RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/96 p. 1
  • Famba Nokutenda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Famba Nokutenda
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Mashoko Akafanana
  • “Tiwedzereiwo Kutenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Kutenda—Kunoita Kuti Tive Nesimba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Ratidza Kutenda Kwako Mune Zvakavimbiswa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • “Mirai Makasimba Mukutenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 9/96 p. 1

Famba Nokutenda

1 Mamiriyoni avanhu anovakira upenyu hwawo pazvinhu zvawo zvokunyama, noupenzi achivimba nesimba rinonyengera repfuma. (Mat. 13:22) Vanodzidza chidzidzo chakaoma apo pfuma yavo inorasika kana kuti kubiwa kana kuti inobvumikisa kuva yebetsero duku. Tinokurudzirwa kuronda nzira yokuchenjera zvikuru, tichivavarira kuwana pfuma yomudzimu. (Mat. 6:19, 20) Ikoku kunobatanidza “kufamba nokutenda.”—2 VaK. 5:7, NW.

2 Shoko rokuti “kutenda” rinoshandurwa kubva mushoko rechiGiriki iro rinopa mufungo wechivimbo, kuvimba, uye kudavira kwakasimba. Kufamba nokutenda kunoreva kutarisana nemamirire ezvinhu akaoma nechivimbo muna Mwari, tichivimba nokukwanisa kwake kutungamirira nhano dzedu uye kudisa kwake kutarisira zvinodikanwa zvedu. Jesu akagadza muenzaniso wakakwana; akaramba akanangidzira ngwariro pane zvakanga zvichikosha zvirokwazvo. (VaH. 12:2) Nenzira yakafanana, tinofanira kuchengeta mwoyo yedu yakanangidzirwa pazvinhu zvisingaoneki, zvomudzimu. (2 VaK. 4:18) Tinofanira kuyeuka nguva dzose kusava nechokwadi kwoupenyu hwedu hwazvino ndokubvuma kutsamira kwedu chose chose pana Jehovha.

3 Tinofanirawo kudavira zvakasimba kuti Jehovha ari kutitungamirira kupfurikidza nesangano rake rinooneka munhungamiro yo“muranda wakatendeka, akangwara.” (Mat. 24:45-47) Tinoratidzira kutenda kwedu apo tino“teerer[a] avo vanotungamirira” muungano. (VaH. 13:17, NW) Kushanda nokuzvininipisa mukubatira pamwe negadziriro youbati ushe hwaMwari kunoratidzira kuvimba kwedu naJehovha. (1 Pet. 5:6) Tinofanira kusundwa kupa tsigiro yomwoyo wose kubasa iro sangano rakapiwa kuti riite. Ikoku kuchatiswededza pedyo zvikuru nehama dzedu muchisungo chakasimba chorudo nokubatana.—1 VaK. 1:10.

4 Nzira Yokusimbisa Nayo Kutenda: Hatifaniri kubvumira kutenda kwedu kuramba kuri panzvimbo imwe. Tinofanira kurwisa zvakaoma kuti tikuwedzere. Kuva venguva dzose mufundo, munyengetero, uye kupinda misangano kuchatibetsera kusimbisa kutenda kwedu zvokuti, nebetsero yaJehovha, kunogona kudzivisa muedzo upi noupi. (VaEf. 6:16) Wakatanga muitiro wakanaka wokurava Bhaibheri zuva nezuva nokugadzirira misangano here? Unofungisisa kazhinji kazhinji zvaunodzidza here, uye unosvika Jehovha mumunyengetero here? Itsika yako kupinda misangano yose nokutora rutivi mairi sezvo mukana unowanikwa here?—VaH. 10:23-25.

5 Kutenda kwakasimba kunobvumikiswa nemabasa akanaka. (Jak. 2:26) Imwe yenzira dzakanakisisa dzokuratidzira nadzo kutenda kwedu iri kupfurikidza nokuzivisa tariro yedu kuvamwe. Unotsvaka mikana yokugoverana mashoko akanaka here? Mamirire ako ezvinhu anogona kugadziridzwa kuti akugonese kuita zvakawanda muushumiri here? Unoshandisa zvikarakadzo zvatinowana kuti tiwedzere kunaka nokubudirira kwoushumiri hwedu here? Unogadza nharidzano dzomudzimu dzomunhu oga ndokuzvishandisa umene kuti udziwane here?

6 Jesu akanyevera pamusoro pokunyanyobatanidzwa muzvinhu zvezuva nezuva zvoupenyu nokubvumira fariro dzokudisa zvenyika kana kuti dzoudyire kudzimaidza chiono chedu chomudzimu. (Ruka 21:34-36) Tinofanira kungwarira mafambire edu kuti tidzivise kuparadzwa kwokutenda kwedu. (VaEf. 5:15; 1 Tim. 1:19) Tose zvedu tinovimba kuti pakupedzisira tichakwanisa kuzivisa kuti ‘tarwa kurwa kwakaisvonaka, tamhanya kusvikira pakupedza, uye tachengeta kutenda.’—2 Tim. 4:7.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe