“Shingairira Mabasa Akaisvonaka” Mukati maApril!
1 Gore rapera uchapupu husina kumbovako hwakapiwa apo mamiriyoni emakopi eturakiti raMashoko oUmambo Nha. 34 akaparadzirwa munyika yose. Vaparidzi veungano namapiyona zvakafanana vakagoverana nokushingaira muiri basa rinonyandura. Wakanga uri pakati pavo here? Kana wakanga uripo, pasina panikiro wakasanofarikanya kuva norutivi munhimbe iyoyo yakatanhamara. Zvino ungave uchishamisika kuti, Nderipi ‘basa rakaisvonaka’ ratakachengeterwa gore rino?—Tito 2:14.
2 Mukati maApril nokuvamba kwaMay, tichava nomufaro wokuparadzira chinyorwa chaicho chemagazini yeMukai!, chinyorwa chaMay 8, 1996, chinosimbisa “Apo Hondo Dzinenge Dzisisipozve.” Sezvo uyu musoro uchafadza vanasaimba vakawanda zvikuru, tichavavarira kuparadzira magazini yacho zvikurusa zvinobvira. Nemhaka youkoshi hwemashoko achinawo, ichi chinyorwa cheMukai! chinofanira kusimbiswa mukati maApril uye kupinda muna May, kutozosvikira migove yapera.
3 Nharidzano Yedu—Kutora Rutivi Kunoitwa Navaparidzi Vose: Kwaizova kunokurudzira zvirokwazvo kudai muparidzi ari wose ari munyika ino aigona kuva negoverano mubasa rokuparidza mukati maApril. NeChirangaridzo chorufu rwaKristu chichangobva kuitwa, zvirokwazvo tichada kuratidza kuonga kwedu runako rwaMwari kupfurikidza nokupa “chibayiro cherumbidzo” chakananga muushumiri hwomumunda.—VaH. 13:15, NW.
4 Nhamburiko yokushingaira inofanira kuitwa yokuziva zvinodikanwa zvomutezo uri wose weungano kuti vose vagogona kuva negoverano yokushingaira muushumiri mukati maApril. (VaR. 15:1) Vaitisi vefundo dzebhuku vanofanira kuziva zvizere mamirire ezvinhu aavo vari mumapoka avo ndokupa betsero inoshanda apo kunenge kuri madikanwa. Munhu upi noupi anoda chokufambisa here? Ndiani anogona kuchigovera? Vamwe vanotya kana kuti vanonyara here? Vaparidzi vakawanda vane ruzivo rwokuzviwanira zvikuru vanogona kushanda pamwe chete navo here? Zvakadiniko naavo vasingagoni kubva pamba kana kuti avo vanorwara? Vangagona kuita kupupura kwaparunhare, kunyora tsamba, kana kuti mumwe mubato unobudirira here?
5 Vamwe avo vakava vasingachaiti basa vave vachigamuchira kurudziro yomudzimu yenguva dzose, uye vanganyandurwa kupinda mubasa rokuparidza zvakare. Nhimbe neMukai! chaiyo ichavagovera mukana wakaisvonaka wokumutsidzirwa.
6 Rovedza Vaduku Kutora Rutivi: Vana vakawanda veZvapupu zvaJehovha vakaperekedza vabereki vavo paimba neimba kwamakore, kunyange zvazvo vachigere kubatira savaparidzi vasina kubhapatidzwa. Ino ndiyo nguva yokuti vatange here? Vanosundwa zvichibva pamwoyo uye vakagadzirira kuva negoverano ine revo here mubasa repaimba neimba? Misoro yemhuri inofanira kushandisa nguva mukati mefundo yeBhaibheri yemhuri kubetsera vana vayo vanokwanirisa kugadzirira mharidzo yakawiriraniswa nezera romumwe nomumwe nemano. Vanhu vakuru vanogona kusarudza mubvunzo unonyandura kufunga wokunyandura nawo fariro yasaimba ipapo ndokuonesa mhinduro mumagazini yacho. Vana vaduku vanogona kupa uchapupu hunobudirira mumashoko mashomanene chete. Somuenzaniso, vanogona kukurudzira saimba ku“rava magazini chaiyo iri kugoverwa munyika yose mwedzi uno.” Sorutivi rwegadziriro yenyu yemhuri, ivai nechokwadi chokubatanidza zvikarakadzo zvokukurira zvirambidzo zvinozivikanwa navose. Muchawana mifungo yakanaka yakati wandei mubhuku raKurangarira. Panguva dzezvokudya nepadzimwe nhambo dzakakodzera, kurudzirai mitezo yemhuri kurondedzera zvakaitika zvavakava nazvo mubasa romumunda.
7 Vadzidzi veBhaibheri Vanokwanirisa Vanoita Basa Iro Jesu Akaita: Jesu haana kuganhurira kudzidzisa kwake kukupa mirayiridzo pamusoro penhau dzedzidziso. Akaenda nevadzidzi vake muushumiri ndokuvadzidzisa nzira yokuparidza nayo. (Ruka 8:1; 10:1-11) Ndeapi ari mamirire ezvinhu nhasi? Fundo dzeBhaibheri dzinopfuura 34 500 dziri kuitiswa muZimbabwe. Pasina panikiro, nekurudziro yakafanira vakawanda vaava vadzidzi vangagona kuita nhano inotevera murovedzo yavo ndokukwanirisa kubatira savaparidzi vasina kubhapatidzwa muna April.
8 Kana uri kuitisa fundo yeBhaibheri, rangarira iyi mibvunzo: Mudzidzi wacho ari kuita fambiro mberi here, inowirirana nezera rake nemano? Akavamba kugoverana navamwe kutenda kwake nenzira isina kurongwa here? Ari kupfeka “unhu hutsva” here? (VaK. 3:10) Anosvitsa zvikwaniriso zvavaparidzi vasina kubhapatidzwa, zvakarongwa pamapeji 97 kusvikira ku99 ebhuku raHushumiri Hwedu here? Kana uchidavira kuti anokwanirisa, kuregererei kukurukura nhau yacho naye? Vamwe vadzidzi vanoda kokero yakananga bedzi kuti vagoverane mubasa racho. Chokwadika, kana mudzidzi achidisa, kutanga kuchava kuri madikanwa kuti mutariri anotungamirira aronge nenzira yenguva dzose nokuda kwekurukurirano nevaviri vevakuru. Kune rumwe rutivi, chimwe chinhu chingave chiri kudzosera shure mudzidzi wacho. Zvichida mumwe wavakuru angagona kuenda newe pafundo yacho yeBhaibheri ndokuita kuti mudzidzi ataure pamusoro pemirangariro yake kuzvokwadi. Pashure pokuteerera zvaanotaura, mukuru wacho angakwanisa kugovera zvikarakadzo zvinoshanda, pamwe chete nebetsero yapaMagwaro.
9 ‘Tenga Nguva’ Kuti Uite Upiyona Hwebetsero: Gore rimwe nerimwe mukati menguva yeChirangaridzo, kuonga rudzikinuro kunosunda zviuru kuti zvi‘tenge’ nguva kuti zvive mapiyona ebetsero. (VaEf. 5:15-17) Kunyange zvazvo kurega zvimwe zvinhu kuchidikanwa, tuso dzacho ihuru. Pwere dzakawanda zvikuru dzinoshandisa zororo rechikoro kuti dziite upiyona hwebetsero. Vanhu vakuru avo vanoshanda nguva yakazara vanoshandisa manheru nokupera kwevhiki zvakakwana mumubato mumwe chete iwoyu. Nokudaro, mhuri dzose dzakazivikanwa kuva dzinoita upiyona hwebetsero pamwe chete! Mudzimwe ungano vakawanda zvikurusa vavakuru navabatiri vanoshumira navadzimai vavo vakanyoresa samapiyona ebetsero. Vanyandurwa nomuenzaniso wavo wokushingaira, vamwe vakatevedzera muenzaniso wavo, zvokuti nhamba huru muzana yeungano inobatira semapiyona ebetsero muna April.
10 Kana uchikwanisa kuita upiyona hwebetsero kana kuti kwete, tsvaka nzira dzokuwedzera nadzo basa rako mumunda mukati maApril. Zvigadzire umene nharidzano yomunhu oga, iyo ichada nhamburiko kuti usvike asi inosvikika. Chishuvo chako choku“pedza zvose zva[ko], nokupedzwa” mubasa raJehovha, mukuwirirana nemamirire ezvinhu ako omunhu oga, chichava nechikomborero chake.—2 VaK. 12:15.
11 Misangano Yebasa Romumunda: Misangano yebasa romumunda inofanira kurongwa zuva riri rose renhimbe yeMukai!, panguva ichabvumira kukurumidza kutanga muushumiri. Gadziriro inofanira kuitwawo nokuda kwokupupura kwamanheru. Vaparidzi vakawanda zvikurusa vachave vachipinda mubasa romumunda pakupera kwevhiki, naizvozvo ungano dzinofanira kuronga misangano yebasa romumunda paZvitanhatu, mose muri muviri mumangwanani nemumasikati, kwenhambo yokuparadzirwa kweMukai! chaiyo.
12 Avo vanoitisa misangano yebasa romumunda vanofanira kuva nechokwadi chokuti kune ndima huru iripo. Ndima isina kushandwa nguva pfupi yapfuura inofanira kutanga kufukidzwa. Zvisinei, ndima isina kugoverwa inotarisirwa neSosaiti haifaniri kushandwa pasina mvumo yeSosaiti. Une ndima imwe kana dzinopfuura dzako pachako dzisina kufukidzwa nguva pfupi yapfuura here? Kana uchizoda betsero mukudzishanda mukati menhimbe, taura nemutariri webasa kana kuti hama inotarisira ndima uye vachafara kuronga kuti uve nerubatsiro.
13 Uchagovera Magazini Mangani? Mubvunzo iwoyo ndewemunhu mumwe nomumwe kuti apindure. Mukusarudza kuti magazini mangani aunogona kugovera mukati menhimbe, rangarira rudzi rwendima yauchave uchishanda, zera rako, utano hwako, nguva yaunogona kupa kubasa racho, uye zvimwe zvinhu. Cherekedza, zvisinei, chiyeuchidzo chinopiwa muchinyorwa chaJanuary 1, 1994, cheNharireyomurindi, kuti: “Sechikarakadzo, vaparidzi vangava nenharidzano, toti, magazini 10 pamwedzi, kuchitsamira pamigariro yavo; mapiyona angavavarira 90.” Nharidzano yakafanana ichava inobvira here kwauri?
14 Vakuru—Kuronga Kwokungwarira Kunodikanwa: Ivai nechokwadi chokuti, kana zvichibvira, ndima yose yeungano ichashandwa nechinyorwa chaicho cheMukai! Kusanongwarira kunofanira kupiwa kukushanda ndima yebhizimisi yakagoverwa kuungano. Avo vanoishanda vanofanira kuva vakasanogadzirira uye vakapfeka zvakatsvinda. Mharidzo yemaoresa haisiri madikanwa. Pakusvika muzvinabhizimisi, unogona kutaura kuti hauwanzosangana nevanhu vebhizimisi pamusha, naizvozvo washanyira nzvimbo yake yebhizimisi kuti uratidze nyaya ichamufadza zvirokwazvo. Ipapo unogona kugoverana nokupfupikisa pfundo rakananga riri mumagazini yacho. Kupupura kwomumugwagwa nemagazini kunofanirawo kurongwa zvakafanira mukati mendima yeungano. Nzira inobudirira zvikurusa yokuita nayo basa romumugwagwa ndeyokutanga kuita chiito ndokusvika vanopfuura, panzvimbo pokumirira kuti vakusvike. Sezvo unenge uchicherekedzwa nevoruzhinji, unofanira kungwaririra kuva nechitarisiko chinoremekedzwa. Kungave kune dzimwe nzvimbo mundima yenyu dzingagona kushandwa mukati menhimbe, dzakadai senhandare dzendege, mokumisa motokari, zvipatara, mapaka, uye misha inochengeterwa vakwegura. Mutumbi wavakuru unofanira kusarudza kuti igadziriroi dzakafanira dzinogona kuitwa dzokupupura muidzi nharaunda dzendima yenyu yeungano.
15 Jehovha mushandi asinganeti. (Joh. 5:17) Akasika matenga nepasi pamwe chete nezvinomera nemhuka; asi akapfuurira kushanda kutozosvikira aita basa rake rokupedzisira pasi pano—munhu. Idi rokuti tine upenyu mugumisiro wakananga wokudisa kwaMwari kushanda. Sa“vatevedzeri vaMwari,” tinofanira kusundwa nokumuda kwedu ku“shingairira mabasa akaisvonaka.” (VaEf. 5:1; Tito 2:14, NW) Sezvo Jehovha akafanirwa nokuwana nhamburiko yedu yakanakisisa zvikuru uye sezvo chishuvo chokuwana migumisiro chichiratidzira uyo anoshingaira, tinofanira kufarira kuita basa rakanaka muushumiri. Chokwadika, Jehovha anoonga kurega zvimwe zvinhu kupi nokupi kwatinoita nokuda kwake, uye basa redu harisitongori risina maturo. (1 VaK. 15:58) Naizvozvo, nemwoyo inoonga, ngatizvishandise timene kumubato wokushingaira mukati maApril, tiine chivimbo chetendero yaJehovha nechikomborero uye chebudiriro huru!