RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/00 p. 3
  • Bhokisi Remibvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remibvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Chikamu 7—Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Simudzai Maoko Akavimbika Muchinyengetera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Koshesa Ropafadzo Yauinayo Yekunyengetera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Minyengetero Yako Inoratidzei Nezvako?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 6/00 p. 3

Bhokisi Remibvunzo

◼ Ndiani anofanira kunyengetera pamisangano yeungano?

Munyengetero weungano ndechimwe chinhu chinokosha chokunamata kwatinoita. Kumiririra vamwe pamberi paJehovha iropafadzo inokosha uye mutoro unorema. Nemhaka yokukosha kwawo, vakuru vanofanira kufunga zvakanaka pavanosarudza kuti ihama dzipi dzinokwanisa kunyengetera pamisangano. Hama dzakabhabhatidzwa dzinomiririra ungano dzinofanira kuva vashumiri vechiKristu vakura vanozivikanwa semienzaniso yakanaka uye vanoremekedzwa neungano. Minyengetero yavo inokudzwa uye inoremekedzwa inofanira kuzivisa ukama hwakanaka kwazvo naJehovha Mwari. Nyaya inoti “Kunyengetera Pamberi Pavamwe Nomwoyo Unozvininipisa” iri mumagazini yeNharireyomurindi yechiNgezi yaMay 15, 1986, inoratidza nheyo dzinokosha dzinobatsira zvakanyanya vaya vanonyengeterera ungano pachena.

Vakuru havangaiti kuti hama inyengetere kana ichizivikanwa nomufambiro unomutsa mibvunzo kana kuti usina kufanira. Hama isingagutsikani kana kuti inoda kushandisa munyengetero wokumiririra vamwe senzira yokutaura kusawirirana kwainoita navamwe haingasarudzwi. (1 Tim. 2:8) Kunyange zvazvo hama iri kuyaruka ingava yakabhabhatidzwa, vakuru vanofanira kusarudza kana yakakura mumudzimu zvokukwanisa kunyengeterera ungano.—Mab. 16:1, 2.

Nguva nenguva pamisangano yebasa romumunda, zvingava zvinodiwa kuti hanzvadzi yakabhabhatidzwa inyengetere kana pasina hama inokwanisa kumiririra boka racho. Ichafanira kupfeka chifukidziro chomusoro chakakodzera. Kana zvingangoita kuti hama inokwanisa haizovipo pane mimwe misangano yebasa, vakuru vanofanira kugovera hanzvadzi inokwanisa kuti itungamirire.

Muitiro kuti sachigaro woMusangano Wavose ape munyengetero wokutanga. Zvisinei, pane mimwe misangano yeungano, kana pane dzinopfuura hama shomanana dzinokwanisa dziripo, mumwe munhu asiri hama inozarura musangano wacho kana kuti yagoverwa chikamu chokupedzisira angadanwa kuti ape munyengetero wokuzarura kana kuti wokupfiga. Chero zvamunoita, hama inodanwa kuzonyengetera pamusangano weungano inofanira kufanoudzwa kuitira kuti igogona kufunga zvaichataura. Zvadaro ingapa munyengetero unowirirana, wemwoyo wose wakakodzera musangano iwoyo.

Minyengetero yakadaro haifaniri kureba. Kana hama ichinyengeterera vamwe, kazhinji ichanzwika zviri nani kana ikasimuka, ikataura nenzwi rinonzwika zvakanaka, uye ikataura zvakajeka. Izvi zvichaita kuti vose vaya vakaungana vanzwe munyengetero wacho uye pakupedzisira vati “Ameni!” zvinobva pamwoyo.—1 Mak. 16:36; 1 VaK. 14:16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe