Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari
Hwirudzuro inoitwa mabhuku akapfigwa pamusoro pamashoko anofukidzwa mumigove yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari nokuda kwamavhiki aJanuary 1 kusvikira kuna April 22, 1996. Shandisai pepa riri roga rokunyorera mhinduro zhinji dzemibvunzo seyamunogona munguva yakagoverwa.
[Onai: Mukati mehwirudzuro yokunyora, Bhaibheri bedzi ringashandiswa kupindura mubvunzo upi noupi. Nongedzero dzinotevera mibvunzo ndedzenzvero yenyu mumene. Nhamba dzamapeji nendima dzingasaoneka panongedzero dzose dzeNharireyomurindi.]
Pindura kutaura kumwe nokumwe kunotevera kuti Chokwadi kana kuti Nhema:
1. Chero bedzi muKristu achinzwa kuti ari kuita chinhu chakarurama, zvisarudzo zvake zvichava zvakanaka. (Zvir. 14:12) [uw-CA p. 8 ndima 8(2)]
2. Dzidziso yoUtatu yakavamba nechiKristudhomu. [uw-CA p. 15, ndima 8]
3. Kunyange zvazvo Mutemo waMosesi wakapfuura, Bhaibheri harisati richipa ratidziro ipi neipi yokuti Mirayiro Gumi yakanga ichibatanidzwa mune zvakazoguma. [rs-CA p. 348 ndima 3]
4. Kupfurikidza nokuenzanisa VaRoma 8:16 naVaRoma 1:7, kunogona kuonwa kuti Pauro akanga achinongedzera kurudzi rwose rwomunhu sa“vana vaMwari.” [uw-CA p. 26 ndima 12(3)]
5. Vatadzi vose vakaipa uye vanofanira kudzingwa musangano raMwari rakachena. [w95-CA 1/1 p. 28]
6. MuKristu anoramba kuisirwa ropa ndokukumbira kurapa kusina ropa haasi kuramba kurapa kwose. [w95-CA 1/15 p. 6]
7. Pashure porumuko rwake Jesu akaita kuoneka kwakasiyana-siyana—asi bedzi vadzidzi vake varipo. [rs-CA p. 334 ndima 3]
8. VaKristu vechokwadi vanopinda mukuzorora kwaMwari kupfurikidza nokushandisa kutenda muchibayiro chaKristu uye kupfurikidza nokurega mabasa ayo vanoedza nawo kuzviruramisa vamene. (VaH. 4:10) [rs-CA p. 350 ndima 2]
9. Muzviitiko zvinobatanidza chakaipa chakakomba chinoitwa nepwere, kwakakwana kuti munhu muduku anyengetere kuna Jehovha achitsvaka kanganwiro. [yp-CA p. 20-1]
10. Apo munhu anotarisana nomuedzo, zano rinoshanda nderokufanonyengetera, achikumbira simba rokudzivisa, panzvimbo pokunyengeterera kanganwiro pashure pokutadza. (Mat. 22:35-40) [yp-CA p. 66 ndima 3]
Pindura mibvunzo inotevera:
11. Sezvo rudo rukuru rwaJehovha rwakamusunda kutumira Mwanakomana wake kuti ape upenyu hwake nokuda kwedu, kuda kwedu Mwari kunofanira kutisunda kuitei? (2 VaK. 5:14, 15) [uw-CA p. 14 ndima 6]
12. Kufamba muzita raJehovha kunorevei? [uw-CA p. 18 ndima 14]
13. Sezvinocherekedzwa muna Genesi 3:12, 13, ndechipi chiri chimiro chendangariro chomunhu apo munhu anoita chikanganiso? [w95-CA 2/1 p. 26]
14. Chidzidzoi pamusoro pomunyengetero chatinodzidza mumunyengetero waHana, sezvakanyorwa pana 1 Samueri 1:11? [w95-CA 3/15 p. 4]
15. Nei kune mufungo kudavira kuti avo vanomutsirwa kuupenyu pasi pano vachatongwa pahwaro hwezviito zvavo zveramangwana? (VaR. 6:7) [rs-CA p. 338 ndima 1]
16. Ndezvipi zvinhu zvina zvikuru zvinoparira chinzwano icho vanhu vaJehovha vanofarikanya nhasi? [uw-CA map. 8-9 ndima 8, 9]
17. Apo pwere inotarisana nechisarudzo, iyo inogona sei kuratidza kuti iri kukura kuva mukuru akavimbika? [yp-CA p. 33 ndima 1, 2]
18. Mukuwedzera kumavara akatanhamara aJehovha orudo, ruramisiro, uchenjeri, uye simba, chii chatinogona kudzidza pamusoro pounhu hwake hunofadza muna Eksodho 34:6, Pisarema 86:5, uye Mabasa 10:34, 35? [uw-CA p. 13 ndima 3]
19. Pashure pokuenzanisa Johane 14:9, 10 naRuka 5:12, 13, nei tichigona kugumisa kuti Jehovha anonzwira tsitsi rudzi rwomunhu rwunotambura? [uw-CA p. 26 ndima 12(1)]
20. Pwere inogona sei kuita kuti kuibvirire imene kuva noruzivo rwokuzviwanira apo inenge ichiri kugara pamusha? [yp-CA p. 63]
Govera shoko (mashoko) kana kuti chitsama chamashoko chinodikanwa kupedzisa kutaura kumwe nokumwe kunotevera:
21. Ebhedhimereki akafanofananidzira , ayo achachengetwa pa ․․․․․․․․ nemhaka yokuti akava noushamwari uye akabatsira ․․․․․․․․ vehama dzaKristu. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w82-CA 10/1 p. 27 ndima 11.]
22. Kunyange zvazvo Jesu achitaurwa nezvake sa“mwari,” pana Johane 17:3 iye akadana Jehovha kuti “Mwari uri ․․․․․․․․ wazvokwadi,” uye pana Johane 20:17 iye akanongedzera kuna Jehovha sa“Mwari “․․․․․․․․ naMwari ․․․․․․․․.” [uw-CA p. 18 ndima 12]
23. Zviitiko zvinorondedzerwa pana Jeremia 52:5-11 zvakaitika muna ․․․․․․․․ B.C.E. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w88-CA 4/1 p. 14 ndima 18.]
24. Panzvimbo pokukudza ․․․․․․․․ zvomutevedzani, zviri nani kuratidza ․․․․․․․․, urwo rwunofukidza zvivi zvizhinji. [yp-CA p. 52]
25. Kukudza vabereki vako hakusati bedzi kuri chinhu chokuchenjera chokuita asiwo chinhu ․․․․․․․․ chokuita mu ․․․․․․․․ aMwari. [yp-CA p. 17 ndima 3]
Sarudza mhinduro yakarurama mukutaura kumwe nokumwe kunotevera:
26. Bhaibheri iShoko raMwari nemhaka yokuti (vashanduri vakaripa zita iroro; varume vakazvipira vakarinyora; Mwari nenzira yokushingaira akatungamirira kunyorwa kwaro). [uw-CA p. 20 ndima 2]
27. Kana ukarava mapeji (rimwe; maviri; mana) chete eBhaibheri zuva riri rose, waizoripedza muinenge (mwedzi mitanhatu; mwedzi mipfumbamwe; gore rimwe). [uw p. 24 ndima 9]
28. Kana pwere ichinzwa kuti haina ‘zvikwaniriso zvomudzimu’ kuti igadziridze shamwari inokanganisa, iyo inofanira (kuramba yakanyarara ndokubvumira shamwari yacho kupfuurira nomuitiro wayo; kuita makuhwa pamusoro penhau yacho kune dzimwe pwere; kuona kuti nhau yacho inoshumwa kune mumwe munhu akakwaniriswa kubetsera). [yp-CA p. 68]
29. Jehovha aka“gombedzera” Jeremia mukuti Iye (akamunyengera kuti aparidze shoko reshurikidzo; akamushandisa kuita zvaangadai asina kugona kuita nesimba rake amene; haana kuparira ruparadziko urwo Jeremia akanga aporofita). (Jer. 20:7) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w89-CA 5/1 p. 31.]
30. Kutaura kwokuti “mahwiro eyeuko,” kunowanwa pana Johane 5:28, NW, kunonongedzera ku(makuva omunhu mumwe nomumwe; guva ravose rorudzi rwomunhu; kuyeukwa kwomunhu akafa kunoitwa naMwari). [rs-CA p. 339 ndima 3]
Nzwananisa magwaro anotevera nokutaura kwakarongwa pasi apa: Zvir. 3:5, 6; Jer. 23:33; 32:9, 10; Mariro 3:44; Zvak. 15:3, 4;
31. Hwaro hwechinzwano chechokwadi chokunamata kuziva Jehovha nokurarama mutsinhirano nenzira dzake dzakarurama. [uw-CA p. 5 ndima 1]
32. Upenyu hwedu hwose—pasinei hapo nokwatiri, pasinei hapo nezvatiri kuita—hunofanira kupa ufakazi hwokuti kufunga kwedu uye vavariro dzedu zvine chokuita naMwari. [uw-CA p. 10 ndima 11]
33. Jehovha haateereri minyengetero yavakaipa. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w87-CA 7/15 p. 15.]
34. Shoko rinokosha rouporofita rinobva muShoko raMwari rakazadzwa neshurikidzo, richizivisa ruparadziko rwava pedyo rwechiKristudhomu. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w94-CA 3/1 p. 12 ndima 18, 20.]
35. Pakupinda mumibato yebhizimisi navanamati biyedu vaJehovha, bvumirano inonyorwa inogona kudzivisa kusanzwisisana kungagona kumuka panguva yapashure. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; w95-CA 5/1 p. 30.]