RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/96 p. 8
  • Zivisa Mashoko Akanaka Oumambo Nemabhurocha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zivisa Mashoko Akanaka Oumambo Nemabhurocha
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Tevedzera Jehovha Kupfurikidza Nokuitira Vamwe Hanya Zvepachokwadi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Shandisa Mhatsa yamaBhurocha muUshumiri Hwako
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mashandisiro Atingaita Bhurocha raMashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Bhurocha Idzva Richagoverwa!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 8/96 p. 8

Zivisa Mashoko Akanaka Oumambo Nemabhurocha

1 Mufaro wakadini kuziva zvokwadi nokuva pakati paavo vari kuzivisa mashoko akanaka nenzira yokushingaira! Vanhu vari kunze kwesangano raJehovha vanoda zvikuru kunzwa mashoko akanaka oUmambo. Zvokwadi pamusoro poUmambo inotsanangurwa norupfave mubhurocha raMidzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza?, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva,” uye Hurumende Ichaunza Paradhiso. Anoratidzira zvakajeka upenyu pasi pano muUmambo hwaMwari, uye anotungamirira muravi kuzvinhu chaizvoizvo zvoUmambo zvinotsanangurwa muShoko raMwari. Chokwadika, kugovera munhu anofarira bhurocha kutanga bedzi kwebasa redu. (1 VaK. 9:23) Ngatitevere zvatakagovera zvose nokukurumidza, nechinangwa chokukarakadza fundo mubhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Tinogona sei kuita ikoku mukati maAugust?

2 Bhurocha ra“Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza?” ringagoverwa nemharidzo pfupi zvikuru. Sezvaunoratidzira butiro raro, ungati:

◼ “Ndingada kukuratidzai chimwe chinhu chine shoko rakaisvonaka.” Vhura bhurocha raMidzimu, uye rava ndima yokutanga iri papeji 30. Ipapo pfuurira, kuti: “Mubvunzo wokuti: ‘Neiko munhu achifa?’ unopindurwawo muchikamu chino. [Tendeukira kumusoro uri papeji 8.] Muchakuwana kuchifadza kufunda mashoko acho nokurava magwaro ari mubhurocha rino. Ndingafara kukusiyirai bhurocha rino nokuda kwomupiro we$1,50.”

3 Chii chauchataura pakuita shanyo yedzokerero pakagoverwa bhurocha ra“Midzimu Yavakafa”? Ungagona kuedza uku kusvika:

◼ Ratidza mufananidzo uri papeji 30 mubhurocha raMidzimu uye bvunza kuti, “Uyu hausi mufananidzo wakaisvonaka here? [Bvumira mhinduro.] Uri mubhurocha randakakusiyirai pashanyo yakapfuura. Ndingada kukurukura nemi izvo Mwari akapikira kuita.” Taura nokupfupikisa zvimwe zvezvipikirwa zvakarongwa papeji 30 ne31, ipapo bvunza, kuti: “‘Munoda kurarama nokusingaperi muparadhiso iyoyo yakaisvonaka here?’ [Bvumira mhinduro.] Kana ichocho chiri chishuvo chenyu, cherekedzai mundima ino zvainotaura kuti munofanira kuita. [Rava mativi akakodzera omundima yokupedzisira papeji 31.] Ndingafara kufunda Bhaibheri nemi pasina muripo. Mungada izvozvo here?” Ita rangano chaiyoiyo yokudzoka.

4 Pakugovera bhurocha ra“Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva,” ungatanga nokuratidzira mufananidzo wose webutiro uye uchibvunza, kuti:

◼ “Munofunga kuti kwaizodei kuita kuti pasi rose ritarisike seizvi?” Bvumira mhinduro. Rondedzera mamwe emativi emufananidzo, ayo anowirirana nepeji 3. Ipapo iti: “Vanhu vakawanda zvikurusa vanorangarira kuti hakubviri kuita nyika yakafanana neiyi. Asi hakusati kuri kusingabviri kuti Mwari aite. [Goverana mapfundo ari mundima 43; ipapo rava Isaya 9:6, 7.] Mwari akapikira kuparira nyika itsva umo vanhu vanobva mumarudzi ose vachafarikanya paradhiso yakaisvonaka. Bhurocha rino richaratidza kuti imi nemhuri yenyu munogona sei kufarikanya nguva yemberi yakaisvonaka inoitwa naMwari.” Govera bhurocha racho nokuda kwomupiro wenguva dzose.

5 Pashanyo yedzokerero, ungagona kushandisa bhurocha ra“Tarirai!” kutsanangura chikonzero nei pane kudikanwa kwokudzidza zvakawanda pamusoro peBhaibheri. Zvichida ratidza butiro zvakare ndokuti:

◼ “Apo ndakatanga kukuratidzai mufananidzo uno, takabvumirana kuti tingada kurarama munyika yakaisvonaka yakadai. Kuita kuti ikoku kubvire, pane chimwe chinhu icho tose zvedu tinofanira kuita.” Vhura bhurocha ra“Tarirai!” pandima 52; rava ndima yacho norugwaro rwuri pana Johane 17:3. Wiriranisa mashoko acho nomufananidzo uri mundima 53 pamusoro pedzidzo yeBhaibheri yakarurama, uye ipapo tsanangura kuti Zvapupu zvaJehovha zvinogovera murayiridzo wakadaro pasina muripo mumusha. Karakadza kuenzanisira muitiro wedu wefundo, uchishandisa bhuku raZivo.

6 Pakugovera bhurocha ra“Hurumende Ichaunza Paradhiso,” ungaedza kutaura izvi:

◼ “Ndakanzwa vanhu vakawanda vachitaura kuti vangada kurarama vachidzorwa nehurumende inogona kupedza chaizvoizvo zvinetso zvikuru zvatinotarisana nazvo nhasi. [Dudza zvinetso zvomunzvimbomo zvakadai sourovha, utsotsi hunowedzera, kana kuti kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo.] Zvinhu izvozvi zvinoita kuti tinzwe tisina kuchengeteka zvikuru pamusoro peramangwana redu timene nevadiwa vedu. Munofunga kuti kuchazombova nehurumende ichapedza zvinetso izvozvi here? [Bvumira mhinduro.] Zvichida makanyengetera Munyengetero waShe. Kana zvakadaro, maiziva here kuti muri kunyengeterera chaizvoizvo hurumende yakarurama?” Tendeukira kupeji 3 mubhurocha raHurumende, uye rava ndima mbiri dzokutanga. Govera bhurocha racho nokuda kwe$1,50.

7 Kana bhurocha ra“Hurumende Ichaunza Paradhiso” rakagoverwa, ungagona kuvamba kurukurirano pashanyo yedzokerero kupfurikidza nokuti:

◼ “Munguva yakapfuura takakurukura kudikanwa kwehurumende yakarurama iyo inogona kupedza zvinetso zvomunhu. Bhurocha randakakusiyirai rinonongedzera kuUmambo hwaMwari setariro yedu bedzi. Vamwe vanhu vanoshamisika kuti hurumende iyoyo ingagona kuitei kuvandudza mamirire edu ezvinhu. Bhaibheri rinoratidza kuti Kristu akatobvumikisa kuti achabudirira umo vatungamiriri vari vanhu vakakundikana.” Vhura bhurocha raHurumende papeji 29, uye rava ndima ina dzokupedzisira. Ipapo iti: “Iyoyo haisati iri nguva yemberi inofadza here? Mungada kuiona here?” Bvumira mhinduro. Rava Johane 17:3. Kurudzira kudzidza zvakawanda kupfurikidza nefundo yeBhaibheri yepamusha.

8 Kana uri kushandisa mamwe mabhurocha, unogona kugadzirira mharidzo dzako umene, uchishandisa idzo dzakarakadzwa pamusoro apa semienzaniso. Sanogadzirira uye tsvaka chikomborero chaJehovha sezvaunozivisa mashoko akanaka oUmambo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe