Bhokisi Remibvunzo
◼ Tinogona sei kutsinhira nenzira inobudirira zvikurusa pamisangano?
Tinotarira mberi kukuungana pamwe chete pamisangano yeungano yevhiki nevhiki. Ikoko tine mukana wokuratidza kutenda kwedu uye kukurudzira vamwe kupfurikidza nokutsinhira. (Zvir. 20:15; VaH. 10:23, 24) Tinofanira kurangarira kutsinhira seropafadzo ndokuvavarira kuva negoverano yenguva dzose. Tinogona sei kuita ikoku nenzira inobudirira zvikurusa?
Gadziriro ndiyo nhano yokutanga. Kurava uye kufungisisa pamashoko pachine nguva mberi kunokosha. Edza kuwana mudzimu wezviri kupiwa. Kunyange zvazvo nhau yacho ingave yakakurukurwa munguva yakapfuura, tsvaga mapfundo api naapi akakudzwa kana kuti akawedzerwa ayo anopiwa. Rangarira musoro mukuru wemashoko. Pakugadzirira tsinhiro muchinyorwa icho chinoratidza fundo youdzame yebhuku reBhaibheri, zvakadai sebhuku raZvakazarurwa, edza kuona kuti ndima yakati inowirirana sei nendima dzakaipoteredza. Kutevera izvi zvikarakadzo kuchanyandura mano ako okufunga. Kuchakubetsera kugadzirira tsinhiro dzakanaka uye kuwana mufaro mukutora rutivi kwako.
Tsinhiro dzakanakisisa ipfupi, dzinotaurwa nenzira yakapfava, uye dzakavakirwa pachinyorwa chiri kufundwa. Mutsinhiri wokutanga anofanira kupindura mubvunzo zvakananga, achisiya mamwe mapfundo nokuda kwetsinhiro dzokuwedzera. Dzivisa tsinhiro refu, dzokupoterera dzinodya nguva yakawanda uye dzinodzivisa vamwe kugoverana. Taura mumashoko ako umene, panzvimbo pokurava tsinhiro yako shoko neshoko muchinyorwa. Tsinhiro dzebetsero dzingagona kubatanidza mapfundo anofukidzwa muMagwaro akarongwa. Sanoteerera izvo vamwe vanotaura kuitira kuti ugogona kudzivisa dzokororo ipi neipi isiri madikanwa.
Kwakanaka kusimudza ruoko rwako kanoverengeka asi kwete pandima iri yose. Tinokumbira vaduku kugoverana mukutsinhira. Kana uchizengurira kutsinhira, ungaita kuti muitisi azive pachine nguva mberi kuti ndeipi ndima yaungada kutsinhira pairi, uye sezvingabvira iye achakwanisa kukupa mukana wokuita kudaro.
Tose zvedu tinofanira kuita nhamburiko yapachokwadi kuti tive nechimwe chinhu chokugoverana pamisangano yeungano iyo inobatanidza kutora rutivi kwavateereri. Yeuka, kubudirira kwemisangano yakadaro kunotsamira zvikuru pakudisa kwedu uye kubudirira kwedu mukutsinhira.—Pis. 26:12.