RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/95 p. 1
  • Mufambiro wechiKristu Muchikoro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mufambiro wechiKristu Muchikoro
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Pwere dzechiKristu—Ivai Vakasimba Mukutenda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kutenda Kwako Kuchange Kwakasimba Zvakadii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Une Kutenda Mumashoko Akanaka Zvechokwadi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Jehovha Anotibatsira Sei Kutsungirira?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 8/95 p. 1

Mufambiro wechiKristu Muchikoro

1 Kana uri pwere yechiKristu ichiri muchikoro, unoda kutenda kwakasimba kuti uchengete perero yako. Uri kuratidzirwa kuvasonganiri vakaipa uye kumamirire ezvinhu ayo anogona kuedza kutenda kwako. Kwakakosha kuti ushandise zano raPetro rokuti, “mufambire wenyu uve wakanaka pakati pavahedheni; kuti . . . varumbidze Mwari nezuva rokushanyira, kana vachiona mabasa enyu akanaka.” (1 Pet. 2:12) Unoda kushinga nokutsunga kuti unangane neiyi denho.

2 Mukati kana kuti kunze kwechikoro, unodenhwa nepesvedzero dzinoshatisa dzevatano yapamberi peroorano, mutauro unonyadzisa, fodya, uye kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo. Zuva riri rose, unonangana nemiedzo iyo inotyisidzira kusvibisa chinyorwa chako chomufambiro wakanaka. Savanhu vakuru, unofanira ku“rwir[a] kwazvo kutenda” kana uchizotsungirira miedzo yakadaro.—Judha 3; ona Nharireyomurindi yaJuly 15, 1991, mapeji 23-6.

3 Kuchikoro, kune mitambo yokuvimbika kunyika yako uye mazororo enyika. Unoziva here mazororo orudzi neorudzidziso anokurudzirwa muchikoro chako? Kana mamirire ezvinhu anodenha akamuka, ungagona ku“va nehana yakanaka, kuti . . . ivo vanomhura mufambire wenyu wakanaka muna Kristu, vanyadziswe” here?—1 Pet. 3:16.

4 Ungaedzwa nokukwezva kwemitambo yechikoro kana kuti kuungana kwokutandara. Unofanira kuva akasvinurira kuziva kuti iyi mitambo inoratidzika seinofarikanywa inogona sei kubvumiranisa pane zvisina kufanira kutenda kwako. Pane dikanwo yokusarudza vasonganiri avo unogona kufarikanya navo ku“nyaradzw[a] pamwe chete,” mumwe nomumwe achiva anovakwa kupfurikidza nokutenda kwomumwe.—VaR. 1:12.

5 Unogona Kutsungirira, Nebetsero yaJehovha: Satani nguva dzose anoedza kutenda kwako. Miedzo yaunofanira kutsungirira inogona kuva yakakomba, asi tuso dzinokuita kwose kwakakodzera. (1 Pet. 1:6, 7) Haugoni kutsungirira nenzira inobudirira pachako; unofanira kutarira kuna Jehovha nokuda kwebetsero. Jesu akakurudzira vadzidzi vake, kuti: “Rindai, munyengetere, kuti murege kupinda mukuidzwa.” (Mat. 26:41) Chirango uye kuzvidzora zvakakosha.—1 VaK. 9:27.

6 Nguva dzose yeuka kuti unozvidavirira kuna Jehovha nokuda kwomufambiro wako. (Mup. 11:9) Kunyange zvazvo zvaunoita zvingasacherekedzwa navamwe, Jehovha anoziva zvaunoita uye achaita rutongeso. (VaH. 4:13) Chishuvo chechokwadi chokumufadza chinofanira kukusunda ku‘shandira ruponeso rwako nokutya nokudedera.’ (VaF. 2:12) Kurava Shoko raMwari zuva nezuva ibetsero huru. Iro rakazadzwa nezano rakaisvonaka uye mienzaniso yakaisvonaka yokutevedzera.—VaH. 12:1-3.

7 Vabereki, munoita rutivi rwakakosha. Munofanira kutarisira vana venyu, kuva munoziva zvinetso izvo vana vanotarisana nazvo, uye kugovera betsero apo inenge ichidikanwa. Mune ukama hwakanaka navana venyu here? Makaroverera mavari nzwisiso yokuonga mitemo yaMwari nenheyo here? Apo vanenge vatarisana nedzvinyiriro kana kuti miedzo, vana venyu vakasimba here, kana kuti vanorega nyore nyore? Ivo vanoodzwa mwoyo nemhaka yokuti vanofanira kuva vakasiyana navaenzani vavo here? Savabereki, mune mutoro wokuvabetsera. (Dheut. 6:6, 7) Kana mukaita basa renyu zvakanaka, munogona kuvabetsera kuva vanokunda mukurwira kutenda.—Zvir. 22:6.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe