RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/96 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 4/96 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa nokuda kwaApril naMay: Kuzvinyoresa kweNharireyomurindi nokuda kwe$25,00 kwegore rimwe kana kuti $12,50 kwemwedzi mitanhatu. Mundima inofukidzwa kazhinji kazhinji, bhurocha ripi neripi (kunze kwebhurocha raDzidzo naSchool) ringagoverwawo nokuda kwe$1,50. June: Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda nokuda kwe$7,50 kana kuti Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei? nokuda kwe$5,00. July naAugust: Ripi neripi ramabhurocha amapeji 32 anotevera nokuda kwe$1,50 rimwe: Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa, Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako?, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”, Unofanira Kudavira Utatu Here?, kana kuti bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda nokuda kwe$7,50. CHEREKEDZAI: Ungano dzisati dzaodha zvinhu zvenhimbe zvadudzwa pamusoro apa dzinofanira kuita kudaro paFomu radzo Reodha Yamabhuku (S-14) romwedzi nomwedzi rinotevera.

◼ Zvakare tingada kuyeuchidza vaparidzi vose kushuma panguva, sezvinoziviswa muungano yavo. Munyori anokarirwa kutumira mushumo weungano kuhofisi yedu pamusi wa6 kana kuti usati wasvika wemwedzi unotevera. Tapota mose mungarerutsa here basa rake kupfurikidza nokushuma nokukurumidza sezvinobvira pakupera kwomwedzi.

◼ MUNYORI: Tapota ivai nechokwadi chokuti munotumira mushumo weungano kuhofisi yedu musi wa6 kana kuti usati wasvika wemwedzi. Ikoku kunofanira kuitwa pasinei zvapo nokuti vaparidzi vose vashuma panguva here kana kuti kwete. Uyewo, ivai nechokwadi chokuti kadhi reS-1 rinozadzwa zvakarurama. Dzokororai kunzvera musati maritumira kuSosaiti.

◼ Hapana musangano unofanira kuitwa paChipiri, April 2, 1996, kunze kweKuchengetwa kweChirangaridzo. Kana mutariri wedunhu ari kushanyira ungano yenyu, Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari neMusangano Webasa zvinofanira kuitwa paimwe nguva yakakodzera mukati mevhiki.

◼ Wakarangarira kana ungagona kupayona here kana kuti kwete mwedzi uno waApril? Hakusi kunyanyononoka kuti uzadze kumbiriso. Ungakumbira fomu rekumbiriso kumutariri anotungamirira kana kuti munyori.

◼ RURAMISO:

Mubhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi muShona, muganhuro 2, ndima 23, mutsetse wechipiri, wedzerai [weshoko, NW] pashure pa“mukaka.”

MuNharireyomurindi yaNovember 15, 1995, tapota chinjai “rokufananidzira” kuva “rokufananidzirwa” munzvimbo dzinotevera:

Peji 15: ndima 2

Peji 16: ndima 5

Peji 17: ndima 7, 8, 10, 11; mubvunzo 8

Peji 18: ndima 12, 13, 14, 15; mubvunzo 12

Peji 19: ndima 16, 19; mubvunzo 17; mibvunzo yebhokisi rokudzidzisa 3 ne4

Peji 20: ndima 20, 21; mubvunzo 20.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe