Ndiani Anokwanirisa Kuparidza?
1 Pamusoro poushumiri, wati wambonzwa saMosesi here? Iye akati: “Haiwa, Jehovha, handizi munhu unogona kutaura zvakanaka, kunyange zuro, kana zuro riya, kana kubva panguva yamakataura nomuranda wenyu.” (Eks. 4:10) Kana uchinzwa nenzira iyoyo, ungava uchida kurega. Bva, Jesu “akatirayira kuti tiparidzire vanhu, nokupupura kwazvo.” (Mabasa 10:42) Naizvozvo tinova sei vaparidzi vanokwanirisa vemashoko akanaka?
2 Hausati huri ukuru hwedzidzo yedu yokunyika hunotikwanirisa nokuda kwoushumiri. Pauro akataura kuti “havazi vazhinji vakachenjera panyama vakadanwa” uye kuti “uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari.” (1 VaK. 1:26; 3:19) Jesu akasarudza vaapostora vake pakati peboka raishanda—vanenge vana vachiva vaiita basa rokuredza. Vatungamiriri vorudzidziso vanodada vakavarangarira nokuzvidza se“vanhu vasina kudzidza, vasingazivi chinhu.” Vachirangarirwa kupfurikidza nemipimo yokunyika, vaapostora vakanga vasingakwanirisi kuparidza. Bva, hurukuro younyanzvi yaPetro yakapiwa pazuva rePentekosta yakasunda vanhu 3 000 kubhapatidzwa!—Mabasa 2:14, 37-41; 4:13.
3 Jehovha Anotikwanirisa Kuparidza: Pauro akazivisa, kuti: “Kukwana kwedu kunobva kuna Mwari.” (2 VaK. 3:5) Jehovha, Manyuko ouchenjeri, akadzidzisa mamiriyoni kuparidzira vamwe zvokwadi yoUmambo. (Isa. 54:13) Kubudirira nokuva nezvibereko kweiri basa kunogona kuonwa mu338 491 vakabhapatidzwa gore rapfuura se“tsamba [mhenyu] dzerumbidzo.” (2 VaK. 3:1-3, NW) Tine chikonzero chiri chose chokuparidza noushingi uye nokupwiswa pamusoro pezvinhu zvatakadzidza kuna Jehovha.
4 Sangano raMwari rakatanga purogiramu yerovedzo yemarudzi akawanda nokuda kwavashumiri. Kupfurikidza neMagwaro uye mhatsa huru yeyamuro dzefundo yeBhaibheri, tinodzidziswa nokurovedzwa kuva vaka“kwan[a], [t]agadzirirwa kwazvo” kuparidza. (2 Tim. 3:16, 17) Vakawanda vakaororwa nezivo inowanwa muzvinyorwa zveSosaiti. Somuenzaniso, magazini inobuda panhambo nenhambo yeSweden yakati: “Chinotsigira kutenda kuri kuparidzwa neZvapupu zvaJehovha isayenzi yeBhaibheri inoshamisa yakakwirira inobatanidza marudzi akawanda.”
5 Nenhungamiro inopiwa mumisangano yedu mishanu yevhiki nevhiki, purogiramu yedu yokurava Bhaibheri nefundo, kupiwa kwezano muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, rubatsiro rwomunhu oga runopiwa navamwe vari vashumiri vane ruzivo rwokuzviwanira, uye kupfuura zvose, tsigiro yomudzimu mutsvene waJehovha, tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha anotirangarira sevanokwanirisa zvizere kuparidza. “Asi tinotaura muna Kristu nezvokwadi, sezvinobva kuna Mwari, pamberi paMwari.”—2 VaK. 2:17.
6 Kana tikashandisa zvakazara rovedzo youbati ushe hwaMwari inogoverwa naMwari kupfurikidza nesangano rake, hatina chikonzero chokurega kana kuti kunzwa tichityisidzirwa. Tinogona kuparidzira vamwe nomufaro, tine chokwadi chokuti Jehovha achakomborera nhamburiko dzedu.—1 VaK. 3:6.