzo, mapeji 2-5, muchiratidza chikonzero nei tichionga rovedzo inobetsera inogoverwa muchikoro. Kurukurai nzira yokutsanangurira nayo vadzidzisi nokungwarira pakutaura chikonzero nei tichichengeta nharidzano dzomudzimu panzvimbo pezvirondwa zvokunyika dziri pamusoro-soro. Batanidzai mapfundo ari mu“Mhedziso,” papeji 31.

15 min: Hwirudzurai Mabhuku Anogoverwa Nokuda kwaSeptember. Tichashandisa bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano. Ratidzirai kuchinjika kweichi chinyorwa. Ganhuro 4 rine mashoko akawanda pamusoro pegakava rokuti upenyu hwakasvika sei pano; ganhuro 11 rinokurukura mubvunzo unokatyamadza muchisiko chose wokuti, “Neiko Mwari Akabvumidza Uipi?”; ganhuro 22 rinofukidza nhau inoshamisa inoti, “Kuzivisa Rudzidziso Rwechokwadi.” Itai kuti muparidzi anokwanisa ashandise kumwe kwouku kusvika kuti aenzanisire mharidzo pfupi yebhuku raKurarama Nokusingaperi. Kana ungano ichine makopi aMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda mudura, iwaya angagoverwa.

Rwiyo 113 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe