RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/96 p. 4
  • Ramba Uchitaura Zvokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ramba Uchitaura Zvokwadi
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Dzokera Kunoponesa Vamwe
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • “Kutenda Kunouya Nokunzwa”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Zivo yaMwari Wechokwadi Inotungamirira Kuupenyu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Zivo Inobva Kuna Mwari Inopindura Mibvunzo Yakawanda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 5/96 p. 4

Ramba Uchitaura Zvokwadi

1 Vaapostora vakazivisa, kuti: “Hatigoni isu kurega kutaura zvatakaona, nezvatakanzwa.” (Mabasa 4:20, NW) Nhasi isuwo tinofanira kuramba tichitaura zvokwadi. Kunyange zvazvo kuparadzirwa kweNharireyomurindi neMukai! kuri mutoo wokuwana avo vachateerera, tinofanira kudzokera kana tichizodzidzisa vanhu vanofarira zvokwadi zhinji.

2 Apo unenge uchitevera kwakagoverwa “Mukai!” chaiyo yaMay nomusoro wayo wokuti “Apo Hondo Dzinenge Dzisisipozve,” ungagona kusuma fundo yeBhaibheri kupfurikidza nokubvunza, kuti:

◼ “Nguva yapfuura, takataura pamusoro pehondo dzemarudzi norutivi rwerudzidziso madziri. Maiziva here kuti zviitiko zvakadaro zvinobvumikisa nenzira yakajeka kuti tiri kurarama muayo Bhaibheri rinodana kuti mazuva okupedzisira? [Ratidza bhuku raZivo. Rava ndima yokutanga yeganhuro 11, uye simbisa bhokisi riri papeji 102.] Iri bhuku rinotsanangura iyi nhau pamwe chete nedzimwe 18 dzakarongwa pano muzviri mukati. [Ratidza peji 3.] Kana ndingadaro, ndingada kuratidzira kuti iri bhuku rinogona sei kukubetserai kuwana nzwisiso yeidzi nhau dzinokosha dzeBhaibheri.” Kana ukabvumirwa, tanga fundo papeji 6.

3 Kana wakavimbisa kudzokera ndokutsanangura kuti kunobvira sei kufarikanya upenyu hwakachengeteka zvino, ungataura chimwe chinhu chakafanana neichi:

◼ “Apo takatanga kusangana, ndakagoverana nemi chikamu chamashoko kubva muBhaibheri chinotipa chikonzero chetariro pamusoro penguva yemberi yomunhu. Nhasi ndingada kudanira ngwariro yenyu kuchimwe chinhu chinoratidza kuti ndiani uyo anogona kutipa kunzwa kwechengeteko iye zvino.” Rava Pisarema 4:8. Tendeukira mubhuku raZivo kupeji 168 uye rava ndima 19. Ipapo bvunza, kuti: “Maizofarira here kuva nefundo yeBhaibheri yapamusha yapachena inoratidza nenzira yakajeka kuti imiwo munogona sei kuwana urwu rudzi rwechengeteko muupenyu hwenyu?” Kana mhinduro iri hungu, tendeukira kuganhuro 1.

4 Kuti uwedzere kukwakamirirwa magazini kwako avo wavakagovera “Mukai!” yaJune 8, ungagona kuedza uku kusvika:

◼“Makaratidzika kuva maidisa zvikuru kurava magazini yeMukai! yandakakusiyirai pamusoro penhau yokunetswa mune zvevatano munzvimbo yebasa. Makawana mashoko acho kuva anofadza here? [Bvumira mhinduro.] Varavi venguva dzose veMukai! kazhinji kazhinji vanotaura kuti vanoonga kubata kwayo kwakanaka uye kwakakwana nhau dzinokosha dzakadaro. Ndinofunga kuti muchawana ikoko kuva kwechokwadiwo nezveichi chinyorwa chazvino. [Ratidza nokupfupikisa nyaya yepabutiro.] Mungada kuirava here?”

5 Ungagona kuita chikarakadzo chakananga chefundo pashanyo yedzokerero kupfurikidza nokuti:

◼ “Tinoparadzira magazini edu munyika yose kuti tizivise vanhu kunzvimbo iri yose pamusoro peizvo Bhaibheri rinodzidzisa. Kana vanhu vachikoshesa zvavanodzidza, tinogovera fundo yeBhaibheri yepamusha yapachena. [Nongedzera kubhokisi rinoti ‘Ungagamuchira Shanyo Here?’ riri pabutiro reseri reNharireyomurindi.] Tinoshandisa iri bhuku, Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, senhungamiro. Regai ndikuratidzei nokupfupikisa kuti fundo inoitiswa sei.”

6 Kana tikaramba tichitaura zvokwadi, tinogona kuva nechokwadi chokuti kuchava navamwe vachateerera ndokudavidza zvakanaka.—Marko 4:20.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe