RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/96 p. 1
  • Tevedzera Kutenda Kwavo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Ratidza Kutenda Kwako Mune Zvakavimbiswa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • “Tiwedzereiwo Kutenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Kutenda—Kunoita Kuti Tive Nesimba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Shandisa Kutenda Kwakavakirwa Pazvokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 6/96 p. 1

Tevedzera Kutenda Kwavo

1 Muapostora Pauro akarondedzera kutenda se“rusimbiso rwezvinhu zvatinotarira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni.” Akawedzera kuti “kana kusina kutenda hazvibviri kumufadza [Mwari].” (VaH. 11:1, 6) Pauro akatikurudzira kuti tishandise kutenda, kuzadzwa nako, uye kukuronda.—2 VaK. 4:13; VaK. 2:7; 2 Tim. 2:22.

2 Kune mienzaniso yakawanda yakatanhamara yokutenda inorondedzerwa muBhaibheri. Muna VaHebheru ganhuro 11, Pauro anopa ndaza refu yezvapupu zvakaratidzira kutenda kusingaputsiki. Anobatanidzwa muiyi ndaza ndiAbheri, uyo akanga ari wokutanga kuurayirwa kutenda kwake. Noa anoiswa pandaza nemhaka yokuti kupfurikidza nokutenda kwake akaratidzira kutya Mwari uko kwakanga kuchidikanwa kuponesa mhuri yake. Abrahama anorumbidzwa nokuda kwokutenda kwake nokuteerera. Mosesi anorumbidzwa nemhaka yokuti kupfurikidza nokutenda kwake akapfuurira akatsiga seari kuona Uyo asingaoneki. Ndaza yacho yemienzaniso yakanga yakareba kwazvo zvokuti Pauro akati aizopererwa nenguva kana akapfuurira kurondedzera vose zvavo. Tinoonga sei kuti tinogona kusimbisa kutenda kwedu kupfurikidza nokuhwirudzura “mufambiro [wavo] mutsvene nemabasa okuzvipira kuna Mwari”!—2 Pet. 3:11, NW.

3 Muzana rokutanga ramakore, Jesu akabvunza, kuti: “Mwanakomana womunhu kana achisvika, uchawana kutenda panyika here?” (Ruka 18:8) Eya, ipapoka, tine mienzaniso mipenyu here yokutenda pakati pedu nhasi? Tinoona varume navakadzi, vose vari vaviri vakuru navaduku, vachiratidzira kutenda Jehovha kusingazununguki sezvazvakanga zvakaita nezvevanhu vaMwari munguva dzeBhaibheri here?

4 Mienzaniso Yomuzuva Razvino Uno Yokutenda: Mienzaniso yakatanhamara yokutenda inofanira kuwanikwa makatipoteredza mose! Kutenda kwavatariri avo vari kutungamirira pakati pedu kwakafanirwa nokutevedzera. (VaH. 13:7) Asi ivava havasati vari ivo bedzi vari vomuenzaniso mukutenda. Vakabatanidzwa neungano iri yose ndivo vakavimbika vane chinyorwa chirefu chebasa rokutendeka kuna Jehovha, kazhinji kazhinji raiitwa mumamirire ezvinhu akaoma zvikuru.

5 Tinofanira kuyemura hanzvadzi dzedu dzakatendeka idzo, kwemakore akawanda, dzakatsungirira chishoro kubva kuvarume vanoshora. Vabereki vasina vakwanyina vakafanira kunangana nedenho yokurera vana vari voga. Kune chirikadzi dzakura pakati pedu dzisingatongopotsi mibato yeungano kunyange zvazvo dzingasava nemhuri yokudzibetsera. (Enzanisa naRuka 2:37.) Tinoshamiswa nokutenda kwaavo vanotsungirira zvinetso zvoutano zvisingaperi. Vakawanda vanopfuurira kubatira nokuvimbika kunyange zvazvo vane ganhuriro dzinovadzivisa kugoverwa ropafadzo dzebasa dzokuwedzera. Kune Zvapupu zviduku zvakashandisa kutenda nenzira youshingi pasinei zvapo nechishoro muchikoro. Kuzvipira kwedu kuna Mwari kunova kwakasimba zvikuru sezvatinocherekedza mapiyona akatendeka ayo anopfuurira gore negore mukutarisana nezvinetso zvisingatauriki. Kungofanana naPauro, nguva yaizotiperera kana tikaedza kurondedzera zvinoitika zvose mubasa roUmambo nemabasa okutenda anoitwa neidzi hama nehanzvadzi!

6 Iyi mienzaniso yevakatendeka inotipa nyaradzo nekurudziro. (1 VaT. 3:7, 8) Tinoita zvakanaka kutevedzera kutenda kwavo nemhaka yokuti “vanoita nokutendeka vanomufadza [Jehovha].”—Zvir. 12:22.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe