RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/10 p. 1
  • Ndinonyatsokwanisa Kuparidza Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinonyatsokwanisa Kuparidza Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Ndiani Anokwanirisa Kuparidza?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Kushongedzerwa Zvizere Sevadzidzisi veShoko raMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Ngatiparidze Aya Mashoko Akanaka oUmambo!
    Imbirai Jehovah Rumbidzo
  • Muenzaniso Wokusanotevera
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
km 1/10 p. 1

Ndinonyatsokwanisa Kuparidza Here?

1. Nei tisingafaniri kufunga kuti hatinyatsokwanisi kuparidza?

1 Kana kuri kuti unombozvibvunza mubvunzo wakaita souri pamusoro apa, usanetseka hako. Chinoita kuti tive vashumiri haisi dzidzo yokuchikoro kana kuti unyanzvi hwatakazvarwa nahwo. Vamwe vadzidzi vepakutanga vakanzi vakanga “vari vanhuwo zvavo, vasina kudzidza.” Kunyange zvakadaro, vaiva vaparidzi vemashoko akanaka vaibudirira nokuti vakanga vakatsunga kutevera muenzaniso waJesu.—Mab. 4:13; 1 Pet. 2:21.

2. Jesu aidzidzisa sei?

2 Kudzidzisa Kwaiita Jesu: Aidzidzisa zvaiva nyore kubata, zvaibatsira vanhu vepasi pasi, uye zvainzwisisika. Mibvunzo yake, mienzaniso, uye sumo dzisina kuoma zvakaita kuti vaimuteerera vape nzeve. (Mat. 6:26) Ainyatsofarira vanhu. (Mat. 14:14) Uyezve, Jesu aitaura aine chivimbo nechiremera, achiziva kuti Jehovha akanga amupa basa racho uye simba rokuriita.—Ruka 4:18.

3. Jehovha anotibatsira sei kuti tiite ushumiri hwedu?

3 Jehovha Anotibatsira: Achishandisa Shoko rake uye sangano, Murayiridzi wedu Mukuru anotidzidzisa kuti tibudirire pakuparidza mashoko akanaka. (Isa. 54:13) Jehovha zvaakachengetedza zvinhu zvakanyorwa zvinoratidza madzidzisiro aJesu, isu tinogona kuongorora madzidzisiro acho toatevedzera. Jehovha anotipa mudzimu wake mutsvene uye anotidzidzisa achishandisa misangano yeungano. (Joh. 14:26) Uye anotibatsirawo kuti tibudirire zvakanyanya achishandisa vaparidzi vane ruzivo.

4. Chii chinoita kuti tive nechivimbo chokuti tinokwanisa kuudza vamwe mashoko akanaka?

4 Hapana kana chinofanira kuita kuti tifunge kuti hatikwanisi kuparidza, nokuti “kunyatsokwanisa kwedu kunobva kuna Mwari.” (2 VaK. 3:5) Sezvatinovimba naJehovha, toramba tichishandisa zvakanaka urongwa hwake hunoratidza rudo, ‘tichakwanisa zvizere, toshongedzerwa zvakakwana kuita mabasa ose akanaka.’—2 Tim. 3:17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe